聖經新譯本

Shona

1 Peter

1

1問安耶穌基督的使徒彼得,寫信給那分散在本都、加拉太、加帕多家、亞西亞、庇推尼寄居的人,
1Petro, muapositori waJesu Kristu, kuvapfuuri vakasanangurwa vakapararira paPonto, Garatia, Kapadhokia, Asia, neBhitinia,
2就是照著父 神的預知蒙揀選,藉著聖靈得成聖潔,因而順服,並且被耶穌基督的血灑過的人。願恩惠平安多多地加給你們。
2nekuziva zviri mberi kwaMwari Baba kubudikidza nekuita vatsvene kweMweya, kusvika pakuteerera nekusasa kweropa raJesu Kristu: Nyasha kwamuri nerugare ngazviwanzwe.
3信心經過考驗比金子更寶貴我們主耶穌基督的父 神是應當稱頌的。他照著自己的大憐憫,藉著耶穌基督從死人中復活,重生了我們,使我們有永活的盼望,
3Wakaropafadzwa Mwari naBaba vaIshe wedu, Jesu Kristu, iye zvichienderana nekuwanda kwetsitsi dzake wakatiberekazve patariro mhenyu inovuya nekumuka kwaJesu Kristu kuvakafa,
4可以得著不能朽壞、不能玷污、不能衰殘,為你們存留在天上的基業,
4panhaka isingaori neisina kusvibiswa, uye isingabvuruvari yakachengeterwa imwi kumatenga,
5就是你們這因信蒙 神能力保守的人,得著預備在末世要顯現的救恩。
5imwi munochengetwa nesimba raMwari kubudikidza nerutendo kuruponeso rwakagadzirirwa kuratidzwa panguva yekupedzisira.
6因此,你們要喜樂。然而,你們現今在各種試煉中或許暫時會難過,
6Iyo yamunofara mairi zvikuru, kunyange zvino kwechinguvana, kana zvichifanira, muri pakushungurudzwa nemiidzo yakasiyana siyana,
7是要叫你們的信心經過試驗,就比那被火煉過,仍會朽壞的金子更寶貴,可以在耶穌基督顯現的時候,得著稱讚、榮耀和尊貴。
7kuti kuidzwa kwerutendo rwenyu kunokosha zvikuru kupfuura kwendarama inoparara, kunyange ichiidzwa nemoto, kuwanikwe mukurumbidzwa, nekukudzwa, nekubwinya pakuonekwa kwaJesu Kristu;
8你們雖然沒有見過他,卻愛他;現在雖然不能看見他,卻信他。因此,你們就有無法形容、滿有榮耀的大喜樂,
8iye musina kumuona munomuda; maari kunyange zvino musingamuoni asi muchitenda, munofara nemufaro usingatauriki uzere nerumbidzo,
9得到你們信心的效果,就是靈魂得救。
9muchigamuchira chivavarirwa cherutendo rwenyu, ruponeso rwemweya yenyu.
10論到這救恩,那預言你們要得恩典的眾先知,都尋求考察過,
10Ndirwo ruponeso vaporofita rwavakabvunzisisa nekunzvera ivo vakaporofita zvenyasha dzinouya kwamuri;
11就是把他們心裡基督的靈所預先見證,關於基督要受苦難後來得榮耀,是在甚麼時候和怎樣的情況加以考察。
11vachinzvera kuti inguva ipi kana yakadini Mweya waKristu wakange uri mavari yawakaratidza, paakagara apupura matambudziko aKristu, nekubwinya shure kweizvozvi.
12他們蒙了啟示,為這些事效力,並不是為自己,而是為你們。現在,藉著傳福音給你們的人,靠著從天上差來的聖靈,把這些事傳給了你們;甚至天使也很想詳細察看這些事。
12Kwavari kwakaratidzwa kuti kwete kwavari asi kwatiri vakashumira zvinhu izvi zvinorondedzerwa ikozvino kwamuri naivo vakaparidza evhangeri kwamuri neMweya Mutsvene wakatumwa pasi kubva kudenga, zvinhu izvo vatumwa zvavanoshuva kudongorera.
13你們要聖潔所以要準備好你們的心,警醒謹慎,專心盼望耶穌基督顯現的時候所要帶給你們的恩典。
13Naizvozvo masunga zviuno zvendangarairo dzenyu, svinurai, mutaririre nemoyo wose kunyasha dzinouyiswa kwamuri pakuratidzwa kwaKristu pakuratidzwa kwaJesu Kristu;
14你們既是順服的兒女,就不要再效法從前無知的時候放縱私慾的生活。
14sevana vanoteerera, musingazvifananidzi mafambiro enyu nekuchiva kwakare pakusaziva kwenyu,
15那召你們的既是聖潔的,你們在一切所行的事上也要聖潔。
15asi saiye wakakudanai ari mutsvene, nemwiwo ivai vatsvene pamafambiro ose;
16因為聖經上記著說:“你們要聖潔,因為我是聖潔的。”
16Nekuti kwakanyorwa, kuchinzi: Ivai vatsvene, nekuti ini ndiri mutsvene.
17你們既稱那不偏待人、按各人行為審判的主為父,就當存敬畏的心,過你們寄居的日子;
17Zvino kana muchimuidza Baba, iye pasina rusarura, unotonga umwe neumwe maererano nebasa rake, rasai nguva yeutorwa hwenyu mukutya;
18因為知道你們得贖,脫去你們祖先傳下的妄行,不是憑著能壞的金銀等物,
18muchiziva kuti hamuna kudzikinurwa nezvinoora, sirivheri kana ndarama, pamafambiro enyu asina maturo, wamakagamuchira kumadzibaba enyu;
19而是憑著基督的寶血,就像無瑕疵無玷污的羊羔的血。
19asi neropa rinokosha raKristu, seregwayana risina charinopomerwa, uye risina gwapa;
20基督是在創立世界以前,是 神所預知的,卻在這末後的世代才為你們顯現出來。
20iye zvorokwazvo wakagara agadzwa nyika isati yavambwa, asi wakaratidzwa pakupedzisira kwenguva nekuda kwenyu,
21藉著他,你們信那使他從死人中復活、又給他榮耀的 神,叫你們的信心和盼望都在於 神。
21iye wamunotenda naye muna Mwari wakamumutsa kuvakafa, akamupa rukudzo; kuti rutendo rwenyu netariro zvive muna Mwari.
22主的道永遠長存你們既因順從真理,潔淨了自己的心靈,以致能真誠地愛弟兄,就應當從清潔的心裡彼此切實相愛。
22Zvamakachenesa mweya yenyu mukuteerera chokwadi kubudikidza nemweya nemukuda hama nekusanyengera, dananai zvikuru nemoyo wose;
23你們得了重生,並不是由於能壞的種子,卻是由於不能朽壞的,就是藉著 神永活長存的道。
23makaberekwa kutsva kwete zvichibva pambeu inoora, asi zvichibva kune isingaori, neshoko raMwari rinorarama nekugara nekusingaperi.
24因為“所有的人(“人”原文作“肉體”),盡都如草,他們的榮美,都像草上的花;草必枯乾,花必凋謝,
24Nekuti nyama yose yakaita seuswa, neukuru hwose hwemunhu seruva reuswa. Uswa hwunosvava, neruva rahwo rinodonha;
25唯有主的道,永遠長存。”所傳給你們的福音就是這道。
25Asi shoko raIshe rinogara nekusingaperi. Ndireri shoko rakaparidzirwa kwamuri neevhangeri.