1耶和華再次向所羅門顯現(代下7:11~22)所羅門建造完了耶和華的殿、王宮和所羅門渴想建造的一切以後,
1Zvino Soromoni wakati apedza kuvaka imba yaJehovha, neimba yamambo, nezvose Soromoni zvaakanga achida kuita,
2耶和華就第二次向所羅門顯現,像先前在基遍向他顯現一樣。
2Jehovha akazviratidza kuna Soromoni rwechipiri, sezvaakazviratidza kwaari paGibhiyoni.
3耶和華對他說:“你在我面前所作的禱告和懇求,我都已經聽見了。你建造的這殿,我已經把它分別為聖,要使我的名永遠留在那裡;我的眼和我的心也必常在那裡。
3Jehovha akati kwaari, Ndakanzwa kunyengetera kwako nokukumbira kwako kwawakaita pamberi pangu; ndakatsaura imba iyi yawakavaka, kuti ndiise zita rangupo nokusingaperi; meso angu nomoyo wangu zvichavapo nguva dzose.
4至於你,如果你像你父親大衛那樣,存誠實和正直的心在我面前行事為人,遵行我一切所吩咐你的,謹守我的律例和典章,
4Kana uriwe, kana ukafamba pamberi pangu sababa vako Dhavhidhi nomoyo usinganyengeri, nokururama, ukaita zvose zvandakakuraira ukachengeta zvandatema nezvandatonga,
5我就必堅固你統治以色列的國位,直到永遠,正如我應許你父親大衛說:‘你的子孫,總不斷有人坐以色列的王位。
5ipapo ini ndichasimbisa chigaro chako choushe pakati paIsiraeri nokusingaperi, sezvandakapikira baba vako Dhavhidhi, ndichiti, Haungashaiwi munhu uchagara pachigaro choushe chaIsiraeri,
6你們或是你們的子孫,若是轉去不跟從我,不遵守我賜給你們的誡命和律例,去事奉別的神,敬拜他們,
6Asi kana mukatsauka pakunditevera, imwi kana vana venyu, mukasachengeta mirairo yangu nezvandatema zvandakaisa pamberi penyu, asi mukandoshumira vamwe vamwari, mukanamata kwavari;
7我就必把以色列人從我賜給他們的這地上剪除,甚至為自己的名分別為聖的這殿,我也必從我面前把它丟棄不顧,使以色列人在萬族中成為笑談和譏笑的對象。
7ipapo ndichaparadza Isiraeri panyika yandakavapa; neimba iyi yandakatsaurira zita rangu, ndichairashira kure ndirege kuiona, vaIsiraeri vachava shumo nechiseko pakati pavanhu vose;
8這巍峨的殿必成為廢墟,經過的人都必驚訝,取笑說:耶和華為甚麼向這地和這殿這樣作啊?
8uye imba iyi kunyange yakakwirira ikadai, vose vanopfuura nayo vachakanuka nokuridza muridzo, vachiti, Jehovha wakaitireiko kudai nenyika ino uye neimba ino?
9人要回答說:是因為他們離棄了那把他們的列祖從埃及地領出來的耶和華他們的 神,去親近別的神,敬拜他們,事奉他們,因此耶和華使這一切災禍臨到他們。’”
9Vachapindura, vachiti, nekuti vakasiya Jehovha Mwari wavo, wakange abudisa madzibaba avo munyika yeEgipita, vakanamatira vamwe vamwari, vakanamata kwavari, nokuvashumira; saka Jehovha wakavapinza panjodzi idzi dzose.
10所羅門以二十座城回報希蘭所羅門用了二十年的時間來建造耶和華的殿和王宮這兩座建築物。
10Makore ana makumi maviri akati apera, Soromoni aakavaka nawo dzimba idzi mbiri, iyo imba yaJehovha neimba yamambo;
11因為推羅王希蘭曾照著所羅門所喜愛的,以香柏木、松木和金子幫助他,於是所羅門王把加利利地的二十座城給了希蘭。
11(zvino Hiramu mambo weTire wakange atsvakira Soromoni misidhari; nemisipiresi, nendarama, nezvose zvaakanga achida), mambo Soromoni akapa Hiramu maguta ana makumi maviri panyika yeGarire.
12希蘭從推羅出來,看看所羅門給他的這些城。他不喜歡這些城,
12Hiramu akabva Tire kuzoona maguta aakanga apiwa naSoromoni, asi haana kumufadza.
13他說:“我的兄弟啊,這些就是你送給我的城嗎?”於是他給這些城起名叫迦步勒,直到今日。
13Akati, Maguta kunyiko awa awandipa, hama yangu? Akatumidza nyika yeKabhuri kusvikira zuva ranhasi.
14希蘭送給所羅門約有四千公斤金子。
14Hiramu akatumira mambo matarenda endarama ane zana namakumi maviri.
15所羅門其他建樹與功績(代下8:3~18)這是所羅門王徵召服勞役的建築耶和華的殿和他自己的王宮,以及米羅、耶路撒冷的城牆、夏瑣、米吉多和基色的記錄。
15Zvino ndiro shoko rechibharo chakarairwa namambo Soromoni, kuzovaka imba yaJehovha, neimba yake, neMiro, norusvingo rweJerusaremu, neHazori, neMegidho, neGezeri.
16先前埃及王法老上來攻取基色,放火燒城,殺了住在城裡的迦南人,把城送給自己的女兒、所羅門的妻子作嫁妝。
16Farao mambo weEgipita wakange andokunda Gezeri, akaripisa nomoto, akauraya vaKanani vakanga vagere muguta, akaripa mukunda wake, mukadzi waSoromoni.
17所以所羅門重建基色、下伯.和崙、
17Soromoni akavaka Gezeri, neBhe- tihoroni rezasi,
18巴拉和在猶大地曠野裡的他瑪,
18naBharati, neTamari, murenje munyika iyo,
19以及屬於所羅門所有的一切積貨城、屯車城、馬兵城,與所羅門在耶路撒冷、黎巴嫩和他統治的各地他喜愛建造的。
19namaguta ose amatura aSoromoni, namaguta engoro dzake, namaguta avatasvi vamabhiza ake, nezvose Soromoni zvaaida kuzvivakira paJerusaremu, napaRebhanoni, napanyika yose yakanga yakabatwa naye.
20所有亞摩利人、赫人、比利洗人、希未人和耶布斯人餘下的人,他們不是以色列人。
20Kuvanhu vose vakanga vasara vavaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaHivhi navaJebhusi, vakanga vasi vana vaIsiraeri;
21他們的子孫仍然留在那地,以色列人不能滅絕他們。於是所羅門徵召他們作苦工的奴僕,直到今日。
21navana vavo vakanga vasara panyika shure kwavo, ivo vana vaIsiraeri vakanga vasingagoni kuvaparadza chose kuna ivavo Soromoni wakaraira chibharo chavaranda kusvikira nhasi.
22至於以色列人,所羅門卻沒有使他們作奴僕,而是作他的戰士、臣僕、統領、軍長、戰車長和騎兵長。
22Asi Soromoni haana kuita varanda pakati pavana vaIsiraeri, asi ivo vaiva varwi vake, navabatiri vake, namachinda ake, navakuru vake, navarairi vengoro dzake, navatasvi vamabhiza ake.
23所羅門有督工五百五十人,負責管理作工的人和監督工程。
23Ndivo vaiva vatariri vakuru vamabasa aSoromoni, vaiva namazana mashanu namakumi mashanu, vairairira vanhu vaibata basa.
24法老的女兒從大衛城搬到所羅門為她建造的宮裡以後,所羅門才重建米羅。
24Zvino mukunda waFarao wakabva kuguta raDhavhidhi, akaenda kuimba yake, yaakanga avakirwa naSoromoni; ipapo akavaka Miro.
25所羅門每年三次在他為耶和華建造的祭壇上獻上燔祭和平安祭;又在耶和華面前的壇上燒香,這樣,他完成了建殿的工程。
25Katatu pagore Soromoni waibayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa pamusoro pearitari yaakanga avakira Jehovha, akapisa zvinonhuhwira pamwechete nazvo paaritari yakanga iri pamberi paJehovha. Naizvozvo akapedza imba.
26所羅門王又在以東地、紅海邊,靠近以祿的以旬.迦別,建造船隊。
26Mambo Soromoni wakavakawo zvikepe zvizhinji paEZiyonigebheri, pedo neEroti, pamahombekombe eGungwa Dzvuku, panyika yaEdhomu.
27希蘭派遣他船隊的僕人,就是熟悉航海的船員,與所羅門的僕人一同航海。
27Hiramu akatuma nezvikepe izvo varanda vake, vaiva vafambisi vezvikepe vaiziva gungwa kwazvo, pamwechete navaranda vaSoromoni.
28他們到達了俄斐,從那裡取得黃金約有一萬四千公斤,運到所羅門王那裡。
28Vakasvika Ofiri, vakatorapo ndarama yakasvika matarenda ana mazana mana namakumi maviri vakauya nayo kuna mambo Soromoni.