1新約的僕役所以,我們既然蒙了憐憫,得著這職分,就不沮喪,
1Naizvozvo zvatine kushumira uku, sezvatakagamuchira tsitsi, hatineti;
2卻把暗昧可恥的事棄絕了;不行詭詐,不摻混 神的道,反而藉著顯揚真理,在 神面前把自己推薦給眾人的良心。
2asi takarasha zvinhu zvakavanzika zvinonyadza, tisingafambi neusvatu, kana kushandisa shoko raMwari nekunyengera; asi nekuratidza chokwadi, tichizvipupurira kuhana dzevanhu vose pamberi paMwari.
3如果我們的福音被蒙蔽了,那是對滅亡的人才蒙蔽的。
3Zvino kana evhangeri yedu yakafukidzwa, yakafukidzwa kune avo vanoparara;
4這些不信的人被這世代的神弄瞎了他們的心眼,使他們看不見基督榮耀的福音的光;基督就是 神的形象。
4kwavari Mwari wenyika ino wavakapofumadza fungwa dzevasingatendi, zvimwe chiedza chekubwinya kweevhangeri yaKristu uri mufananidzo waMwari chingavhenekera kwavari.
5我們並不是傳揚自己,而是傳揚耶穌基督是主,並且為了耶穌的緣故成了你們的僕人。
5Nekuti hatizviparidzi isu, asi Kristu Jesu Ishe; uye isu tiri varanda venyu nekuda kwaJesu.
6因為那說“要有光從黑暗裡照出來”的 神,已經照在我們的心裡,要我們把 神的榮光照出去,就是使人可以認識那在基督臉上的榮光。
6Nekuti Mwari wakati chiedza chivhenekere parima ndiye wakavhenekera mumoyo yedu, kuti atipe chiedza cheruzivo rwokubwinya kwaMwari pachiso chaJesu Kristu.
7我們有這寶貝在瓦器裡,是要顯明這極大的能力是屬於 神,不是出於我們。
7Asi tine fuma iyi mumidziyo yevhu, kuti ukuru hwesimba hwuve hwaMwari, uye hwusabva kwatiri;
8我們雖然四面受壓,卻沒有壓碎;心裡作難,卻不至絕望,
8tinotambudzwa pamativi ose, asi hatimanikidzwi; tinokanganiswa, asi hatiori moyo;
9受到迫害,卻沒有被丟棄;打倒了,卻不至死亡。
9tinotambudzwa, asi kwete kusiiwa; tinowisirwa pasi, asi kwete kuparadzwa;
10我們身上常常帶著耶穌的死,好讓耶穌的生也在我們的身上顯明出來。
10tichitakura nguva dzose kufa kwaIshe Jesu mumuviri, kuti neupenyuwo hwaJesu hwuratidzwe mumuviri wedu.
11我們這些活著的人,為耶穌的緣故常常被人置於死地,好讓耶穌的生也在我們必死的身上顯明出來。
11Nekuti isu vapenyu tinogara tichikumikidzwa mukufa nekuda kwaJesu, kuti upenyuwo hwaJesu hwuratidzwe munyama yedu inofa.
12這樣看來,死在我們身上運行,生卻在你們的身上運行。
12Saizvozvo kufa kunobata matiri, asi upenyu mamuri.
13經上記著說:“我信,所以我說話。”我們既然有同樣的信心(“信心”原文作“信心的靈”),也就信,所以也說話,
13Naizvozvo tine mweya iwoyu werutendo, zvichienderana nezvazvakanyorwa zvichinzi: Ndakatenda, saka naizvozvo ndakataura; isuwo tinotenda saka naizvozvo tinotaura;
14因為知道那使主耶穌復活的,也必定使我們與耶穌一同復活,並且把我們和你們呈獻在他的面前。
14tichiziva kuti iye wakamutsa Ishe Jesu, uchatimutsawo isu kubudikidza naJesu; agotikumikidza pamwe nemwi.
15這一切都是為了你們,好使恩惠既然因著許多人而增多,感恩的心也更加增多了,使榮耀歸給 神。
15Nekuti zvinhu zvose zvinoitwa nekuda kwenyu, kuti nyasha zvadzakawanzwa nekuda kwekuvonga kwevazhinji dziwedzerwe dzive rukudzo kuna Mwari.
16日日更新所以,我們並不沮喪,我們外面的人雖然漸漸朽壞,但裡面的人卻日日更新,
16Naizvozvo hatineti, asi kunyange munhu wedu wokunze achiparara, zvakadaro womukati unovandudzwa zuva rimwe nerimwe.
17因為我們短暫輕微的患難,是要為我們成就極大無比、永遠的榮耀。
17Nekuti kutambudzika kwedu kwakareruka kuripo asi kwechinguva chiduku, kunotiitira kubwinya kukuru kwakaisvo-naka kusina chiyero;
18我們所顧念的,不是看得見的,而是看不見的;因為看得見的是暫時的,看不見的是永遠的。
18Nekuti tisingatariri zvinhu zvinoonekwa, asi zvinhu zvisingaonekwi; nekuti zvinhu zvinoonekwa ndezvenguva, asi zvinhu zvisingaonekwi ndezvekusingaperi.