聖經新譯本

Shona

2 Chronicles

31

1毀棄一切偶像(王下18:4)這一切都作完了,所有在那裡的以色列人就都出去,到猶大的各城,打碎神柱,砍下亞舍拉;又在猶大、便雅憫、以法蓮和瑪拿西各地,把邱壇和祭壇完全拆毀。然後以色列眾人都各回各城,各歸自己的地業去了。
1Zvino izvo zvose zvakati zvapera, vaIsiraeri vose vakanga varipo, vakabuda kumaguta aJudha, vakaputsa shongwe, nokutema matanda okunamata nawo, vakaputsa matunhu akakwirira nearitari kwaJudha nokwaBhenjamini kose, nokwaEfuremu nokwaManase, kusvikira vazviparadza zvose. Ipapo vana vaIsiraeri vose vakadzokera kumaguta avo, mumwe nomumwe kuzvinhu zvake.
2獻祭的條例希西家指派祭司和利未人的班次,使祭司和利未人照著自己的班次,各按各職獻燔祭和平安祭,又在耶和華殿門內事奉,稱謝和讚美耶和華。
2Hezekia akaraira mapoka avapristi navaRevhi pamapoka avo, munhu mumwe nomumwe pabasa rake vapristi navaRevhi vose, vakabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, kushumira nokuvonga, nokurumbidza mumasuwo emisasa yaJehovha.
3王又在自己的財物中定出一份作燔祭,就是早晚的燔祭,安息日、月朔和節期的燔祭,都是照著耶和華律法上所記的。
3Akarairawo mugove wefuma yamambo wezvipiriso zvinopiswa, zvaiti: Wezvipiriso zvinopiswa mangwanani namadekwana, nezvipiriso zvinopiswa pamasabata, napakugara komwedzi, napamitambo yakatarwa, sezvazvakanyorwa pamurayiro waJehovha.
4王又吩咐住在耶路撒冷的人民,要把祭司和利未人應得的一份給他們,使他們專心執行耶和華的律法。
4Akarairawo vanhu veJerusaremu kupa vapristi navaRevhi mugove wavo, kuti ivo vasimbe pamurayiro waJehovha.
5什一奉獻這命令一發出,以色列人就送來很多初熟的五穀、新酒、油和蜜,以及田間各樣的出產,又把各物品的十分之一,大批送來。
5Zvino vakati vachangonzwa murayiro uyu, vana vaIsiraeri vakapa zvakawanda zvezvitsva, zvezviyo newaini, namafuta, nouchi, nemichero yose yeminda; uye chegumi chezvinhu zvose vakauya nazvo zviri zvizhinji.
6住在猶大各城的以色列人和猶大人,也把牛羊的十分之一,和分別為聖耶和華他們的 神的聖物的十分之一,都送了來,屯積成堆。
6Navana vaIsiraeri navaJudha vakanga vagere pamaguta aJudha vakauyawo nezvegumi zvenzombe namakwai, nezvegumi zvezvinhu zvakatsaurwa zvakanga zvatsaurirwa Jehovha Mwari wavo, vakazviita mirwi.
7從三月開始屯積,到七月才完畢。
7Vakatanga kuita mirwi pamwedzi wechitatu, vakapedza nomwedzi wechinomwe.
8希西家和眾領袖來了,看見這些屯積物品,就稱頌耶和華,又為耶和華的子民以色列祝福。
8Zvino Hezekia namachinda, vakati vasvika nokuona mirwi, vakavonga Jehovha navanhu vake vaIsiraeri.
9希西家向祭司和利未人詢問這些屯積物品的時候,
9Ipapo Hezekia akabvunza vapristi navaRevhi pamusoro pemirwi.
10撒督家的大祭司亞撒利雅回答他,說:“自從人民把供物送進耶和華殿以來,我們就可以吃飽,並且還有很多剩下來。因為耶和華賜福給他的子民,所以剩下的才這樣豐盛。”
10Azaria mupristi mukuru weimba yaZadhoki akamupindura, akati, Kubva nguva yavakatanga kuisa zvipo muimba yaJehovha, takadya, tikaguta, tikasarirwa nezvizhinji, nekuti Jehovha akaropafadza vanhu vake; zvasara ndizvo zvizhinji izvi.
11預備倉房和分配供物希西家吩咐人在耶和華的殿裡預備倉房,他們就預備了。
11Ipapo Hezekia akaraira kuti vagadzire makamuri mumba maJehovha; vakaagadzira.
12他們很忠心地把供物、各物品的十分之一和分別為聖之物,都搬進倉裡去。利未人歌楠雅總管這些物品,他的兄弟示每作副總管。
12Vakapinza zvipo, nomutowo wakatendeka, nezvegumi, nezvinhu zvakatsaurirwa Jehovha; Konania muRevhi akaitwa mutariri wazvo, uye Shimei munin'ina wake akanga ari wechipiri.
13耶歇、亞撒細雅、拿哈、亞撒黑、耶利末、約撒拔、以利、伊斯瑪基雅、瑪哈、比拿雅在歌楠雅和他的兄弟示每手下,負責監督的工作,他們都是由希西家王和 神殿的總管亞撒利雅委派的。
13NaJehieri, naAzazia, naNahati, naAsaheri, naJerimoti, naJozabhadhi, naErieri, nalsimakia, naMahati, naBhenaya, vaiva vatariri pasi paKonania naShimei munin'ina wake, vakanga vagadzwa namambo Hezekia naAzaria mutariri weimba yaMwari.
14看守東門的利未人音拿的兒子可利,掌管自願獻給 神的禮物,分發獻與耶和華的供物和至聖之物。
14Kore mwanakomana waImina muRevhi, mutariri wesuwo rokumabvazuva, akanga ari mutariri wenhendo dzaingopiwa Mwari nokuzvidira, kuti agovere zvipo zvaJehovha nezvinhu zvitsvene kwazvo.
15在他手下有伊甸、泯雅泯、耶書亞、示瑪雅、亞瑪利雅和示迦尼雅,在祭司的各城裡,按著班次,無論大小,把供物分發給他們的親族。
15Pasi pake pakanga pana Edheni, naMiniamini, naJeshua, naShemaya, naAmaria, naShekania, mumaguta avapristi, pamabasa avo akatarwa, kuti vape hama dzavo namapoka, vakuru navaduku vose;
16此外,按著家譜,三十歲以上的男子:凡是每日按著班次,照著本分進耶和華的殿供職的,也分發給他們。
16vasingaverengi varume vakanga vakanyorwa mazita avo, kubva pamakore matatu navanopfuura, Ani naani aipinda mumba maJehovha, kuzoita mabasa akadikamwa zuva rimwe nerimwe, pamabasa avo avakanga vapiwa namapoka avo;
17又分發給按著家族登記在家譜上的祭司,也按著班次職責分給二十歲以上的利未人。
17navakanga vaverengwa pamazita avapristi nedzimba dzamadzibaba avo, navaRevhi vamakore makumi maviri navakapfuura, pamabasa avo namapoka avo;
18又按照家譜的登記,分給他們的全體的小孩、妻子和兒女,因為他們忠心地自潔成聖。
18navakaverengwa namazita epwere dzavo dzose, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navanasikana vavo, paungano yose; nekuti vakanga vazvinatsa noutsvene pamabasa avo akatarwa;
19至於住在各城郊野作祭司的亞倫的子孫,在各城裡都有指定的人,把應得的分分發給祭司中所有的男子,和所有登記在家譜中的利未人。
19navanakomana vaAroni vapristi vakanga vari kuminda yoruwa rwamaguta avo, paguta rimwe nerimwe kwaiva navarume vakanga vakanyorwa mazita avo, kuti vape varume vose pakati pavapristi migove yavo, navose vakaverengwa mazita avo pakati pavaRevhi.
20希西家行耶和華喜悅的希西家在猶大全地都這樣行,他在耶和華他的 神面前行良善、正直和誠實的事。
20Ndizvo zvakaita Hezekia kwaJudha kose; akaita zvakanaka nezvakarurama nezvakatendeka pamberi paJehovha Mwari wake.
21他經辦的一切事,無論是關於 神殿的事奉,或是關於律法和誡命的遵行,他都尋求他的 神。因為他盡心去行,所以盡都順利。
21Pabasa rimwe nerimwe raakatanga pakushumira paimba yaMwari, napamurayiro, napamirau, napakutsvaka Mwari wake, wakazviita nomoyo wake wose, akakunda.