聖經新譯本

Shona

1 Chronicles

13

1約櫃停放在俄別.以東的家(撒下6:1~11)大衛與千夫長、百夫長和所有的領袖商議。
1Zvino Dhavhidhi akarangana navakuru vechiuru chamazana navamazana, navatungamiriri vose,
2然後大衛對以色列全體會眾說:“你們如果認為好,認為這事是出於耶和華我們的 神,我們就差遣人走遍以色列各地,去見留在各地的兄弟,以及和他們在一起住在那些有草場的城的祭司和利未人,叫他們都聚集到我們這裡來。
2Dhavhidhi akati kuungano yose yaIsiraeri, Kana imwi muchiti zvakanaka, uye kana zvichibva kuna Jehovha Mwari wedu, ngatitume shoko kose kuhama dzedu dzakasara munyika yose yalsiraeri, nokuvapristi navaRevhi vari mumaguta avo anamafuro, kuti vaungane nesu;
3我們可以把我們 神的約櫃運到我們這裡來,因為在掃羅的日子,我們都沒有在約櫃前求問 神。”
3tidzoserezve areka yaMwari wedu kwatiri, nekuti hatina kuirangarira pamazuva aSauro.
4全體會眾都同意這樣行,因為這事眾人都認為對。
4Ungano yose ikatenda kuzviita; nekuti vanhu vose vakati zvakanaka.
5於是大衛把以色列眾人,從埃及的西曷河直到哈馬口,都招聚來,要把 神的約櫃從基列.耶琳運來。
5Zvino Dhavhidhi akaunganidza vaIsiraeri vose, kubva paShihori irwo rukova rweEgipita, kusvikira pavanopinda paHamati, kuti vatore areka yaMwari paKiriatijearimi.
6大衛和以色列眾人去到巴拉,就是屬猶大的基列.耶琳,要從那裡把 神的約櫃運回來;這約櫃是以坐在二基路伯上面的耶和華而起名的。
6Dhavhidhi akakwira, iye navaIsiraeri vose, vakaenda Bhaara, ndiro Kiriatijearimi raiva raJudha, kuzotorapo areka yaMwari, iye Jehovha agere pamakerubhi pamusoro pawo, pavanonamata Zita rake.
7他們把 神的約櫃,從亞比拿達家裡抬出來,放在一輛新車上,烏撒和亞希約負責趕車。
7Vakatakura areka yaMwari pangoro itsva, vakaibvisa paimba yaAbhinadhabhu; Uza naAhio vakafambisa ngoro.
8大衛和以色列眾人在 神面前,用詩歌,以及彈琴鼓瑟、敲手鼓、響鈸和吹號,盡情歡慶。
8Dhavhidhi navaIsiraeri vose vakatamba pamberi paMwari nesimba ravo rose nenziyo, nembira, nemitengerangwa, nengoma, namakandira, nehwamanda.
9他們到了基頓禾場的時候,因為牛失蹄絆倒,烏撒就伸手扶住約櫃。
9Zvino vakati vachisvika paburiro raKidhoni, Uza akatambanudza ruoko rwake kuti abate areka, nekuti nzombe dzakanga dzogumburwa.
10於是耶和華向烏撒發怒,因為烏撒伸手把約櫃扶住,所以 神把他擊殺,他就在那裡死在 神面前。
10Kutsamwa kwaJehovha kukamukira Uza, akamuuraya, nekuti akatambanudza ruoko rwake kuti abate areka; akafirapo pamberi paMwari.
11大衛因耶和華忽然殺死烏撒,非常不悅,就稱那地方為毗列斯.烏撒,直到今日。
11Ipapo Dhavhidhi akaora moyo nekuti Jehovha akarova Uza; akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Pereziuza kusvikira zuva ranhasi.
12那天,大衛懼怕 神,說:“我怎可以把 神的約櫃運到我這裡來呢?”
12Dhavhidhi akatya Mwari nomusi uyo, akati, Ndingaisa areka yaMwari kumusha kwangu seiko?
13所以,大衛沒有把約櫃運到大衛城他自己那裡去,卻轉運到迦特人俄別.以東的家裡去。
13Naizvozvo Dhavhidhi haana kuisa areka yaMwari kumusha kwaDhavhidhi, asi akaitsausira kumba kwaObhedhi-Edhomu muGiti.
14 神的約櫃存放在俄別.以東的家裡三個月,耶和華賜福給俄別.以東的家和他的一切。
14Areka yaMwari ikagara pamhuri yaObhedhi-Edhomu mumba make mwedzi mitatu; Jehovha akaropafadza imba yaObhedhi-Edhomu nezvose zvaakanga anazvo.