Shona

Proverbs

6

1Mwanakomana wangu, kana uchinge wakazviitira wokwako rubatso, Wazvisunga nokuda komutorwa noruoko rwako,2Wazviteya namashoko omuromo wako, Wabatwa namashoko omuromo wako,3Zvino ita kudai, mwanakomana wangu, uzvirwire, Zvawabatwa noruoko rwowokwako, Enda, undozvininipisa, ukumbire zvikuru kunowokwako.4Usatendera meso ako hope, Kana mafungiro ameso ako kutsumwaira;5Uzvirwire semhara paruoko rwomuvhimi, Seshiri paruoko rwomuteyi.6Enda kumujuru, iwe simbe; Cherekedza nzira dzawo ugova wakachenjera!7Kunyange iwo usina mutongi, Kana mutariri kana mubati,8Unogadzira zvokudya zvawo muzhizha, Nokuunganidza zvokudya zvawo mukukohwa.9Iwe simbe, uchavata pasi kusvikira rinhiko? Uchamuka rinhiko pahope dzako?10Kumbovata zvishomanene, kumbotsumwaira zvishomanene, Kumbofungatira maoko zvishomanene, ndizorore;11Saizvozvo urombo hwako huchasvika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu wakashonga nhumbi dzokurwa.12Munhu asina maturo, munhu anoita zvakaipa, Ndiye anofamba nomuromo une nhema;13Anobwaira nameso ake, anotendekera netsoka dzake, Anodudzira nemimwe yake;14Ane zvisakarurama pamoyo pake, Anosifungira vamwe zvakaipa, Anokusha kupesana.15Saka njodzi yake ichamuwira kamwe-kamwe; Achavhuniwa pakarepo, kusina chingamubatsira.16Zvinhu zvitanhatu zviriko zvinovengwa naJehovha; Zvirokwazvo, tingati kune zvinomwe, zvinomunyangadza, zvinoti:17Meso ounozvikudza, rurimi runoreva nhema, Maoko anodurura ropa risina mhaka;18moyo unofunga mano akaipa, Tsoka dzinokurumidza kuvangira zvakashata;19Chapupu chinonyengera chinoreva nhema, Uye anokusha kupesana pakati pehama.20Mwanakomana wangu, chengeta murayiro wababa vako; Usarasha kudzidzisa kwamai vako.21Uzvisungire nguva dzose pamoyo wako; Uzvishonge pamutsipa wako.22Kana uchifamba, zvichakutungamirira; Kana uchivata pasi, zvichakurinda; Kana womuka, zvichataurirana newe.23nekuti murayiro ndiwo mwenje; murau ndicho chiedza; Kuraira kokurairirwa inzira youpenyu;24Kuti uchengetwe pamukadzi wakaipa, Pakubata kumeso korurimi rwomutorwa.25Usachiva kunaka kwake mumoyo mako; Arege kukubata namafungiro ameso ake.26nekuti nokuda kwechifeve munhu angasvikira pakudya chimeduchetechechingwa; Mukadzi womumwe munhu anovhima upenyu hunokosha.27Ko munhu ungaisa moto muchipfuva chake, nguvo dzake dzikasatsva here?28Kana munhu angatsika mazimbe anopisa, Tsoka dzake dzikasapiswa here?29Ndizvo zvakaita munhu anopinda kumukadzi wowokwake; Ani naani anomubata iye mukadzi haangaregwi kurohwa.30Vanhu havangazvidzi mubi kana achiba Kuti agute kana achinge ane nzara.31Asi kana akabatwa anofanira kudzosera zvava zvinomwe; Anofanira kuripa nefuma yose yeimba yake.32Anoita upombwe nomukadzi, anoshaiwa njere; Anoda kuparadza upenyu hwake ndiye anoita izvozvo.33Uchangozviwanira mavanga nokusakudzwa; Kunyadziswa kwake hakungatongopusikwi.34nekuti godo rinomutsa hasha dzomurume; Haanganzwiri tsitsi pazuva rokutsiva.35Haangavi nehanya nomuripo; Haangatendi, kunyange ukamuvigira zvipo zvizhinji.