聖經新譯本

Shona

2 Kings

14

1亞瑪謝作猶大王(代下25:1~13)以色列王約哈斯的兒子約阿施在位第二年,猶大王約阿施的兒子亞瑪謝登基作王。
1Negore rechipiri raJoashi mwanakomana waJoahazi mambo waIsiraeri, Amazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha, akatanga kubata ushe.
2他登基的時候是二十五歲,在耶路撒冷作王共二十九年。他母親名叫約耶但,是從耶路撒冷來的。
2Akatanga kubata ushe ana makore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe; zita ramai vake rakanga riri Jehoadhini weJerusaremu.
3他行耶和華看為正的事;只是不像他的祖先大衛,卻是照著他父親約阿施所行的一切去行。
3Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, asi haana kufanana nababa vake Dhavhidhi; akaita zvose zvakaita baba vake Joashi.
4只是邱壇還沒有廢去,人民仍在邱壇獻祭焚香。
4Asi matunhu akakwirira haana kubviswa, asi vanhu vakaramba vachibayira nokupisa zvinonhuhwira pamatunhu akakwirira.
5當國家在他手中穩定以後,他就把那些擊殺他父王的臣僕殺了。
5Zvino ushe hwakati huchangosimbiswa naye, akauraya varanda vake vakanga vauraya mambo baba vake.
6但他們的兒子沒有處死,這是按照摩西律法書上所寫,是耶和華的吩咐:“不可因兒子的罪處死父親,也不可因父親的罪處死兒子;各人要因自己的罪而死。”
6Asi haana kuuraya vana vavaurayi, sezvazvakanyorwa mubhuku yomurayiro waMozisi, sezvakaraira Jehovha, achiti, Madzibaba ngaarege kuurawa nokuda kwavana, kana vana ngavarege kuurawa nokuda kwamadzibaba; asi munhu mumwe nomumwe ngaafire zvivi zvake.
7他在鹽谷擊殺了一萬以東人,又攻取了西拉,然後把它的名字改稱為約帖,直到今日。
7Akauraya vane zviuru zvine gumi zvavaEdhomu pamupata womunyu, akakundawo Sera pakurwa, akaritumidza zita rinonzi Joketeeri, kusvikira zuva ranhasi.
8亞瑪謝向約阿施挑戰(代下25:17~24)那時,亞瑪謝派使者去見耶戶的孫子、約哈斯的兒子以色列王約阿施說:“來,我們在戰場相見吧!”
8Zvino Amazia akatuma nhume kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi mwanakomana waJehu, mambo waIsiraeri, akati, Uya tionane.
9以色列王約阿施派人去見猶大王亞瑪謝說:“黎巴嫩的蒺藜派人去見黎巴嫩的香柏樹說:‘請你把你的女兒給我的兒子作妻子吧!’後來有黎巴嫩的野獸經過,就把蒺藜踩倒了。
9Jehoashi mambo waIsiraeri akatuma shoko kuna Amazia mambo waJudha, akati, Rukato rwakanga ruri paRebhanoni rwakatuma shoko kumusidhari wakange uri paRebhanoni, rukati, Ipa mwanakomana wangu mukunda wako, ave mukadzi wake; zvino imwe mhuka yakanga iri paRebhanoni ikapfuurapo, ikatsikatsika rukato.
10不錯,你打敗了以東人,你的心就高傲。你儘管自己誇耀,安坐家中就是了。為甚麼要惹禍,使你覆亡,也使猶大跟你一起覆亡呢?”
10Iwe wakunda vaEdhomu, zvino moyo wako wozvikudza; chizvikudza hako, ugare kumusha; nekuti unotsvakireiko njodzi, uwiremo, iwe naJudha pamwechete newe?
11但是亞瑪謝不聽他的話。於是以色列王約阿施上來,和猶大王亞瑪謝在屬猶大的伯.示麥相見。
11Asi Amazia wakaramba kunzwa. Naizvozvo Jehoashi mambo waIsiraeri akaenda; iye naAmazia mambo waJudha vakaonana paBhetishemeshi raiva raJudha.
12猶大人被以色列人擊敗,各人逃回自己的家去了。
12VaJudha vakakundwa navaIsiraeri, mumwe nomumwe akatizira kutende rake.
13以色列王約阿施捉住了亞哈謝的孫子、約阿施的兒子猶大王亞瑪謝。他們來到耶路撒冷,拆毀了耶路撒冷一段城牆,從以法蓮門直到角門,共兩百公尺。
13Jehoashi mambo waIsiraeri akasunga Amazia mambo waJudha, mwanakomana waJehoashi, mwanakomana waAhazia, paBhetishemeshi, akasvika Jerusaremu, akaputsa rusvingo rweJerusaremu, kubva pasuwo raEfuremu kusvikira pasuwo rapakona, makubhiti ana mazana mana.
14又掠去耶和華殿裡和王宮的寶庫裡所有的金子、銀子和一切器皿,還有人質,就回撒瑪利亞去了。
14Akatora ndarama yose nesirivha, nemidziyo yose yakawanikwa mumba maJehovha, napafuma yomumba mamambo, navanhu kuzova rubatso, akadzokera Samaria.
15約阿施其餘的事蹟和他的英勇事蹟,就是與猶大王亞瑪謝作戰的事,不是都寫在以色列諸王的年代誌上嗎?
15Zvino mamwe mabasa aJehoashi aakaita, nesimba rake, nokurwa kwake naAmazia mambo waJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
16約阿施和他的祖先一同長眠,他和以色列諸王一樣,葬在撒瑪利亞。他的兒子耶羅波安接續他作王。
16Jehoashi akavata namadzibaba ake, akavigwa paSamaria kuna madzimambo aIsiraeri, Jerobhoamu akamutevera paushe.
17亞瑪謝在拉吉被弒(代下25:25~28)以色列王約哈斯的兒子約阿施死後,猶大王約阿施的兒子亞瑪謝仍活了十五年。
17Amazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha wakaramba ari mupenyu makore ane gumi namashanu, shure kokufa kwaJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo welsiraeri.
18亞瑪謝其餘的事蹟不是都寫在猶大列王的年代誌上嗎?
18Zvino mamwe mabasa aAmazia haana kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
19在耶路撒冷有人陰謀反叛他,他就逃到拉吉去。他們派人跟蹤他到拉吉,就在那裡把他殺死了。
19Zvino vakarangana kumuuraya paJerusaremu, akatizira Rakishi; asi vakatuma vanhu Rakishi vachimutevera, vakamuurayirapo.
20他們把他的屍首馱在馬背上運回來,葬在耶路撒冷,在大衛的城裡,和他的祖先在一起。
20Vakauya naye pamabhiza, akavigwa kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi.
21猶大的眾民選立了亞撒利雅;他只有十六歲,他們就立他接續他父親亞瑪謝作王。
21Zvino vanhu vose vaJudha vakatora Azaria, wakange anamakore ane gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amazia.
22亞瑪謝和他的祖先一同長眠以後,亞撒利雅重建了以拉他,並且收歸猶大。
22Akavaka Erati, akaridzosera kuna Judha, mambo avata namadzibaba ake.
23耶羅波安二世作以色列王猶大王約阿施的兒子亞瑪謝十五年,以色列王約阿施的兒子耶羅波安在撒瑪利亞登基,他作王共四十一年。
23Negore regumi namashanu raAmazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJoashi, mambo waIsiraeri, akatanga kubata ushe paSamaria, akaubata makore ana makumi mana nerimwe.
24他行耶和華看為惡的事,不轉離尼八的兒子耶羅波安使以色列人陷於罪中的一切罪。
24Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvose zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
25他收復以色列的邊境,從哈馬口直到亞拉巴海,正如耶和華以色列的 神的話,就是藉著他的僕人迦特希弗人亞米太的兒子約拿先知所說的;
25Akakundazve nyika yaIsiraeri, kubva pavanopinda paHamati kusvikira pagungwa reArabha, sezvakarehwa neshoko raJehovha, Mwari waIsiraeri, raakataura nomuromo womuranda wake Jona, mwanakomana waAmitai, muporofita weGatiheferi.
26因為耶和華看見以色列十分艱苦,無論是自由的或為奴的都沒有了,也沒有幫助以色列的。
26Nekuti Jehovha wakaona kutambudzika kwaIsiraeri, kuti kwakanga kwakanyanya kwazvo; nekuti kwakanga kusina vakuru navaduku, kwakanga kusina mubetseri waIsiraeri.
27耶和華沒有定命要將以色列的名從天下塗抹,所以藉著約阿施的兒子耶羅波安的手拯救他們。
27Asi Jehovha haana kutaura kuti uchadzima zita relsiraeri pasi pedenga, asi wakavaponesa noruoko rwaJerobhoamu mwanakomana waJoashi.
28耶羅波安其餘的事蹟和他所行的一切,以及他作戰時的英勇,怎樣收復大馬士革和原屬猶大的哈馬歸以色列,不是都寫在以色列諸王的年代誌上嗎?
28Zvino mamwe mabasa aJerobhoamu, nezvose zvaakaita, nesimba rake, nokurwa kwake, nokudzosera kwake Dhamasiko neHamati kuna Isiraeri, aiva maguta aJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
29耶羅波安和他的祖先以色列諸王一同長眠。他的兒子撒迦利雅就接續他作王。
29Jerobhoamu akavata namadzibaba ake, madzimambo aIsiraeri; Zekariya mwanakomana wake akamutevera paushe.