聖經新譯本

Shona

1 Thessalonians

4

1要討 神喜悅此外,弟兄們,我們在主耶穌裡求你們,勸你們,你們既然接受了我們的教訓,知道應該怎樣行事為人,並且怎樣討 神喜悅,就要照你們現在所行的更進一步。
1Pamusoro pazvo zvino, hama, tinokukumbirisai, nekukurudzira naIshe Jesu, kuti sezvamakadzidza kwatiri kuti munofanira kufamba nekufadza Mwari sei, muwanze nekuwanzisisa pane izvozvo.
2我們憑著主耶穌傳給你們的是甚麼命令,你們是知道的。
2Nekuti munoziva mirairo yatakakupai naIshe Jesu.
3 神的旨意是要你們聖潔,遠避淫行;
3Nekuti ichi ndicho chido chaMwari, kuitwa vatsvene kwenyu, kuti murege upombwe;
4要你們各人曉得怎樣用聖潔尊貴的方法保守自己的身體(“身體”原文作“器皿”);
4kuti umwe neumwe wenyu azive kuzviwanira mudziyo wake mukuitwa mutsvene nerukudzo,
5不要放縱邪情私慾,像那些不認識 神的外族人一樣;
5asingaiti nekuchiva kwechishuwo, kunyange sevahedheni vasingazivi Mwari;
6誰也不要在這事上越軌,佔弟兄的便宜,因為這一類的事,主必報應。這是我們從前告訴過你們,又嚴嚴警戒過你們的。
6kusava neunopfuurikidza akanyengera hama yake pamhaka, nekuti Ishe ndiye mutsivi wezvose izvi, sezvatakagara takuudzaiwo nekukupupurirai kwazvo.
7 神呼召我們,不是要我們沾染污穢,而是要我們聖潔。
7Nekuti Mwari haana kutidanira kutsvina, asi kuutsvene.
8所以那棄絕這命令的,不是棄絕人,而是棄絕把他自己的聖靈賜給你們的那位 神。
8Naizvozvo unozvidza, haazvidzi munhu, asi Mwari unotipawo Mweya wake, Mutsvene.
9論到弟兄相愛,用不著人寫甚麼給你們,因為你們自己受了 神的教導,要彼此相愛。
9Zvino, kana ruri rudo rweukama, hamufaniri kuti ndikunyorerei, nekuti imwi mumene makadzidziswa naMwari kuti mudanane;
10其實,你們向全馬其頓所有的弟兄,已經這樣行了。但是,弟兄們,我們勸你們要更加彼此相愛;
10Nekuti nemwi munozviita kuhama dzose dziri paMakedhonia yose asi tinokukurudzirai, hama, kuti muwanze nekuwanzisisa;
11又要立志過安靜的生活,辦自己的事,親手作工,正如我們從前吩咐過你們,
11uye kuti mushingairire kuva nerunyararo, nekuita basa renyu pachenyu, muchishanda nemaoko enyu, sezvatakakurairai;
12使你們行事為人可以得到外人的尊敬,自己也不會有甚麼缺乏了。
12kuti mufambe nemutowo wakafanira kune vari kunze, uye musashaya chinhu.
13在主裡睡了的人必先復活弟兄們,論到睡了的人,我們不願意你們不知道,免得你們憂傷,像那些沒有盼望的人一樣。
13Asi handidi kuti mushaiwe ruzivo, hama, maererano nevarere, kuti murege kushungurudzika sevamwe vasina tariro.
14我們若信耶穌死了,又復活了,照樣,也應該相信那些靠著耶穌已經睡了的人, 神必定把他們和耶穌一同帶來。
14Nekuti kana tichitenda kuti Jesu wakafa akamukazve, saizvozvo avowo vakarara muna Jesu, Mwari uchavavuyisa pamwe naye.
15我們現在照著主的話告訴你們:我們這些活著存留到主再來的人,絕不能在那些睡了的人以先。
15Nekuti izvi tinokuudzai neshoko raIshe, kuti isu vapenyu, tinosara kusvikira pakuuya kwaIshe, hatingatongotangiri vakarara.
16因為主必親自從天降臨,那時,有發令的聲音,有天使長的呼聲,還有 神的號聲,那些在基督裡死了的人必先復活;
16Nekuti Ishe amene uchaburuka kubva kudenga nekudanidzira, nenzwi remutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; zvino vakafa muna Kristu vachatanga kumuka;
17然後,我們還活著存留的人,必和他們一同被提到雲裡,在空中與主相會。這樣,我們就要和主常常同在。
17zvino isu vapenyu vakasara, tichabvutwa pamwe navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mumhepo; naizvozvo tichava naIshe nekusingaperi.
18所以,你們應該用這些話彼此勸慰。
18Naizvozvo nyaradzanai nemashoko awa.