聖經新譯本

Shona

1 Kings

17

1以利亞預言旱災提斯比人以利亞,就是從基列的提斯比來的先知,對亞哈說:“我指著我所事奉永活的耶和華以色列的 神起誓,這幾年若是沒有我的命令,天必不降露,也不下雨。”
1Zvino Eria muTishibhi, waigara Giriyadhi, wakati kuna Ahabhi, NaJehovha mupenyu, Mwari waIsiraeri, iye wandimire pamberi pake, hapangavi nedova kana mvura makore ano, asi kana ndareva ini.
2耶和華的話臨到以利亞說:
2Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, richiti,
3“你離開這裡,向東方去,躲藏在約旦河東面的基立溪旁。
3Chibva pano, uende kurutivi rwamabvazuva, undovanda parukova Keriti, ruri pamberi paJoridhani.
4你要喝那溪裡的水,我已經吩咐烏鴉在那裡供養你。”
4Unofanira kumwa mvura yorukova, uye ndakaraira makunguvo kukupa zvokudya ipapo.
5於是以利亞去了,照著耶和華的話行了;他去住在約旦河東面的基立溪旁。
5Naizvozvo akaenda, akaita sezvaakaudzwa naJehovha; wakandogara parukova Keriti ruri pamberi paJoridhani.
6烏鴉早晨給他送餅和肉來,晚上也送餅和肉來,他也喝那溪裡的水。
6Makunguvo akamuvigira chingwa nenyama mangwanani, nechingwa nenyama madekwana; akamwa mvura yorukova.
7過了一些日子,那溪就乾了,因為沒有雨下在地上。
7Zvino nguva yakati yapfuura rukova rukapwa, nekuti mvura yakanga isinganayi panyika.
8麵和油用不盡的神蹟耶和華的話又臨到以利亞說:
8Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, richiti,
9“你起來,往西頓的撒勒法去,住在那裡;我已經吩咐那裡的一個寡婦供養你。”
9Simuka, uende Zarefati panyika yeZidhoni, ugarepo; tarira, ndaraira chirikadzi igerepo, kuti ikupe zvokudya.
10於是以利亞起來,往撒勒法去了;他來到城門口的時候,就看見一個寡婦在那裡撿柴;以利亞呼叫她,說:“請你用器皿取點水來給我!”
10Naizvozvo akasimuka, akaenda Zarefati; wakati asvika pasuwo reguta, akaona chirikadzi yakanga igerepo, ichiunganidza tutsotso; akamudana, akati, Nditorerewo mvura shomanene mumukombe, ndimwe
11她去取水的時候,以利亞又叫她,說:“請你也給我拿點餅來!”
11Zvino wakati achienda kundoitora, akamudana, akati, Dondivigirawo chimedu chechingwa muruoko rwako.
12她說:“我指著永活的耶和華你的 神起誓,我沒有餅,缸裡只有一把麵粉,瓶裡只有一點油。你看我正在撿兩根柴,然後回去,為自己和兒子做餅,我們吃完了,就等死。”
12Iye akati, NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, handina chingwa, asi tsama imwe youpfu mudende, namafuta mashomanene muchinu; tarirai, ndakanga ndichiunganidza tutsotso tuviri, ndichiti ndoenda ndizvigadzirire ini nomwanakomana wangu, tidye, tife hedu.
13以利亞對她說:“不要懼怕,照著你所說的去作吧,不過要先為我做一個小餅,拿出來給我,然後才為你自己和兒子做餅。
13Ipapo Eria akati kwaari, Usatya hako, enda undoita chingwa chiduku, undivigire icho, ugozviitira iwe nomwanakomana wako pashure.
14因為耶和華以色列的 神這樣說:‘缸裡的麵粉必不會用完,瓶裡的油決不會短缺,直等到耶和華降雨在地面上的日子。’”
14Nekuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Upfu huri mudende haungaperi, namafuta ari muchinu haangashaikwi, kusvikira pazuva Jehovha raachanaisa naro mvura panyika.
15她就去照著以利亞所說的作了。她和以利亞,以及她的家人,吃了許多日子。
15Iye akaenda, akandoita sezvakataura Eria; iye mukadzi, naiye Eria, neimba yake, vakadya mazuva mazhinji.
16缸裡的麵粉果然沒有用完,瓶裡的油也沒有短缺,正像耶和華藉著以利亞所說的話一樣。
16Upfu hwakanga huri mudende hauna kupera, namafuta akanga ari muchinu haana kushaikwa, sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo waEria.
17使寡婦的兒子復活這些事以後,那婦人,就是那個家庭的主人的兒子病了。他的病情十分嚴重,以致呼吸都停止了。
17Zvino pashure paizvozvo mwanakomana womukadzi, mwene weimba, akarwara; kurwara kwake kukanyanya kwazvo, kusvikira apererwa nomweya.
18於是婦人對以利亞說:“神人哪,我跟你有甚麼關係呢?你竟到我這裡來,使耶和華想起我的罪孽,殺死我的兒子。”
18Mukadzi akati kuna Eria, Ndineiko nemi, imwi munhu waMwari? Makapinda mumba mangu kuti zvivi zvangu zvirangarirwe, uye kuti mwanakomana wangu aurawe here?
19以利亞對她說:“把你的兒子交給我吧!”以利亞就從她的懷中把孩子接過來,抱他上到自己所住的樓上去,放在自己的床上。
19Akati kwaari, Ndipe mwanakomana wako. Akamutora pachipfuva chomukadzi, akamutakurira kuimba yokumusoro, kwaaigara, akamuradzika panhovo yake,
20以利亞呼求耶和華說:“耶和華我的 神啊,我寄居在這寡婦的家裡,你也降禍與她,使她的兒子死去嗎?”
20akadanidzira kuna Jehovha, akati, Jehovha Mwari wangu, makaitireiko chirikadzi yandigere nayo chakaipa chakadai, zvamauraya mwanakomana wake?
21然後,以利亞三次伏在孩子的身上,向耶和華呼求說:“耶和華我的 神,求你恢復這孩子的生命吧。”
21Akatsivama pamusoro pomwana katatu, akadanidzira kuna Jehovha, akati, Jehovha Mwari wangu, ndinokumbira, mweya womwana uyu ngaudzokerezve kwaari.
22耶和華垂聽了以利亞的話,孩子的生命果然恢復,活過來了。
22Jehovha akanzwa inzwi raEria, mweya womwana ukadzokerazve kwaari, akararamazve.
23以利亞把孩子抱起來,從樓上下到屋子裡去,把孩子交給他的母親;以利亞說:“看,你的兒子活了!”
23Ipapo Eria akatora mwana, akaburuka naye paimba yokumusoro, akamuisa mumba, akamupa mai vake. Eria akati, Tarira, mwana wako mupenyu.
24婦人對以利亞說:“現在我知道你是神人,耶和華藉著你的口所說的話是真實的。”
24Mukadzi akati kuna Eria, Zvino ndinoziva ichi, kuti muri munhu waMwari, uye kuti shoko raJehovha, riri mumuromo menyu, nderechokwadi.