聖經新譯本

Shona

1 Samuel

3

1耶和華呼召撒母耳那孩子撒母耳在以利面前事奉耶和華,在那些日子,耶和華的言語稀少,異象也不常有。
1Zvino mwana Samueri waibatira Jehovha pamberi paEri. Asi shoko raJehovha rakanga richinzwika kashoma pamazuva iwayo; Jehovha wakange asingazviratidzi pachena.
2有一天,以利躺臥在自己的地方,他的眼睛早已昏花,不能看得清楚了。
2Zvino nenguva iyo Eri wakati avata pasi panzvimbo yake (Meso ake zvino akanga oonera madzedzerere, asingagoni kuona kwazvo,)
3 神的燈還沒有熄滅,撒母耳躺臥在耶和華的殿中,就是安放 神約櫃的地方。
3mwenje waMwari usati wadzimwa, naSamueri akanga avata pasi patemberi yaJehovha, pakanga pane areka yaMwari;
4耶和華呼喚撒母耳,他說:“我在這裡。”
4Jehovha akadana Samueri. Iye akati, Ndiripano hangu.
5他就跑到以利那裡,說:“你呼喚我,我在這裡。”以利說:“我沒有呼喚你,回去睡吧。”他就回去睡了。
5Akamhanyira kuna Eri, akati, Ndiripano hangu, nekuti mandidana. Eri akati, Handina kukudana, chivata hakozve. Iye akandovatazve.
6耶和華再次呼喚撒母耳,他就起來走到以利那裡,說:“你呼喚我,我在這裡。”以利說:“我兒,我沒有呼喚你,回去睡吧。”
6Ipapo Jehovha akapamhazve kudana, akati, Samueri! Samueri akamuka, akaenda kuna Eri, akati, Ndiripano hangu, nekuti mandidana. Akapindura akati, Handina kukudana, mwana wangu; chivata hakozve.
7那時撒母耳還沒有認識耶和華,因為耶和華的話還沒有向他啟示。
7Asi Samueri wakange achigere kuziva Jehovha, uye shoko raJehovha rakanga richigere kumuziviswa.
8耶和華第三次呼喚撒母耳,他又起來,走到以利那裡,說:“你呼喚我,我在這裡。”以利就明白是耶和華呼喚這孩子。
8Zvino Jehovha akapamhazve kudana Samueri rwechitatu. Iye akamuka, akaenda kuna Eri, akati, Ndiri pano hangu, nekuti mandidana. Ipapo Eri akaziva kuti ndiJehovha wakadana mwana.
9因此以利對撒母耳說:“去睡吧!如果他呼喚你,你就說:‘耶和華啊!請說,僕人敬聽。’”於是撒母耳回去,仍然睡在自己的地方。
9Saka Eri akati kuna Samueri, Chindovata hako; zvino kana iye okudana, uti, Taurai Jehovha, nekuti muranda wenyu unonzwa. Naizvozvo Samueri akaenda, akandovata panzvimbo yake.
10耶和華又來站著,像前幾次一樣呼喚:“撒母耳,撒母耳!”他回答:“請說!僕人敬聽。”
10Ipapo Jehovha akauya, akamira, akadana sapanguva dzimwe dzokutanga, akati, Samueri, Samueri! Samueri akati, Taurai henyu, nekuti muranda wenyu unonzwa.
11耶和華對撒母耳說:“看哪!我要在以色列中行一件事,聽見的人,都必耳鳴;
11Jehovha akati kuna Samueri, Tarira, ndichaita chinhu pakati paIsiraeri, nzeve dzomumwe nomumwe unochinzwa dzichawunga.
12在那日,我必在以利身上徹底實現我論到他的家所說的一切話。
12Nomusi uyo ndichaitira Eri zvose zvandakataura pamusoro peimba yake, kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira.
13我曾告訴他:‘我必按著他所知道的罪孽永遠處罰他的家。這罪就是他的兒子自招咒詛,他也不責備他們。’
13Nekuti ndakamuudza kuti ndichatongesa imba yake nokusingaperi pamusoro pezvakaipa zvaakanga achiziva hake; nekuti vanakomana vake vakanga vachizviita chakatukwa, asi iye haana kuvadzivisa.
14所以我向以利家起了誓:‘以利家的罪孽永遠不能用祭物或供物來買贖。’”
14Saka ndakapika pamusoro peimba yaEri, kuti zvakaipa zveimba yaEri hazvingayananiswi nezvibayiro kana nezvipiriso nokusingaperi.
15撒母耳將默示告訴以利撒母耳睡到天亮,他就開了耶和華殿的門。但撒母耳不敢把異象告訴以利。
15Zvino Samueri akavata kusvikira mangwana, akazarura mikova yeimba yaJehovha. Asi Samueri wakatya kuzivisa Eri zvaakanga aratidzwa.
16以利呼喚撒母耳,說:“我兒撒母耳!”他回答:“我在這裡。”
16Zvino Eri akadana Samueri, akati Samueri, mwana wangu. Iye akati, Ndiripano hangu.
17以利說:“耶和華對你說了甚麼話呢?你不要向我隱瞞,他對你所說的一切話,如果你向我隱瞞一句,願 神對付你,並且加倍對付你。”
17Akati, Chinyiko chawakaudzwa naJehovha? Usandivanzira hako chinhu icho; Mwari ngaakurove, arambe achidaro, kana ukandivanzira chinhu chimwe pazvinhu zvose zvaakakuudza.
18於是撒母耳把一切話都告訴了以利,一句也沒有隱瞞。以利說:“他是耶和華,他看怎麼好,就怎麼行吧。”
18Ipapo Samueri akamurondedzera zvose-zvose, haana kumuvanzira chinhu chimwe. Eri akati, NdiJehovha, ngaaite hake sezvaanoda.
19撒母耳被立為先知撒母耳漸漸長大,耶和華與他同在,使他所說的一切話,沒有一句落空。
19Samueri akakura; Jehovha akava naye, haana kutendera kuti rimwe ramashoko ake riwire pasi.
20從但到別是巴,以色列人都知道撒母耳被耶和華確立為先知。
20VaIsiraeri vose kubva paDani kusvikira paBheerishebha, vakaziva kuti Samueri wakange asimbiswa kuva muporofita waJehovha.
21耶和華又在示羅顯現,因為耶和華在示羅藉著他的話向撒母耳啟示自己。
21Zvino Jehovha akazviratidzazve paShiro, nekuti Jehovha wakazviratidza kuna Samueri paShiro neshoko raJehovha.