Shona

Proverbs

4

1imwi vanakomana, inzwai kurairira kwababa venyu; Teererai, muzive njere.2nekuti ndinokupai dzidziso yakanaka; Regai kurasha murayiro wangu.3nekuti ini ndakanga ndiri mwanakomana kuna baba vangu, Mwana oga akadikamwa kwazvo, namai vangu;4Ivo baba vakandidzidzisa, vakati kwandiri, moyo wako ngaunyatsobata mashoko angu; Chengeta mirairo yangu, urarame.5Zviwanire uchenjeri, zviwanire njere; Regai kukangamwa kana kutsauka pamashoko omuromo wangu;6Usahurasha, hugokuchengeta; Uhude, hugokurinda.7Uchenjeri chinhu chikuru kune zvose; saka uzviwanire uchenjeri; Uzviwanire njere nezvose zvaunazvo.8Uhukudze, hugokukwiridza iwe; Huchakuvigira kukudzwa, kana uchihumbundikira.9Huchapa musoro wako chishongo chakanaka; Huchakuisira korona inobwinya.10Chinzwa iwe mwanakomana wangu, ugamuchire zvandinoreva; Makore oupenyu hwako agova mazhinji.11Ndakakudzidzisa panzira youchenjeri; Ndakakufambisa pamakwara akarurama.12Kana uchifamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi; Kana uchimhanya, haungagumburwi.13Natsa kubata kurairirwa; usakuregedza; Ukuchengete, nekuti ndihwo hupenyu hwako.14Usapinda pagwara ravakaipa, Usafamba nenzira yavakashata.15Uinzvenge, usapinda pairi; Tsauka pairi, upfuure hako.16nekuti havavati, kana vasingaiti zvakashata; Vanotorerwa hope dzavo, kana vasingagumbusi vamwe.17nekuti vanodya zvokudya zvezvakaipa, Nokumwa waini yokumanikidza.18Asi gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, Chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru.19Nzira yavakaipa yakaita serima; Havazivi chingavagumbusa.20Mwanakomana wangu, teerera mashoko angu; Rerekera nzeve yako kune zvandinoreva.21Urambe uchitarira, Uachengete mukati momoyo wako.22nekuti ndihwo hupenyu kuna vanowawana, Noukukutu bwemuviri yavo yose.23Chengeta moyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; nekuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.24Bvisa kwauri nhema dzomuromo, Kutsauka kwemiromo ngakuve kure newe.25Meso ako ngaarurame pakutarira; Mafungiro ameso ako ngaatarire mberi kwako.26Gadzirira tsoka dzako gwara; Nzira dzako dzose dzive dzakasimba.27Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe; Rutsoka rwako urubvise pane zvakaipa.