聖經新譯本

Shona

1 Samuel

10

1撒母耳膏立掃羅為王撒母耳拿了一瓶膏油,倒在掃羅的頭上,又與他親嘴,說:“耶和華不是已經膏立你作他產業的領袖嗎?
1Zvino Samueri akatora chinu chamafuta, akadurura pamusoro wake, akamutsvoda, akati, Jehovha haana kukuzodza here kuti uve mutungamiriri wavanhu venhaka yake?
2今天你離開我以後,在便雅憫境內的泄撒,靠近拉結墳墓的旁邊,必遇見兩個人。他們會對你說:‘你去尋找的那幾頭母驢已經找到了。現在你父親放下了母驢的事,反而為你擔憂,說:我為我的兒子要怎麼辦呢?’
2Kana ukabva kwandiri nhasi uchandowana varume vaviri parinda raRakeri, pamuganhu waBhenjamini, paZeriza; ivo vachati kwauri, Mbongoro dzawakanga uchitsvaka dzawanikwa; zvino, baba vako havachine hanya nembongoro, asi vofunganya pamusoro pako, vachiti Ndichaita seiko pamusoro pomwanakomana wangu?
3你要從那裡再往前去,直到他泊的橡樹那裡,必遇見三個上伯特利去敬拜 神的人,一個帶著三隻山羊羔,一個帶著三個餅,一個帶著一皮袋酒。
3Zvino uchabvapo ukapfuura mberi, ukasvika pamuouki weTabhori; ipapo uchasangana navarume vatatu vanokwira kuna Mwari paBhetieri, mumwe akatakura mbudzana nhatu, mumwe akatakura mapundu matatu ezvingwa, uye mumwe akatakura dende rewaini;
4他們必向你問安,並且給你兩個餅,你要從他們手中接過來。
4ivo vachakukwazisa, ndokukupa mapundu maviri ezvingwa; ugamuchire izvozvo pamaoko avo.
5然後,你要到 神的山去,那裡有非利士人的駐軍。你進城的時候,會遇見一班先知從邱壇上下來。在他們前面有鼓瑟的、打鼓的、吹笛的、彈琴的。他們都受感說話。
5Pashure uchasvika pagomo raMwari pane boka ravarwi ravaFirisitia; zvino kana uchisvika paguta, uchasangana neboka ravaporofita vanoburuka padunhu rakakwirira vakatungamirirwa nemitengeramwa, nengoma, nenyere, nembira, vachingoporofita;
6耶和華的靈必大大感動你,你就要與他們一同受感說話,變成另一個人。
6Ipapo Mweya waJehovha uchauya pamusoro pako nesimba, ukaporofita pamwechete navo, ukashanduka ukava mumwe munhu.
7這些徵兆臨到你的時候,你就可以見機行事,因為 神與你同在。
7Zvino kana zviratidzo izvi zvikaonekwa newe, uite chinhu chipi nechipi chaunoratidzwa kuti uchiite, nekuti Mwari anewe.
8你要在我以先下到吉甲去,我也要下到你那裡去獻燔祭和平安祭。你要等候七天,等我到了你那裡,指示你所當行的。”
8Zvino unditungamirire Girigari; tarira, ini ndichaburukira kwauri, kuti ndibayire zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa; unofanira kundimirira mazuva manomwe, kusvikira ndauya kwauri, ndikuratidze zvaunofanira kuita.
9掃羅受感說話掃羅轉身離開撒母耳的時候, 神就改變了他,賜給他一顆新心。那一天,這一切徵兆都實現了。
9Zvino wakati atendeuka, obva kuna Samueri, Mwari akamupa mumwe moyo; zviratidzo izvo zvose zvikaitika nomusi iwoyo.
10掃羅到了那山,有一班先知迎面而來。 神的靈大大感動他,他就在他們中間受感說話。
10Vakati vachisvika pagomo, boka ravaporofita rikasangana naye; Mweya waMwari wakauya pamusoro pake nesimba, akaporofita pakati pavo.
11所有以前認識掃羅的人,看見他和他們一起受感說話,就彼此說:“基士的兒子怎麼啦!掃羅也列在先知中間嗎?”
11Zvino vose vaimuziva kare vakati vachiona izvozvo, kuti woporofita pamwechete navo, vanhu vakataurirana, vakati, Chinyiko chawira mwanakomana waKishi? Sauro wava pakati pavaporofitawo here?
12那裡有一個人回答:“這些人的父親是誰呢?”因此,後來有句俗語說:“掃羅也列在先知中間嗎?”
12Zvino mumwe wapo akapindura, akati, Baba vavo ndianiko? Naizvozvo yakazova shumo kuti, Ko Sauro wava pakati pavaporofita here?
13掃羅受感說話完了以後,就到邱壇去了。
13Akati apedza kuporofita, akasvika padunhu rakakwirira.
14掃羅的叔叔問掃羅和他的僕人說:“你們到哪裡去了?”他回答:“找母驢去。我們找不到,就去見撒母耳。”
14Babamunini vaSauro vakati kwaari, nokumuranda wake, Makanga maendepiko? Akati, Kundotsvaka mbongoro, asi takati tichiona kuti hadziwanikwi, tikaenda kuna Samueri.
15掃羅的叔叔說:“你把撒母耳對你們所說的話告訴我。”
15Babamunini vaSauro vakati, Dondiudzawo zvamakaudzwa naSamueri.
16掃羅對他叔叔說:“他清楚地告訴我們,母驢已經找到了。”至於撒母耳所說有關王國的事,掃羅卻沒有告訴他的叔叔。
16Ipapo Sauro akati kuna babamunini vake, Wakatiudza pachena, kuti mbongoro dzatowanikwa hadzo. Asi haana kumuudza shoko roushe rakanga rataurwa naSamueri.
17掃羅被抽選為王撒母耳召集眾民到米斯巴耶和華那裡,
17Zvino Samueri akakoka vanhu kuna Jehovha paMizipa,
18對他們說:“耶和華以色列的 神這樣說:‘我把你們以色列人從埃及帶上來,我救你們脫離埃及人的手,又救你們脫離所有欺壓你們的列國人的手。’
18akati kuvana vaIsiraeri, Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, Ndakabudisa vana vaIsiraeri paEgipita, ndikakurwirai pamaoko avaEgipita, napamaoko amadzimambo ose aikuremedzai;
19你們今天卻離棄了那位拯救你們脫離一切災難和困苦的 神,竟對他說:‘求你立一個王統治我們。’現在你們要按著你們的支派和家族,站在耶和華面前。”
19asi nhasi maramba Mwari wenyu, iye unokuponesai amene panjodzi dzenyu dzose nenhamo dzenyu, mukati kwaari, Kwete, asi tigadzire mambo ungatibata. Naizvozvo zvino unganai pamberi paJehovha namarudzi enyu uye nezviuru zvenyu.
20撒母耳使以色列眾支派都近前來,抽籤抽中了便雅憫支派;
20Naizvozvo Samueri akaswededza marudzi ose aIsiraeri, rudzi rwaBhenjamini rukabatwa.
21他又使便雅憫支派按著家族近前來,抽籤抽中了馬特利;再抽籤抽中了基士的兒子掃羅。眾人尋找他,卻找不到。
21Akaswededza rudzi rwaBhenjamini, nedzimba dzarwo, imba yaMatiri ikabatwa; ipapo Sauro mwanakomana waKishi akabatwa; asi vakati vomutsvaka, akashaikwa.
22於是他們求問耶和華:“那人到這裡來了沒有?”耶和華說:“他躲在那些物件中。”
22Naizvozvo vakabvunzazve Jehovha, vakati, Iye munhu ari pano here? Jehovha akapindura, akati, Tarirai; wavanda pakati penhumbi.
23他們就跑過去,把他從那裡領出來;他站在眾人中間,比眾人都高出一個頭。
23Ipapo vakamhanya vakamutorapo; zvino wakati amira pakati pavanhu, akapfuura vanhu vose pakureba kubva pamafudzi ake kusvika kumusoro wake.
24撒母耳對眾民說:“你們看見耶和華所揀選的人沒有?在眾人中沒有一個可與他相比。”眾人就大聲歡呼:“願王萬歲!”
24Samueri akati kuvanhu vose, Munoona wakatsaurwa naJehovha, kuti hakuna wakafanana naye pakati pavanhu vose here? Vanhu vose vakadanidzira vachiti, Mambo ngaararame.
25撒母耳把國法對眾人述說了,又記在書上,存放在耶和華面前,然後遣散眾人,各回自己的家去了。
25Zvino Samueri akaudza vanhu tsika dzoushe, akadzinyora mubhuku, akazvichengeta pamberi paJehovha. Samueri akaendisa vanhu vose mumwe nomumwe kumba kwake.
26掃羅也回基比亞自己的家裡去了,有一些勇士與他一起回去;他們的心都被 神感動。
26NaSaurowo wakaenda kumba kwake paGibhiya, uye varume vose voumhare vakanga vabayiwa moyo yavo naMwari vakaendawo naye.
27但是有些流氓說:“這人怎能拯救我們呢?”就藐視他,也沒有送他禮物。掃羅卻沒有說甚麼。
27Asi vamwe vakaisvoipa vakati, Munhu uyu ungatiponesa seiko? Vakamushora, vakasamuvigira zvipo. Asi iye wakaramba anyerere hake.