1約坦作猶大王(王下15:32~38)約坦登基的時候,是二十五歲;他在耶路撒冷作王共十六年;他的母親名叫耶路沙,是撒督的女兒。
1Jotamu akatanga kubata ushe asvika makore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi namatanhatu; zita ramai vake rakanga riri Jerusha mukunda waZadhoki.
2約坦行耶和華看為正的事,像他父親烏西雅一切所行的,只是沒有進入耶和華的殿;但人民還是行敗壞的事。
2Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, akaita zvose zvakaitwa nababa vake Uziya; asi haana kupinda mutemberi yaJehovha. Vanhu vakaramba vachiita zvakashata.
3約坦建造了耶和華殿的上門;在俄斐勒的城牆上,他也有很多建設。
3Akavaka suwo rokumusoro reimba yaJehovha, akavakawo zvizhinji pamusoro porusvingo rweOferi.
4他在猶大山地建造城市,又在樹林中建造一些營寨和瞭望樓。
4Wakavakawo maguta panyika yamakomo yaJudha, uye akavaka nhare neshongwe mumatondo.
5約坦和亞捫人的王交戰,戰勝了他們;那一年,亞捫人就獻給他三千四百公斤銀子,一千公噸小麥,一千公噸大麥;第二年和第三年,亞捫人也獻給他這個數目。
5Akarwawo namambo wavana vaAmoni, akavakunda. Negore iro vana vaAmoni vakamupa matarenda* esirivha ane zana, nezviyero zvezviyo zvine zviuru zvine gumi, nezviyero zvebhari zvine zviuru zvine gumi. Vana vaAmoni vakamupa zvizhinji zvakadai pagore rechipiri, negore rechitatuwo.
6約坦在耶和華他的 神面前堅守正道,所以日漸強盛。
6Naizvozvo Jotamu akasimba, nekuti akagadzira nzira dzake pamberi paJehovha Mwari wake.
7約坦其餘的事蹟,他的一切戰爭和作為,都記在以色列和猶大列王記上。
7Zvino mamwe mabasa aJotamu, nokurwa kwake kose netsika dzake, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamadzimambo aIsiraeri naaJudha.
8他登基的時候是二十五歲;他在耶路撒冷作王共十六年。
8Akatanga kubata ushe asvika makore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore gumi namatanhatu.
9約坦和他的列祖同睡,埋葬在大衛城裡;他的兒子亞哈斯接續他作王。
9Jotamu akavata namadzibaba ake; vakamuviga muguta raDhavhidhi; Ahazi mwanakomana wake akamutevera paushe.