1住耶路撒冷的以色列人全體以色列人都照著家譜登記,都寫在“以色列諸王記”上;猶大人因為悖逆,就被擄到巴比倫去。
1Naizvozvo vaIsiraeri vose vakaverengwa mazita avo; tarirai, akanyorwa ose mubhuku yamadzimambo alsiraeri. VaJudha vakazotapwa, vakaiswa Bhabhironi nokuda kokudarika kwavo.
2那些最先回來,住在自己的地業、自己的城中的,有以色列人、祭司、利未人和作殿役的。
2Zvino, vakatanga kugara panyika yavo napamaguta avo, vakanga vari vaIsiraeri, navapristi, navaRevhi, navaNetinimi.
3在耶路撒冷居住的,有猶大支派、便雅憫支派、以法蓮支派和瑪拿西支派的人。
3PaJerusaremu ndipo pakanga pagere vana vaJudha, navana vaBhenjamini, navana vaEfuremu, navaManase;
4猶大的兒子法勒斯的子孫中,有烏太;烏太是亞米忽的兒子,亞米忽是暗利的兒子;暗利是巴尼的兒子。
4Utai mwanakomana waAmihudhi, mwanakomana waOmiri, mwanakomana waImiri, mwanakomana waBhani, wavana vaPerezi mwanakomana waJudha.
5示羅的子孫中,有長子亞帥雅和他的眾子。
5NavaShiro: Asaya mwanakomana wedangwe, navanakomana vake.
6謝拉的子孫中,有耶烏利和他們的親族,共六百九十人。
6Vanakomana vaZera: Jeueri, nehama dzavo, vana mazana matanhatu namakumi mapfumbamwe.
7便雅憫的子孫中,有哈西努的曾孫、何達威雅的子孫、米書蘭的兒子撒路;
7Vanakomana vaBhenjamini: Saru, mwanakomana waMeshirami, mwanakomana waHodhavhia, mwanakomana waHasenua.
8又有耶羅罕的兒子伊比尼雅,米基立的孫子、烏西的兒子以拉,以及伊比尼雅的曾孫、流珥的孫子、示法提雅的兒子米書蘭,
8Nalbheneya, mwanakomana waJehorami, naEra mwanakomana waUzi, mwanakomana waMikiri, naMeshurami mwanakomana waShefatia, mwanakomana waReueri, mwanakomana waIbhiniya;
9還有他們的眾親族;按著他們的家譜登記,共有九百五十六人。以上這些人都是他們各家族的首領。
9nehama dzavo, marudzi avo aisvika mazana mapfumbamwe namakumi mashanu namatanhatu. Varume ava vose vakanga vari vakuru vedzimba dzamadzibaba padzimba dzamadzibaba avo.
10住耶路撒冷的祭司祭司中有耶大雅、耶何雅立、雅斤,
10Vavapristi: Jedheiya, naJehoyaribhi, naJakini;
11還有管理 神的殿的希勒家的兒子亞薩利雅;希勒家是米書蘭的兒子,米書蘭是撒督的兒子,撒督是米拉約的兒子,米拉約是亞希突的兒子。
11naAzaria, mwanakomana waHirikia, mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waMerayoti, mwanakomana waAhitubhi, mukuru paimba yaMwari,
12又有瑪基雅的曾孫、巴施戶珥的孫子、耶羅罕的兒子亞大雅,以及亞第業的兒子瑪賽;亞第業是雅希細拉的兒子,雅希細拉是米書蘭的兒子,米書蘭是米實利密的兒子,米實利密是音麥的兒子;
12naAdhaya, mwanakomana waJehorami, mwanakomana waPashuri, mwanakomana waMarikija, naMaasai, mwanakomana waAdhieri, mwanakomana waJazera, mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waMeshiremiti, mwanakomana waImeri;
13以及他們的眾親族,他們家族的首領,共有一千七百六十人,都是有才幹,很會作 神殿裡工作的人。
13nehama dzavo, vakuru vedzimba dzamadzibaba avo vakasvika chiuru chimwe namazana manomwe namakumi matanhatu; varume vane simba kwazvo noumhare pabasa rokushumira paimba yaMwari.
14住耶路撒冷的利未人利未支派米拉利的子孫中,有哈沙比雅的曾孫、押利甘的孫子、哈述的兒子示瑪雅;
14VavaRevhi: Shemaya mwanakomana waHashubhi, mwanakomana waAzirikami, mwanakomana waHashabhia, wavanakomana vaMerari;
15又有拔巴甲、黑勒施、迦拉和亞薩的曾孫、細基利的孫子、米迦的兒子瑪探雅;
15naBhakibhakari, naHoreshi, naGarari, naMatania mwanakomma waMika, mwanakomana waZikiri, mwanakomana waAsafi;
16又有耶杜頓的曾孫、迦拉的孫子、示瑪雅的兒子俄巴底;還有以利加拿的孫子、亞撒的兒子比利家;他們都住在尼陀法人的村落。
16naObhadhiya mwanakomana waShemaya, mwanakomana waGarari, mwanakomana waAsa, mwanakomana waErikana, vakanga vagere pamisha yavaNetofati.
17利未人的職務守門的有沙龍、亞谷、達們、亞希幔和他們的眾親族;沙龍是他們的首領。
17Vatariri vamasuwo: Sharumi, naAkubhi, naTarimoni, naAhikami, nehama dzavo; Sharumi ndiye akanga ari mukuru;
18直到現在,他們仍是看守東面的王門;他們曾經作過利未營的守門人。
18ndivo vaitarira suwo ramambo rokumabvazuva kusvikira zvino; vakanga vari vatariri vamasuwo emisasa yavana vaRevhi.
19可拉的曾孫、以比雅撒的孫子、可利的兒子沙龍,以及他的眾親族可拉人,擔任事務的工作,看守會幕的門;他們的祖先曾經管理耶和華的營幕,看守營門。
19Sharumi mwanakomana waKore, mwanakomana waEbhiasafi, mwanakomana waKora, nehama dzake, ivo veimba yababa vake, vaKora, ndivo vaiva nebasa rokushumira, vakatarira masuwo etabhenekari; madzibaba avo aitarira misasa yaJehovha, nokuchengeta mukova.
20從前以利亞撒的兒子非尼哈,曾經作過他們的領袖,耶和華也與他同在。
20Pinehasi mwanakomana waEriazari aiva murairi wavo kare, Jehovha akava naye.
21米施利米雅的兒子撒迦利雅,是看守會幕大門的。
21Zekariya mwanakomana waMesheremia, akanga ari mutariri womukova wetende rokusangana.
22這些被選看守殿門的人,共有二百一十二人;他們在自己的村莊裡按著家譜登記;他們是大衛和撒母耳先見指派承擔這職任的。
22Ava vose, vakatsaurwa kuti vave vatariri vamasuwo, vakasvika mazana maviri negumi navaviri. Ava vose vakaverengwa mazita avo pamisha yavo, vakanga vakagadzwa pabasa ravo rakatarwa naDhavhidhi naSamueri muoni.
23他們和他們的子孫,按著班次,看守耶和華的殿門,就是會幕的門。
23Naizvozvo ivo navana vavo vakanga vari vatariri vamasuwo eimba yaJehovha, iyo imba yetabhenekari, vachiravana.
24在東西南北,都有看守的人。
24Vatariri vakanga vari kumativi mana, kumabvazuva, nokumavirira, nokumusoro, nenyasi.
25他們的親族,就是住在他們村莊裡的,每七天就要來和他們換班。
25Hama dzavo pamisha yavo vaifanira kuuya nguva dzose kana mazuva manomwe apera, kuzogara navo.
26四個殿門的守衛長都是利未人,受託看守 神的殿的房間和庫房。
26nekuti vatariri vana vakuru vemikova, vakanga vari vaRevhi, vaiva pabasa iri rakatarwa, vaitarira makamuri nezvivigiro zvefuma paimba yaMwari.
27他們在 神的殿的四周住宿,因為他們承擔看守的責任,並且每天早晨要負責開門。
27Vaigarapo vakapoteredza imba yaMwari, nekuti ndivo vakanga vapiwa basa iri, vaiva nebasa rokuizarura mangwanani ose.
28利未人中有管理器皿的使用的;他們按著數目拿出去,也要按著數目拿進來。
28Vamwe vavo vaifanira kutarira midziyo yokushumira nayo; nekuti yaipinzwa ichiverengwa, uye yaibudiswa ichiverengwa.
29他們當中又有人受託管理器具,和管理聖所的一切器具,以及細麵、酒、油、乳香、香料。
29Vamwe vavozve vakanga vakagadzwa kuti vatarire nhumbi nemidziyo yose nenzvimbo tsvene, noupfu hwakatsetseka, newaini, namafuta, nezvinonhuhwira, nemiti inonhuhwira.
30祭司的子孫中,有人用香料配製成香膏。
30Vamwezve vavanakomana vavapristi vaifanira kugadzira zvinonhuhwira zvakavenganiswa.
31利未人瑪他提雅是可拉族沙龍的長子,他的職責是管理在煎盤烤餅的事。
31Matitia, mumwe wavaRevhi, mwanakomana wedangwe waSharumi, wavaKora, wakange akatarirwa basa rezvinhu zvaibikwa mugango.
32他們的親族哥轄的子孫中,有管理陳設餅的,每安息日要預備擺設。
32Navamwe vehama dzavo, vavana vaKora, vaifanira kutarira zvingwa zvokuratidza, kuzvigadzira sabata rimwe nerimwe.
33這些是歌唱的人,是利未各家族的首領,住在殿院的房間裡,不作別的事,日夜只顧自己的事工。
33Uye ndivo vaimbi, vakuru vedzimba dzamadzibaba avaRevhi, vaigara mumakamuri vasingabati zvimwe; nekuti vaibata basa ravo masikati nousiku.
34以上這些人都是利未各家族的首領,按他們的家譜都是首領;這些人都住在耶路撒冷。
34Ivo vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba avaRevhi, vakuru kumarudzi avo; ndivo vaigara Jerusaremu.
35掃羅的先祖和後代(代上8:29~38)住在基遍的有基遍的父親耶利,他的妻子名叫瑪迦。
35Zvino paGibhiyoni pakanga pagere baba vaGibhiyoni, Jeyieri; zita romukadzi wake rakanga riri Maaka.
36他的長子是亞伯頓,其餘的是蘇珥、基士、巴力、尼珥、拿答、
36Mwanakomana wake wedangwe waiva Abhidhoni, tevere Zuri, naKishi, naBhaari, naNeri, naNadhabhi;
37基多、亞希約、撒迦利雅、米基羅。
37naGedhori, naAhio, naZekariya, naMikiroti.
38米基羅生示米暗。他們也和他們的親族一同住在耶路撒冷,和他們的親族為鄰。
38Mikiroti wakabereka Shimeami. Ivo vaigarawo pamwechete nehama dzavo paJerusaremu, pakatarisana nehama dzavo.
39尼珥生基士,基士生掃羅,掃羅生約拿單、麥基舒亞、亞比拿達和伊施.巴力。
39Neri akabereka Kishi, Kishi akabereka Sauro, Sauro akabereka Jonatani, naMarikishua, naAbhinadhabhu, naEshibhaari.
40約拿單的兒子是米力.巴力;米力.巴力生米迦。
40Mwanakomana waJonatani waiva Meribhibhaari. Meribhibhaari akabereka Mika.
41米迦的兒子是毗敦、米勒、他利亞和亞哈斯。
41Vanakomana vaMika: Pitoni, naMereki, naTarea, naAhazi.
42亞哈斯生雅拉;雅拉生亞拉篾、亞斯瑪威和心利。心利生摩撒;
42Ahazi akabereka Jara, Jara akabereka Arimeti naAzimavheti, naZimiri; Zimiri akabereka Moza;
43摩撒生比尼亞;比尼亞的兒子是利法雅,利法雅的兒子是以利亞薩,以利亞薩的兒子是亞悉。
43Moza akabereka Bhinea, naRefaya mwanakomana wake, naEreasa mwanakomana wake, naAzeri mwanakomana wake;
44亞悉有六個兒子,他們的名字是亞斯利干、波基路、以實瑪利、示亞利雅、俄巴底雅、哈難;這都是亞悉的兒子。
44Azeri akanga ana vanakomana vatanhatu; mazita avo ndiwo: Azirikami, naBhokeru, naIshimaeri, naShearia, naObhadhiya, naHanani. Ndivo vanakomana vaAzeri.