1以利沙幫助寡婦還債一位先知門徒的妻子哀求以利沙說:“你僕人我的丈夫死了,你知道你的僕人是敬畏耶和華的。現在債主來要抓我的兩個孩子作他的奴僕。”
1Zvino mumwe mukadzi wavakadzi vavanakomana vavaporofita wakachema kuna Erisha, akati, Muranda wenyu, murume wangu, wafa; munoziva kuti muranda wenyu wakange achitya Jehovha; zvino uyo, waakanga atora chikwereti kwaari, wauya kuzotora vana vangu vaviri kuzova varanda vake.
2以利沙對他說:“我可以為你作甚麼呢?告訴我,你家裡有甚麼呢?”她說:“婢女家中除了一瓶油以外,甚麼也沒有。”
2Erisha akati kwaari, Ndingakubatsira seiko? Ndiudze. Uneiko mumba mako? Iye akati, Murandakadzi wenyu haane chinhu mumba, asi hari ina mafuta.
3以利沙說:“你到外面去向你所有的鄰居借空器皿,要盡量多借。
3Ipapo akati, Enda undokwereta kuna vose vaugere navo midziyo isina chiro; usakwereta mishoma.
4然後回去,把你和你兒子關在家裡,你要把油倒在所有器皿裡面,裝滿了的就放在一邊。”
4Zvino upinde, iwe navana vako, upfige mukova, udire mumidziyo iyo yose, uchigadzika yose yazara kurutivi.
5於是婦人離開了他,把自己和兒子關在門內;她的兒子不住地把器皿拿到她面前,她就把油倒進去。
5Naizvozvo akabva kwaari, akapfiga mukova, iye navana vake vari mukati; ivo vakamusvitsa midziyo, akadira.
6器皿都倒滿了的時候,她對兒子說:“再拿一個器皿給我。”他對她說:“再沒有器皿了。”油就止住了。
6Midziyo yakati yazara, akati kumwanakomana wake, Ndipezve mumwe mudziyo. Iye akati kwaari, Hapachina mumwe mudziyo; mafuta akagumawo.
7她去告訴神人,神人說:“你去把油賣掉,還清你的債務,你和你的兒子可以靠著剩下的過活。”
7Ipapo akandoudza munhu waMwari, iye akati, Chienda undotengesa mafuta, uripe chikwereti chako, urarame nezvakasara, iwe navanakomana vako.
8書念婦人接待以利沙有一天,以利沙經過書念的時候,那裡有一位貴婦堅持留他吃飯;於是以後每逢他從那裡經過,他總進去吃飯。
8Zvino mumwe musi Erisha akapfuura napaShunemi, pakanga pagere mukadzi wakakurumbira, iye akamugombedzera kudya zvokudya. Zvino nguva dzose kana achipfuura napo, waitsaukirako kuzodya zvokudya.
9那婦人對她的丈夫說:“你看,我知道那常從我們這裡經過的,是個聖潔的神人。
9Akati kumurume wake, Tarirai zvino, ndinoona kuti uyu murume, unosipfuura nokwatiri, munhu mutsvene waMwari.
10讓我們蓋一間有牆的小閣,為他在裡面擺設睡床、桌子、椅子和燈盞;他到我們這裡來的時候,就可以到那裡休息。”
10Ngativake kamuri duku parusvingo, timuisiremo mubhedha, netafura, nechigaro, nechigadziko chomwenje; zvino kana achinge achiuya kwatiri, agotsaukiramo.
11有一天,以利沙來到那裡,就上小閣休息,在那裡躺下。
11Zvino mumwe musi akasvikapo, akatsaukira kukamuri iyo duku, akandovatamo.
12他對他的僕人基哈西說:“你去叫這書念的婦人來。”於是他叫了她來,站在他的面前。
12Akati kuna Gehazi muranda wake, Dana mukadzi uyu muShunemi. Wakati amudana, iye akamira pamberi pake.
13他對他的僕人說:“你對她說:‘看哪!你為我們費了這麼多心思。我可以為你作些甚麼呢?你有事要我替你向王或軍長說的嗎?’”她說:“我住在自己的人民中間。”
13Akati kwaari, Chitaura kwaari zvino, uti Tarirai, makatichengeta zvikuru kwazvo, zvino tingakuitireiwo? Munoda kuti tikureverei kuna mambo, kana kumukuru wehondo here? Iye akapindura, akati, Ndigere hangu zvakanaka pakati pavanhu vangu.
14於是他說:“我到底可以為她作些甚麼呢?”基哈西說:“她沒有兒子,而她的丈夫又老了。”
14Akati, Zvino tingamuitireiko? Gehazi akapindura, akati, Zvirokwazvo haana mwanakomana, nomurume wake wakwegura.
15於是以利沙對他說:“再叫她來。”他就再去叫了她來,她就站在門口。
15Iye akati, Mudane. Wakati amudana, iye akamira pamukova.
16以利沙說:“明年這個時分,時候到了,你必懷抱一個兒子。”她說:“神人哪!不要欺哄你的婢女。”
16Akati, Nenguva ino kana gore rapera, uchafungatira mwana. Iye akati, Kwete, ishe wangu, munhu waMwari, regai kureva nhema kumurandakadzi wenyu.
17蒙恩生子這婦人果然懷了孕,到明年這個時分,時候到了,她就生了一個兒子,正如以利沙對她所說的。
17Mukadzi akava nemimba, akapona mwanakomana nenguva iyo pakupera kwegore, sezvakanga zvataura Erisha kwaari.
18孩子中暑死亡孩子漸漸長大。有一天,他出來到收割的人中找他的父親。
18Zvino mwana wakati akura, akaenda mumwe musi kuna baba vake kuvakohwi.
19他對他的父親說:“我的頭啊!我的頭啊!”他的父親對僕人說:“把他抱到他母親那裡。”
19Akati kuna baba vake, Musoro wangu, musoro wangu! Ivo vakati kumuranda, Mubereke uende naye kuna mai vake.
20於是僕人把他抱著,送到他母親那裡。孩子坐在他母親的雙膝上,到中午就死了。
20Iye akamutora, akamuisa kuna mai vake, akagara pamabvi avo kusvikira masikati makuru, akafa.
21她把孩子抱上小閣,放在神人的床上;她把他關在裡面,就出去了。
21Ivo vakakwira, vakandomuradzika pamubhedha womunhu waMwari, vakamupfigiramo, vakabuda.
22她呼喚她的丈夫,說:“請你派一個僕人和一頭驢子給我。我要趕到神人那裡,立刻就回來。”
22Akadana murume wake, akati, Nditumirewo mumwe muranda nembongoro imwe, ndimhanyire kumunhu waMwari, ndigodzokazve.
23他說:“為甚麼你要在今天去見他呢?今天既不是月朔,也不是安息日。”她說:“一切都平安。”
23Iye akati, Unoda kuendereiko kwaari nhasi? Hakuzi kugara komwedzi, kana sabata. Iye akati, Hazvine mhosva.
24於是她把驢套上鞍,對她的僕人說:“你來趕驢子走吧,除非我告訴你,否則不要因為我慢下來。”
24Zvino akaisa chigaro pambongoro, akati kumuranda wake, Uifambise, ipfuurire mberi; rega kundinonotsa pakufamba, asi kana ndikakuudza.
25於是她起程,去到迦密山神人那裡。神人從遠處看見她的時候,就對他的僕人基哈西說:“看哪!書念的婦人在那邊呢!
25Naizvozvo akaenda, akasvika kumunhu waMwari pagomo reKarimeri. Munhu waMwari wakati achimuona achiri kure, akati kuna Gehazi muranda wake, Tarira hoyo mukadzi muShunemi.
26現在你跑去迎接她,對她說:‘你平安嗎?你的丈夫平安嗎?你的兒子平安嗎?’”她說:“都平安。”
26Mhanya hako zvino undosangana naye, uti kwaari, Makafara here? Murume wenyu wakafara here? Nomwana wakafara here? Iye akapindura, akati, Haiwa, takafara hedu!
27她來到山上神人那裡,就抱住神人的腳;基哈西上前要推開她,但神人說:“由她吧,因為她的心靈很痛苦。耶和華隱瞞我,沒有告訴我。”
27Zvino wakati asvika kumunhu waMwari pagomo, akabata tsoka dzake. Gehazi akaswedera achida kumusundira kure; asi munhu waMwari akati, Murege hake, nekuti mweya wake une shungu mukati make. Asi Jehovha wakandivanzira izvozvo, haana kundiudza.
28她說:“我有向我主求過兒子嗎?我不是說過:‘不要欺哄我’的嗎?”
28Ipapo iye akati, Ko ndakakumbira mwanakomana kuna ishe wangu here? Ko handina kuti, regai kundinyengedzera here?
29使死去的孩子復活神人對基哈西說:“你束上腰,手裡拿著我的手杖前去;不論遇見的是誰,都不要向他問安;若是有人向你問安,你也不要回答他,只要去把我的手杖放在孩子的臉上。”
29Ipapo akati kuna Gehazi, Chizvisunga chiuno, uende; kana ukasangana nomunhu, rega kumukwazisa; kana mumwe akakukwazisa, usamudavira; ugondoisa tsvimbo yangu pamusoro pechiso chomwana.
30孩子的母親說:“我指著永活的耶和華和你的性命起誓,我決不會離開你。”神人只好起身隨她而去。
30Zvino mai vomwana vakati, NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiiyi. Akasimuka, akamutevera.
31基哈西在他們前面去了,把手杖放在孩子的臉上,可是沒有聲音,也沒有反應;於是他回來迎著以利沙,告訴他說:“那孩子還沒有醒過來。”
31Gehazi akavatungamirira, akandoisa tsvimbo pachiso chomwana, asi kwakanga kusino kutaura kana kunzwa. Naizvozvo akadzoka kuzosangana naye, akati kwaari, Mwana haana kupepuka.
32以利沙來到書念婦人的家,看見孩子已經死了,躺在他的床上。
32Erisha wakati apinda mumba akawana mwana akafa, akaradzikwa pamubhedha wake.
33於是他進去,把自己和孩子二人關在門內,然後向耶和華禱告。
33Naizvozvo akapinda, akapfiga mukova, iye ari mukati nomwana, ivo vaviri, akanyengetera kuna Jehovha.
34他又上床伏在孩子身上,使自己的口對著孩子的口,自己的眼對著孩子的眼,自己的手放在孩子的手上;他伏在孩子身上,孩子的身體就漸漸溫暖起來。
34Akakwira, akatsivama pamusoro pomwana, akaisa muromo wake pamuromo wake, nameso ake pameso ake, namaoko ake pamaoko ake; akatsivama pamusoro pake, nyama yomwana ikadziya.
35然後他下來在房內來回走了一趟,再上去,伏在孩子身上;那孩子打了七個噴嚏,跟著就張開了眼睛。
35Zvino akadzoka, akafamba-famba mumba kamwe, akakwirazve, akatsivama pamusoro pake; mwana akahotsira kanomwe, mwana ndokusvinudza meso ake.
36神人呼喚基哈西,說:“你去叫那書念的婦人來。”他就去叫她,她來到他那裡,他就說:“把你的兒子抱起來。”
36Ipapo akadana Gehazi, akati, Dana mukadzi muShunemi. Akamudana. Iye wakati apinda kwaari, Erisha akati, Simudza mwanakomana wako.
37於是她進去,在他的腳前下拜,俯伏在地上;然後把兒子抱起來,出去了。
37Zvino iye akapinda, akazviwisira patsoka dzake, akakotamira pasi; akasimudza mwanakomana wake, akabuda.
38以利沙以麵解毒以利沙又回到吉甲,那地正發生饑荒。先知的門徒坐在他面前。他對他的僕人說:“把大鍋放在火上,給先知的門徒們煮點東西吃。”
38Zvino Erisha akaendazve Girigari, nzara yakanga iripo panyika; vanakomana vavaporofita vakanga vagere pamberi pake, akati kumuranda wake, Gadza hari huru, ubikire vanakomana vavaporofita zvokudya.
39有一個人到田野那裡去採摘野菜。他找到一棵野瓜藤,就摘下藤上的野瓜裝滿了他的衣服。他回來,把瓜切了放入煮東西的鍋中,他們不知道是甚麼東西。
39Zvino mumwe akaenda kusango kundotanha miriwo, akawana muti unotanda, akatanhapo magaka, akazadza nguvo yake nawo, akasvika akaachekerera muhari yezvokudya, nekuti vakanga vasingaazivi.
40後來他們倒出來給眾人吃,他們在吃鍋裡的東西的時候,都慘叫起來,說:“神人哪!鍋中有致死的毒物!”他們就不能吃了。
40Zvino vakapakurira vanhu kuti vadye. Ivo. vakati vodya zvokudya, vakadanidzira, vakati, Munhu waMwari, rufu ruri muhari. Vakasagona kuzvidya.
41他說:“拿些麵給我。”他把麵放在鍋中,說:“倒出來給眾人吃吧。”鍋裡就沒有毒了。
41Asi iye akati, Uyai noupfu. Akahudira muhari, akati, Chipakurai henyu, vanhu vadye. Zvino kwakanga kusine chinhu chakaipa muhari.
42二十個餅給一百人吃飽有一個人從巴力.沙利沙來,他帶給神人二十個用初熟大麥做的餅,還有新穗子;以利沙說:“把這些給眾人吃吧!”
42Zvino mumwe murume wakasvika, achibva Bhaarisharisha, akavigira munhu waMwari zvokudya zvezvitsva, zvingwa zvebhari zvina makumi maviri, nehura itsva dzezviyo muhomwe yake. Akati, Ipai vanhu, vadye.
43他的僕人說:“我怎能把這一些食物擺在一百個人面前呢?”神人說:“給眾人吃吧,因為耶和華這樣說:‘他們要吃,而且還有剩下的。’”
43Muranda wake akati, Ndingaisa izvi pamberi pavanhu vane zana seiko? Asi iye akati, Ipai vanhu, vadye, nekuti zvanzi naJehovha, Vachadya, vakasiya zvimwe.
44於是僕人擺在眾人面前,他們都吃,而且還有剩下的,正如耶和華所說的。
44Naizvozvo akazviisa pamberi pavo, vakadya, vakasiya zvimwe, sezvakataura shoko raJehovha.