聖經新譯本

Shona

1 Chronicles

27

1以色列的軍事組織以色列人各家族的首領、千夫長、百夫長和服事王的所有官長,都按著他們的數目分定班次,每年按月輪班,每班有二萬四千人。
1Zvino vana vaIsiraeri vakaverengwa vakuru vedzimba dzamadzibaba, navakuru vezviuru navamazana, navatariri vavo vaibatira mambo pazvinhu zvose zvamapoka aipinda nokubuda mwedzi mumwe nomumwe, mwedzi yose yegore, boka rimwe nerimwe rikasvika zviuru zvina makumi maviri nezvina.
2負責正月第一班的,是撒巴第業的兒子雅朔班,他那一班有二萬四千人。
2Mutariri weboka rokutanga, pamwedzi wokutanga, akanga ari Jashobhiyami mwanakomana waZabhadhieri; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.
3他是法勒斯子孫中的首領,統管正月那一班所有的軍長。
3Iye akanga ari mumwe wavana vaPerezi, mukuru wavatariri vose vehondo pamwedzi wokutanga.
4負責二月那一班的是亞哈希人朵代,他那一班還有副官密基羅,他那一班有二萬四千人。
4Mutariri weboka romwedzi wechipiri akanga ari Dodai muAhohi, neboka rake; Mikiroti ndiye aivaraira; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.
5三月第三班的軍長是大祭司耶何耶大的兒子比拿雅,他那一班有二萬四千人。
5Mukuru wechitatu wehondo pamwedzi wechitatu, akanga ari Bhenaya, mwanakomana womupristi Jehoyadha, iye mukuru; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.
6這比拿雅是那三十位勇士中的一位,管理那三十人;他那一班還有他的兒子暗米薩拔。
6Uyu ndiye Bhenaya uya, akanga ari munhu wesimba pakati pavana makumi matatu, waiva mutariri wavana makumi matatu; Amizabhadhi mwanakomana wake akanga ari weboka rake.
7四月第四班的軍長是約押的兄弟亞撒黑,接續他的是他的兒子西巴第雅;他那一班有二萬四千人。
7Mukuru wechina, pamwedzi wechina, akanga ari Asaheri munin'ina waJoabhu, naZebhedhia mwanakomana wake aimutevera; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.
8五月第五班的軍長是伊斯拉人珊合,他那一班有二萬四千人。
8Mukuru weshanu, pamwedzi weshanu, wakange ari Shamhuti mulzirahi; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.
9六月第六班的軍長是提哥亞人益吉的兒子以拉,他那一班有二萬四千人。
9Mukuru wetanhatu, pamwedzi wetanhatu, akanga ari Ira mwanakomana waIkeshi muTekoite; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.
10七月第七班的軍長是以法蓮子孫中比倫人希利斯,他那一班有二萬四千人。
10Mukuru wechinomwe, pamwedzi wechinomwe, akanga ari Herezi muPeroni, wavana vaEfuremu; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.
11八月第八班的軍長是謝拉家族戶沙人西比該,他那一班有二萬四千人。
11Mukuru wourusere, pamwedzi worusere, akanga ari Shebhekai muHushati, wavaZerahi; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.
12九月第九班的軍長是便雅憫支派亞拿突人亞比以謝,他那一班有二萬四千人。
12Mukuru wepfumbamwe, pamwedzi wepfumbamwe, akanga ari Abhiezeri muAnatoti, wavaBhenjamini; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.
13十月第十班的軍長是謝拉家族尼陀法人瑪哈萊,他那一班有二萬四千人。
13Mukuru wegumi, pamwedzi wegumi, akanga ari Maharai muNetofati, wavaZerahi; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.
14十一月第十一班的軍長是以法蓮子孫中的比拉頓人比拿雅,他那一班有二萬四千人。
14Mukuru wegumi nomumwe, pamwedzi wegumi nomumwe, akanga ari Bhenaya muPiratoni, wavana vaEfuremu; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.
15十二月第十二班的軍長是俄陀聶家族尼陀法人黑玳,他那一班有二萬四千人。
15Mukuru wegumi navaviri, pamwedzi wegumi nemiviri, akanga ari Heridhai muNetofati, waOtinieri; paboka rake pakanga pane zviuru zvina makumi maviri nezvina.
16以色列各支派的領袖掌管以色列各支派的記在下面:流本支派的首領是細基利的兒子以利以謝;西緬支派的首領是瑪迦的兒子示法提雅;
16Uye, kwakanga kuna varairi vamarudzi alsiraeri; vokuvaRubheni akanga ari Eriezeri mwanakomana waZikiri, murairi; wokuvaSimioni; Shefatia mwanakomana waMaaka;
17利未支派的首領是基母利的兒子哈沙比雅;亞倫子孫的首領是撒督;
17wokwaRevhi: Hashabhia, mwanakomana waKemueri; wokwaAroni: Zadhoki;
18猶大支派的首領是大衛的哥哥以利戶;以薩迦支派的首領是米迦勒的兒子暗利;
18wokwaJudha: Erihu, mumwe wavanin'ina vaDhavhidhi; wokwalsakari: Omiri mwanakomana waMikaeri;
19西布倫支派的首領是俄巴第雅的兒子伊施瑪雅;拿弗他利支派的首領是亞斯列的兒子耶利摩;
19wokwaZebhuruni: Ishimaya mwanakomana waObhadhiya, wokwaNafutari: Jeremoti mwanakomana waAzieri;
20以法蓮支派的首領是阿撒細雅的兒子何細亞;瑪拿西半個支派的首領是毗大雅的兒子約珥;
20wokuvana vaEfuraimu: Hoshea mwanakomana waAzazia; wokuhafu yorudzi rwaManase: Joeri mwanakomana waPedhaya;
21基列地瑪拿西那半個支派的首領是撒迦利亞的兒子易多;便雅憫支派的首領是押尼珥的兒子雅西業;
21wokuhafu yorudzi rwaManase paGiriyadhi, Idho mwanakomana waZekariya; wokwaBhenjamini: Jasieri mwanakomana waAbhineri;
22但支派的首領是耶羅罕的兒子亞薩列。以上這些人是以色列各支派的領袖。
22wokwaDhani: Azareri mwanakomana waJehorami. Ndivo vakanga vari vakuru vamarudzi alsiraeri.
23以色列人二十歲以下的,大衛都沒有登記他們的數目,因為耶和華曾經說過要增添以色列人的數目,好像天上的星那樣多。
23Asi Dhavhidhi haana kuverenga vamakore makumi maviri navaduku kwavari; nekuti Jehovha akataura kuti achawanza vaIsiraeri, vave senyeredzi dzokudenga.
24洗魯雅的兒子約押開始數點,但還沒有完成,為了這事耶和華的忿怒就臨到以色列人身上,所以以色列的人數沒有記在大衛王的年錄上。
24Joabhu mwanakomana waZeruya akatanga kuverenga, asi haana kupedza; kutsamwa kwaJehovha kukamukira valsiraeri nemhosva iyi; uye havana kuisa kuwanda kwavo pamakoronike amambo Dhavhidhi.
25王室財政與產業的主管管理王的庫房的,是亞疊的兒子押斯馬威;管理郊野、城市、鄉村和望樓的倉庫的,是烏西雅的兒子約拿單;
25Mutariri wefuma yamambo akanga ari Azimavheti mwanakomana waAdhieri mutariri wefuma yapaminda, napamaguta, napamisha, neyapanhare, akanga ari Jonatani mwanakomana waUziya;
26管理耕田種地的,是基綠的兒子以斯利;
26mutariri wavanhu vaibata paminda vachirima pasi, akanga ari Eziri mwanakomana waKerubhi.
27管理葡萄園的,是拉瑪人示每;管理園裡酒庫的,是實弗米人撒巴底;
27Mutariri weminda yemizambiringa, akanga ari Shimei muRamati; mutariri wezvibereko zveminda yemizambiringa, wedzimba dzewaini, akanga ari Zabhadhi muShifimi;
28管理高原橄欖樹和桑樹的,是基第利人巴力.哈南;管理油庫的,是約阿施;
28mutariri wemiorivhi nemionde yakanga iri pamapani, akanga ari Bhaarihanani muGedheri; mutariri wedzimba dzamafuta akanga ari Joashi.
29管理在沙崙牧放的牛群的,是沙崙人施提賚;管理在山谷的牛群的,是亞第賚的兒子沙法;
29Mutariri wamapoka ezvipfuwo, zvaifura paSharoni, akanga ari Shitirai muSharoni, uye mutariri wamapoka aigara pamipata, akanga ari Shafati mwanakomana waAdhirai;
30管理駱駝的,是以實瑪利人阿比勒;管理驢群的,是米崙人耶希底亞;
30mutariri wamakamera akanga ari Obhiri muIshimaeri, uye mutariri wembongoro akanga ari Jedheiya muMeronoti;
31管理羊群的,是夏甲人雅悉。以上這些人都是給大衛王管理產業的官員。
31mutariri wamapoka amakwai akanga ari Jazizi muHagiri. Ava vose vakanga vari vatariri venhumbi dzamambo Dhavhidhi.
32大衛的重要臣僕大衛的叔父約拿單是一個謀士;這人很有智慧,又是一個經學家;哈摩尼的兒子耶歇是王眾子的老師。
32Uye Jonatani muzukuru waDhavhidhi akanga ari gurukota, murume akangwara, munyori; Jehieri mwanakomana waHakimoni aigara navanakomana vamambo;
33亞希多弗也是王的謀士;亞基人戶篩是王的朋友;
33Ahitoferi akanga ari gurukota ramambo; naHushai muAriki yaiva shamwari yamambo;
34亞希多弗以後,有比拿雅的兒子耶何耶大和亞比亞他,接續他作謀士;約押作王的元帥。
34aitevera Ahitoferi ndiJehoyadha mwanakomana waBhenaya, naAbhiyatari; mukuru wehondo yamambo akanga ari Joabhu.