1大衛受膏作猶大王(撒下5:1~3)那時,以色列眾人聚集到希伯崙去見大衛,說:“看哪,我們原是你的骨肉。
1Zvino vaIsiraeri vose vakaungana kuna Dhavhidhi paHebhuroni, vakati, Tarirai, isu tiri mafupa enyu nenyama yenyu.
2從前掃羅作王的時候,是你率領以色列人出入征戰;耶和華你的 神曾對你說過:‘你要牧養我的人民以色列,你要作我的人民以色列的領袖。’”
2Kare, kunyange Sauro akanga ari mambo, ndimi maibuda nokupinda naIsiraeri; Jehovha Mwari wenyu akati kwamuri, Iwe uchafudza vanhu vangu valsiraeri, nokuva mutungamiriri
3於是以色列的眾長老都來到希伯崙見大衛王,大衛就在希伯崙,在耶和華面前與他們立約,他們就按照耶和華藉著撒母耳所說的話,膏立大衛作王治理以色列。
3Naizvozvo vakuru vose vaIsiraeri vakaenda kuna mambo paHebhuroni, Dhavhidhi akaita sungano paHebhuroni pamberi paJehovha; ivo vakazodza Dhavhidhi, kuti ave mambo waIsiraeri, sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo waSamueri.
4大衛攻取耶路撒冷(撒下5:6~10)大衛和以色列眾人來到耶路撒冷,耶路撒冷就是耶布斯。那時,當地的居民耶布斯人住在那裡。
4Dhavhidhi navaIsiraeri vose vakakwira Jerusaremu (ndiro Jebhusi); zvino vaJebhusi, vanhu venyika iyo, vakanga varipo.
5耶布斯的居民對大衛說:“你不能進這裡來。”可是大衛佔領了錫安的堡壘,錫安就是大衛城。
5Ipapo vanhu vaigara paJebhusi vakati kuna Dhavhidhi, Haungapindi pano. Asi Dhavhidhi akakunda nhare yeZiyoni; ndiro guta raDhavhidhi.
6大衛說:“誰首先攻打耶布斯人,誰就必作首領和元帥。”洗魯雅的兒子約押首先上去,就作了首領。
6Ipapo Dhavhidhi akati, Anotanga kubaya vaJebhusi ndiye achava mutungamiriri nomukuru wehondo. Zvino Joabhu mwanakomana waZeruya akatanga kukwira, akaitwa mutungamiriri wehondo.
7大衛住在堡壘中,因此人把那堡壘稱為大衛城。
7Dhavhidhi akagara panhare; naizvozvo vakaritumidza zita rinonzi guta raDhavhidhi.
8大衛又重建四周的城牆,從米羅起,以至城的周圍;那城其餘的部分由約押修建。
8Akavaka guta kumativi ose, kubva paMiro kusvikira kumativi ose; Joabhu akagadzira zvimwe zveguta.
9大衛日漸強盛,因為萬軍之耶和華與他同在。
9Dhavhidhi akaramba achikura, nekuti Jehovha wehondo aiva naye.
10大衛的勇士(撒下23:8~39)以下這些人是大衛眾勇士的首領,就是全力幫助他得國的,又與以色列人照著耶和華對以色列人所說的話一同膏立他作王。
10Zvino ndivo vakuru vavarume vane simba vaiva naDhavhidhi, vaimusimbisa paushe hwake, pamwechete navaIsiraeri vose, kuti vamugadze ave mambo, sezvakarehwa naJehovha pamusoro palsiraeri.
11這是大衛眾勇士的數目:哈革摩尼的兒子雅朔班,是三十勇士的首領;他揮舞矛槍,只一次就殺死了三百人。
11Ndiko kuwanda kwavarume vane simba vaiva naDhavhidhi: Joshobhiyami mwanakomana wokuHakimoni, mukuru wavana makumi matatu; iye akasimudza pfumo rake akarwa navana mazana matatu, akavauraya nenguva imwe.
12其次是亞合人朵多的兒子以利亞撒,他是三勇士之一;
12Akamutevera akanga ari Eriazari, mwanakomana waDhodho muAhohi, mumwe wavarume vatatu vaiva nesimba.
13他從前與大衛在巴斯.達閔,非利士人聚集在那裡預備作戰。那裡有塊長滿大麥的田;眾人從非利士人面前逃跑了。
13Iye akanga ana Dhavhidhi paPasidhamini; vaFirisitia vakanga vaunganapo kuzorwa pabindu rakanga rizere nebhari; vanhu vakatiza pamberi pavaFirisitia.
14他們卻站在那塊田中間,保護了那塊田,擊殺了非利士人;這樣耶和華拯救了以色列人,使他們獲得極大的勝利。
14Vakamira pakati pebindu, vakarirwira, vakauraya vaFirisitia, Jehovha akavarwira nokukunda kukuru.
15三十個首領中有三個,下到亞杜蘭洞附近的磐石那裡去見大衛;非利士人的軍隊在利乏音谷安營。
15Zvino vatatu vavakuru vavana makumi matatu vakaburukira kudombo kuna Dhavhidhi kubako reAdhuramu; zvino hondo yavaFirisitia yakanga yadzika matende pamupata weRefaimu.
16那時大衛在山寨中,非利士人的駐軍在伯利恆。
16Zvino nenguva iyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye boka ravarwi vavaFirisitia raiva paBheterehemu nenguva iyo.
17大衛渴望說:“誰能把伯利恆城門旁邊池中的水,拿來給我喝!”
17Dhavhidhi akapanga, akati, Haiwa! Dai mumwe achindipa mvura yetsime reBheterehemu, riri pasuwo, ndimwe!
18這三個勇士就衝過非利士人的軍營,從伯利恆城門旁邊的池裡取水,帶到大衛那裡去,大衛卻不肯喝,把水傾在耶和華面前,
18Ipapo mhare idzo nhatu dzakapasanura napakati pehondo yavaFirisitia, vakandoteka mvura patsime reBheterehemu, riri pasuwo, vakaitora, vakauya nayo kuna Dhavhidhi; asi Dhavhidhi wakaramba kuimwa, akaidururira kuna Jehovha,
19說:“在我的 神面前,我絕對不可以這樣作,我怎能喝這些冒生命危險的人的血呢?因為這是他們冒生命危險取回來的。”因此大衛不肯喝這水。這是三個勇士所行的事。
19akati, Mwari wangu ngaandidzivise, ndirege kuita chinhu ichi! Ndingamwa ropa ravarume ava vakaenda vasingarangariri upenyu hwavo here? nekuti vakauya nayo vasingarangariri upenyu hwavo. Naizvozvo akaramba kuimwa. Ndizvo zvakaitwa nemhare idzo nhatu.
20約押的兄弟亞比篩,是三個勇士的首領;他揮舞矛槍刺死了三百人,因此在三個勇士中贏得了名聲。
20Abhishai munin'ina waJoabhu, ndiye akanga ari mukuru wavatatu avo, nekuti akasimudza pfumo rake akarwa navana mazana matatu, akavauraya; akava nomukurumbira pakati pavatatu avo.
21他在這三個勇士中,是最尊貴的,只是還不及前三個勇士。
21Pakati pavatatu ndiye wakange ane mbiri kukunda vamwe vaviri, akava mukuru wavo; asi haana kuenzana navatatu vokutanga.
22耶何耶大的兒子比拿雅,是甲薛族的勇士,曾有偉大的作為;他擊殺了摩押人亞利伊勒的兩個兒子,又在下雪的日子,下到坑中去擊殺了一隻獅子。
22Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, mwanakomana wemhare weKabhizeeri, akanga aita mabasa makuru, iye akauraya vanakomana vaviri vaArieri waMoabhi, akandourayawo shumba mukati mehunza panguva yechando.
23他又殺死了一個身高兩百多公分的埃及人。這埃及人手裡拿著矛槍,好像織布機軸,比拿雅只拿著棍子下去會他,竟從那埃及人手中把矛槍奪了過來,再用他的矛槍把他殺死。
23Akaurayawo muEgipita, murume akanga akakura kwazvo akasvika makubhiti mashanu; muEgipita uyu akanga akabata pfumo muruoko rwake, asi iye akaburukira kwaari akabata tsvimbo, akabvuta pfumo muruoko rwomuEgipita, akamuuraya nepfumo rake iro.
24這是耶何耶大的兒子比拿雅所行的事,因此在三個勇士中贏得名聲。
24Zvinhu izvi zvakaitwa naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, akanga akakurumbira pakati pemhare idzo nhatu.
25他比那三十個勇士更有聲望,只是還不及前三個勇士。大衛立他作侍衛長。
25Tarirai, iye akanga ane mbiri kukunda vana makumi matatu, asi haana kuenzana navatatu vokutanga. Dhavhidhi akamuita mutariri wavarindi vake.
26軍中勇士有約押的兄弟亞撒黑、伯利恆人朵多的兒子伊勒哈難、
26Mhare dzehondo dzaiva: Ashaheri munin'ina waJoabhu, naErihanani mwanakomana waDhodho weBheterehemu;
27哈律人沙瑪、比倫人希利斯、
27naShamoti muHarodhi, naHerezi muPeroni;
28提哥亞人益吉的兒子以拉、亞拿突人亞比以謝、
28naIra mwanakomana wIkeshi muTekoite, naAbhiezeri muAnatoti;
29戶沙人亞比該、亞合人以來、
29naSibekai muHushati, naIrai muAhohi;
30尼陀法人瑪哈萊、尼陀法人巴拿的兒子希立、
30naMakarai muNetofati, naHeredhi mwanakomana waBhaana muNetofati;
31便雅憫子孫基比亞人利拜的兒子以太、比拉頓人比拿雅、
31naItai mwanakomana waRibhai weGibhiya wavana vaBhenjamini, naBhenaya muPiratoni;
32來自迦實溪的戶萊、亞拉巴人亞比、
32naHurai wehova dzeGaashi, naAbhieri muAribhati;
33巴路米人押斯瑪弗、沙本人以利雅哈巴、
33naAzimavheti muBhaharumiti, naEriabha muShaaribhoni;
34基孫人哈深的眾子,哈拉人沙基的兒子約拿單,
34navanakomana vaHashemi muGizoni, naJonatani mwanakomana waShage muHarari,
35哈拉人沙甲的兒子亞希暗、吾珥的兒子以利法勒,
35naAhiami mwanakomana waSakari muHarari, naErifari mwanakomana waUri;
36米基拉人希弗、比倫人亞希雅、
36naHeferi muMekerati, naAhiya muPeroni;
37迦密人希斯羅、伊斯拜的兒子拿萊、
37naHezero muKarimeri, naNaarai mwanakomana waEzibha;
38拿單的兄弟約珥、哈基利的兒子彌伯哈、
38naJoeri munin'ina waNatani, naMibhari mwanakomana waHagiri;
39亞捫人洗勒、比錄人拿哈萊;拿哈萊是替洗魯雅的兒子約押拿兵器的。
39naZereki muAmoni, naNaharai muBheroti, mubati wenhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu mwanakomana waZeruya;
40以帖人以拉、以帖人迦立、
40naIra muItiri, naGarebhi muItiri,
41赫人烏利亞、亞萊的兒子撒拔、
41naUriya muHiti, naZabhadhi mwanakomana waArai;
42流本支派示撒的兒子亞第拿,他是流本支派的一個首領,有三十人跟隨他。
42naAdhina mwanakomana waShiza muRubheni, mukuru wavaRubheni, navana makumi matatu naye;
43瑪迦的兒子哈難、彌特尼人約沙法、
43naHanani mwanakomana waMaaka, naJoshafati muMitini;
44亞施他拉人烏西亞、亞羅珥人何坦的兒子沙瑪和耶利、
44naUziya muAshiterati, naShama naJeyieri vanakomana vaHotami muAroeri;
45提洗人申利的兒子耶疊和他的兄弟約哈、
45naJedhiaeri mwanakomana waShimiri, naJoha munin'ina wake, muTizi;
46瑪哈未人以利業、伊利拿安的兒子耶利拜和約沙未雅、摩押人伊特瑪、
46naErieri muMahavhi, naJeribhai, naJoshavhia, vanakomana vaErinaami, naItima muMoabhu;
47以利業、俄備得和米瑣八人雅西業。
47naErieri, naObhedhi, naJaasieri muMezobha.