1押沙龍取得民心這事以後,押沙龍為自己預備了一輛戰車和一些馬匹,又預備了五十人在他前面奔走開路。
1Zvino shure kwaizvozvo Abhusaromu akazvigadzirira ngoro namabhiza navarume vana makumi mashanu kuti vamhanye pamberi pake.
2押沙龍常常清早起來,站在通往城門口的路旁。有爭訟的案件要進去請王判決的人,押沙龍就把他叫到跟前來,問他:“你是從哪一座城來的?”他回答:“僕人是從以色列某一支派來的。”
2Abhusaromu waimuka mangwanani, akandomira parutivi rwenzira pasuwo; zvino kana kuchinge kuno munhu wakange ouya kuna mambo kuzotambirwa mhosva yake, Abhusaromu ndokumudana, akati, Uri weguta ripiko? Kana akati, Muranda wenyu unobva kuno rumwe rwamarudzi aIsiraeri,
3押沙龍就對他說:“你看!你的案件有情有理,但是王並沒有委人聽你的案子。”
3Abhusaromu waiti kwaari, Tarira, mashoko ako akanaka, akarurama hawo, asi hakuna munhu wakatumwa namambo kuzokunzwa.
4押沙龍又說:“但願有人立我作這地的審判官,這樣,有案件或訴訟的人,都可以到我這裡來,我就給他公平的審判。”
4Uye Abhusaromu akatiwo, Dai ini ndichiitwa mutongi panyika, kuti ani nani anenge ane mhaka kana shoko auye kwandiri, ini ndimururamisire.
5如果有人走近押沙龍要拜他,他就伸手拉住他,並且與他親嘴。
5Zvino kana ani nani akaswedera kuzopfugama pamberi pake, iye waitambanudza ruoko rwake, achimubata, achimutsvoda.
6所有來到王面前請求審決的以色列人,押沙龍都是這樣對待他們。因此,押沙龍暗中迷惑了以色列人的心。
6Zvino Abhusaromu waiita nomutowo uyu navaIsiraeri vose vaiuya kuna mambo kuzotambirwa mhosva dzavo; naizvozvo Abhusaromu akanyengera moyo yavanhu vaIsiraeri kuti imude.
7押沙龍謀反過了四年,押沙龍對王說:“求你准我到希伯崙去,好向耶和華還我所許的願。
7Zvino makore mana akati apfuura, Abhusaromu akati kuna mambo, Nditenderei henyu ndiende Hebhuroni, ndindoripira kupika kwangu kwandakapikira Jehovha.
8因為僕人住在亞蘭的基述的時候,曾經許了一個願說:‘如果耶和華使我再回到耶路撒冷來,我就要在希伯崙事奉他。’”
8nekuti muranda wenyu wakapika mhiko ndichigere Geshuri paSiria, ndikati, Zvirokwazvo, kana Jehovha akandidzosera Jerusaremu, ndichanamata Jehovha.
9王對他說:“你平平安安地去吧!”於是他動身,往希伯崙去了。
9Mambo akati, Chienda hako norugare. Naizvozvo akasimuka, akaenda Hebhuroni.
10押沙龍派遣探子到以色列的各支派中,說:“你們一聽見號角的聲音,就說:‘押沙龍在希伯崙作王了!’”
10Asi Abhusaromu wakatuma vashori pakati pamarudzi ose aIsiraeri, akati, Kana mukanzwa kurira kwehwamanda, ipapo muti, Abhusaromu ndimambo paHebhuroni.
11有二百人從耶路撒冷應邀與押沙龍同去。他們都是誠誠實實地去,對內情一點也不知道。
11Zvino Abhusaromu akaperekedzwa navarume vana mazana maviri veJerusaremu, vakanga vakokwa; ivo vakaenda havo vakafara vasingazivi chinhu.
12押沙龍獻祭的時候,差派人去把大衛的參謀基羅人亞希多弗從他的本城基羅請來。於是叛亂的勢力越來越大,跟隨押沙龍的人民也越來越多。
12Abhusaromu akatuma munhu kundodana Ahitoferi muGironi, gurukota raDhavhidhi, paguta rake Giro, panguva yakanga achibayira zvibayiro. Kurangana uku kukava nesimba, nekuti vanhu vakaramba vachiwanda kuna Abhusaromu.
13大衛逃亡有一個報信的人來見大衛說:“以色列人的心都歸向押沙龍了。”
13Zvino nhume yakasvika kuna Dhavhidhi, ikati, moyo yavarume vaIsiraeri yotevera Abhusaromu.
14大衛就對所有在耶路撒冷與他在一起的臣僕說:“我們要起來逃走,不然我們就不能逃避押沙龍的面了,要趕快離開,恐怕他迅速趕上我們,使災難臨到我們身上,用刀擊殺全城的人。”
14Ipapo Dhavhidhi akati kuvaranda vake vose vakanga vanaye paJerusaremu, Simukai, titize nekuti kana tikasadaro, hapana mumwe wedu ungapukunyuka kuna Abhusaromu; kurumidzai tiende, arege kutibata pakarepo, atiitire zvakaipa, nokuparadza guta nomunondo unopinza.
15王的臣僕對王說:“我主我王決定的一切,僕人都必遵行。”
15Varanda vamambo vakati kuna mambo, Tarirai, varanda venyu vakamirira kuita zvose zvinodikamwa naishe wedu mambo.
16於是王出走了,他的全家都跟在他的後頭,卻留下十個妃嬪看守王宮。
16Mambo akabuda, vose veimba yake vakamutevera. Mambo akasiya vakadzi vane gumi, vaiva varongo, kuti vachengete imba.
17王出發了,眾人都跟在他的腳後;他們在伯.墨哈停下來。
17Mambo akabuda navanhu vose vakamutevera, vakandomira paBhetimaerihaki.
18王所有的臣僕都從王的身邊走過去,所有的基利提人、比利提人和迦特人,就是從迦特來跟從王的六百人,都從王面前走過去。
18Varanda vake vose vakapfuura kurutivi rwake, navaKereti vose, navaPereti vose, navaGiti vose, varume vana mazana matanhatu vakanga vamutevera vachibva Gati, vakatungamirira pamberi pamambo.
19王對迦特人以太說:“你為甚麼也與我們一同走呢?回去留在新王那裡吧!因為你是個外族人,是個遠離自己家鄉逃到這裡來的人。
19Mambo akati kuna Itai muGiti, Iwe unoendireiko nesu? Dzoka hako, ugare namambo, nekuti iwe uri mutorwa wakadzingwa; dzokera kunyika yako.
20你昨天才來,我怎可以今天就讓你與我們一同流浪呢?現在我還不知道我要到哪裡去。你回去吧!帶著你的兄弟一同回去吧!願耶和華的慈愛和信實與你同在。”
20Iwe uchangosvika zuro, zvino ini ndichakufambisa-fambisa seiko nesu, zvandisingazivi ini kwandinoenda? Dzoka hako, udzokewo nehama dzako; nenyasha nechokwadi ngazvive newe.
21以太回答王說:“我指著永活的耶和華,在我主我王面前起誓,無論我主我王在甚麼地方,或生或死,你僕人也必在那裡。”
21Itai akapindura mambo akati, NaJehovha mupenyu zvirokwazvo, panondogara ishe wangu mambo, kana kufirapo kana kuraramirapo, ndipo pachava nemuranda wenyuwo.
22大衛對以太說:“你可以去,向前走吧!”迦特人以太就帶著所有屬他的人,和與他在一起的婦人孩子都向前走。
22Dhavhidhi akati kuna Itai, Chienda hako, uyambuke. Itai muGiti akayambuka, navanhu vake vose, navana vaduku vose vakanga vanaye.
23眾人向前走的時候,遍地的人都放聲大哭;王過了汲淪溪,眾人就都走上通往曠野去的路。
23Vanhu venyika yose vakachema nenzwi guru, vanhu vose vakayambuka; naiye mambo amene akayambukawo rukova Kidhoroni, navanhu vose vakayambukawo vakaenda nenzira yokurenje.
24命令撒督等人返回耶路撒冷看哪!撒督也來了,所有抬 神約櫃的利未人都與他在一起。他們把 神的約櫃放下。亞比亞他上來,直到從城裡出來的眾人都走過去了。
24Zvino Zadhoki akasvikawo navaRevhi vose vanaye, vakatakura areka yesungano; vakagadzika areka yaMwari pasi, Abhiatari akakwirawo, kusvikira vanhu vose vapedza kubuda paguta.
25王對撒督說:“把 神的約櫃抬回城裡去吧!我若是在耶和華眼前蒙恩,他必使我回來再看到約櫃和他安居的地方。
25Ipapo mambo akati kuna Zadhoki, Dzoserai areka yaMwari muguta; kana Jehovha akandinzwira nyasha, uchandidzosazve, akandiwonesa iyo nenzvimbo yayozve.
26他若是說:‘我不喜悅你。’看哪!我就在這裡,他看怎樣好,就怎樣對待我吧!”
26Asi kana akati, Handifari newe; tarirai, ndiri pano hangu, ngaandiitire sezvaanoda.
27王又對撒督祭司說:“你不是先見嗎?平平安安地回到城裡去吧!你的兒子亞希瑪斯和亞比亞他的兒子約拿單要與你一同回去。
27Mambo akati kuna Zadhoki mupristi, Iwe hausi Muvoni here? Dzokera muguta norugare, iwe navanakomana vako vaviri vaunawo, mwanakomana wako Ahimaazi, naJonatani mwanakomana waAbhiatari.
28我會在曠野的渡口那裡等候,直到我接到從你們那裡來的消息。”
28Tarira, ini ndichandomira pamazambuko erenje, kusvikira shoko rinobva kwauri rasvika, kundizivisa.
29於是撒督和亞比亞他把 神的約櫃抬回耶路撒冷去,並且住在那裡。
29Naizvozvo Zadhoki naAbhitari vakadzosera areka yaMwarizve Jerusaremu; ivo vakagarapo.
30大衛走上橄欖山;他蒙著頭,赤著腳,一邊上,一邊哭,所有與他在一起的人民也都蒙著頭,一邊上,一邊哭。
30Dhavhidhi akakwira nokumukwidza wegomo reMiorivhi, akafamba achingochema, akafukidza musoro wake, akafamba asine shangu, navanhu vose vakanga vanaye vakafukidza misoro yavo, vakakwira, vakangochema pakukwira kwavo.
31有人告訴大衛說:“亞希多弗也在押沙龍的叛黨之中。”大衛禱告說:“耶和華啊,求你使亞希多弗的計謀變為愚拙。”
31Zvino mumwe akaudza Dhavhidhi, akati, Ahitoferi unoranganawo navamwe naAbhusaromu. Dhavhidhi akati, Haiwa Jehovha, shandurai henyu mashoko aAhitoferi, ave mashoko oupenzi.
32大衛到了山頂,就是人敬拜 神的地方。看哪!有亞基人戶篩衣服撕裂,頭蒙灰塵,在那裡迎接他。
32Zvino Dhavhidhi wakati asvika kumusoro kwainamatwa Mwari, akaona Hushai muAriki osangana naye, nguvo dzake dzakabvarurwa nevhu pamusoro wake.
33大衛對他說:“你若是與我同去;必成為我的累贅。
33Dhavhidhi akati kwaari, Kana iwe ukapfuura neni, uchandiremedza;
34如果你回到城裡去,對押沙龍說:‘王啊!我願作你的僕人,以前我作你父親的僕人,現在我也照樣作你的僕人。’這樣,你就可以為我破壞亞希多弗的計謀。
34asi kana ukadzokera kuguta, ukandoti kuna Abhusaromu, Ndichava muranda wenyu, mambo; sezvandaiva muranda wababa venyu kare, saizvozvo ndichava muranda wenyu zvino; ipapo ungandikundira mano aAhitoferi.
35撒督祭司和亞比亞他不是都在那裡與你在一起嗎?你在王宮裡聽見的話,都要告訴撒督祭司和亞比亞他。
35Zadhoki naAbhiatari vapristi, havazipo newe here? Naizvozvo zvose zvaunonzwa mumba mamambo, uudze Zadhoki naAbhiatari vapristi izvozvo.
36看哪!還有他們的兩個兒子在那裡,就是撒督的兒子亞希瑪斯和亞比亞他的兒子約拿單。你們聽見的一切,可以託他們來告訴我。”
36Tarira, vana vavanakomana vavo vaviripo, Ahimaazi mwanakomana waZadhoki, naJonatani mwanakomana waAbhiatari; zvino unditumire navo zvose zvauchanzwa.
37於是大衛的朋友戶篩進了城;押沙龍也進了耶路撒冷。
37Naizvozvo Hushai, shamwari yaDhavhidhi, akaenda kuguta; naAbhusaromu akapinda Jerusaremu.