1務要傳道我在 神面前,並且在那將要審判活人死人的基督耶穌面前,憑著他的顯現和國度叮囑你:
1Ndinorairisa naizvozvo pamberi paMwari, naIshe Jesu Kristu, iye uchatonga vapenyu nevakafa pakuonekwa kwake neushe hwake;
2務要傳道;無論時機是否適合,都要常作準備;要以多方的忍耐和教訓責備人、警戒人、勸勉人。
2paridza shoko; iva wakagadzirira nenguva yakafanira, panguva isakafanira; dzora, tsiura, kurudzira nemoyo murefu wose nepadzidziso.
3因為時候快要到了,人必容不下純正的道理,反而耳朵發癢,隨著自己的私慾,增添許多教師,
3Nekuti nguva ichasvika yavacharamba kutendera dzidziso mhenyu, asi zvichienderana nekuchiva kwavo vachazvivunganidzira vadzidzisi, vachirumwa nzeve,
4而且轉離不聽真理,反倒趨向無稽之談。
4vachafuratidza nzeve dzavo pachokwadi, vachitendeusirwa kungano.
5你卻要凡事謹慎,忍受磨難、作傳福音者的工作,完成你的職務。
5Asi iwe svinura pazvinhu zvose, utsungirire pamatambudziko, uite basa remuevhangeri, uzadzise basa rako.
6我已經被澆奠;我離世的時候也到了。
6Nekuti ini ndotodururwa sechibayiro, nenguva yekubva kwangu yasvika.
7那美好的仗我已經打過了,當跑的路我已經跑盡了,所持的信仰我已經守住了。
7Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo, ndachengeta rutendo;
8從此以後,有公義的冠冕為我存留,就是按公義審判的主在那日要賞給我的;不但賞給我,也賞給所有愛慕他顯現的人。
8kubva ikozvino, ndakachengeterwa korona yekururama yandichapiwa naIshe Mutongi wakarurama nezuva iroro; kwete kwandiri ndoga, asi kune vose vanoda kuonekwa kwake.
9最後的吩咐你要盡快到我這裡來。
9Shingaira kuti ukurumidze kuuya kwandiri.
10因為底馬貪愛現今的世界,就離棄我到帖撒羅尼迦去了。革勒士去了加拉太,提多去了達馬太。
10Nekuti Dhemasi wakandisiya, ada nyika yaikozvino. Akaenda Tesaronika; Kresike kuGaratia, Tito kuDhamatia.
11只有路加在我這裡。你找到了馬可,就把他帶來,因為他在聖工上對我有益。
11Ruka oga uneni. Tora Mako uuye naye nekuti unondibatsira pakushumira.
12我差派了推基古到以弗所去。
12Asi Tikiko ndakamutuma kuEfeso.
13我在特羅亞留在加布那裡的外衣,你來的時候要把它帶來,還有那些書卷,特別是那些羊皮卷,也要帶來。
13Nguvo yandakasiya paTroasi kuna Kapo, kana wouya uuye nayo, nemabhuku, zvikuru magwaro ematebwe.
14銅匠亞歷山大作了許多惡事陷害我,主必按著他所行的報應他。
14Arekisandiro mupfuri wendarira wakandiitira zvakaipa zvizhinji; Ishe uchamutsiva zvinoenderana nemabasa ake;
15你也要提防他,因為他極力抵擋我們的話。
15iwewo umuchenjerere, nekuti wakapikisa zvikuru mashoko edu.
16我第一次申辯的時候,沒有一個人支持我,反而離棄我。但願這罪不要歸在他們身上。
16Pakuzvidavirira kwangu kwekutanga hapana munhu wakamira neni, asi vose vakandisiya. Dai zvarega kuverengerwa kwavari.
17然而主站在我旁邊,加給我力量,使福音的信息藉著我盡都傳開,萬國的人都可以聽見;他並且把我從獅子口中救出來。
17Zvakadaro Ishe wakamira neni, akandisimbisa, kuti neni kuparidza kuzikamwe zvakazara nevahedheni vose vanzwe; uye ndakarwirwa pamuromo weshumba.
18主必救我脫離一切邪惡的事,也必救我進入他天上的國。願榮耀歸給他,直到永永遠遠。阿們。
18Uye Ishe uchandirwira pabasa rose rakaipa, uye uchandichengetera kupinda ushe hwake hwokudenga; kubwinya ngakuve kwaari nekusingaperi-peri. Ameni.
19問候的話問候百基拉、亞居拉和阿尼色弗一家的人。
19Kwazisa Priska naAkwira, neimba yaOnesiforo.
20以拉都在哥林多住下了。特羅非摩病了,我就留他在米利都。
20Erasto wakasara paKorinde; asi Trofimo ndakamusiya paMireto achirwara.
21你要趕緊在冬天以前到我這裡來。友布羅、布田、利奴、革老底亞和眾弟兄都問候你。
21Shingaira kuuya chando chisati chasvika. Yubhuro unokukwazisa, naPudhe, naRina, naKraudhia nehama dzose.
22主與你同在。願恩惠與你們同在。
22Ishe Jesu Kristu ngaave nemweya wako. Nyasha ngadzive nemwi. Ameni.