1問安我這作長老的寫信給親愛的該猶,就是我在真理中所愛的。
1Mukuru, kuna Gayo unodikamwa zvikuru, wandinoda ini nechokwadi.
2親愛的,我祝你凡事亨通,身體健壯,正如你的靈魂安泰一樣。
2Mudiwa, ndinoshuva pamusoro pezvinhu zvose, kuti ubudirire, uve wakasimba, somweya wako uchibudirira.
3有些弟兄來到,證實你心中存有真理,就是你按真理行事,我就非常欣慰。
3Nekuti ndakafara zvikuru hama padzakasvika dzichipupurira chokwadi chiri mauri kunyange sezvawakafamba muchokwadi.
4我聽見我的兒女按真理行事,我的喜樂沒有比這更大的了。
4Handina mufaro unopfuura kunzwa kuti vana vangu vanofamba muchokwadi.
5稱讚該猶接待弟兄親愛的,你向弟兄所行的,特別是向外地來的弟兄所行的,都是出於忠心。
5Mudiwa, unoita nokutendeka zvose zvaunoita kuhama nekuvaeni;
6他們在教會面前證實了你的愛;你照著 神所喜悅的,資助他們的旅程,這樣是好的。
6vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; ivo kana ukavaperekedza nomutowo wakafanira Mwari uchaita zvakanaka.
7因為他們為主的名出外,並沒有從教外人接受甚麼。
7Nekuti nekuda kweZita rake vakabuda, vasingatori chinhu kuvahedheni.
8所以我們應當接待這樣的人,好讓我們為了真理成為同工。
8Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira vakadaro, kuti tibatsirane pachokwadi.
9不要效法惡,應該效法善我曾經略略寫信給你那裡的教會,但他們中間那好作領袖的丟特腓不接待我們。
9Ndakanyorera kereke; asi Dhiotirefe, unoda kuva wepamberi pakati pavo, haatigamuchiri.
10因此,我來的時候,必要提起他所作的事,就是他用惡言中傷我們;這還不夠,他不但不接待弟兄,還要阻止那些想要接待的人,甚至把他們趕出教會。
10Naizvozvo kana ndichiuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, achitiitira makuhwa namashoko akaipa; uye asingagutsikani naizvozvo, kana iye amene haagamuchiri hama, uye unovadzivisa avo vanoda nokuvadzinga mukereke.
11親愛的,不要效法惡,應該效法善。行善的屬於 神,作惡的沒有見過 神。
11Mudiwa, usatevera chakaipa, asi chakanaka. Uyo, unoita zvakanaka, ndewaMwari; asi unoita zvakaipa, haana kuona Mwari.
12低米丟行善,有眾人為他作證,真理本身也為他作證。我們也為他作證,你知道我們的見證是真的。
12Dhemetirio unopupurirwa zvakanaka navose, uye nechokwadi chomene; nesuwo tinopupura, nemwi munoziva kuti kupupura kwedu ndokwechokwadi.
13問候的話我還有許多話要寫給你,可是我不願借用筆墨。
13Ndakanga ndine zvinhu zvizhinji zvekunyora, asi handidi kukunyorera neingi nepeni;
14我盼望很快就見到你,當面談談。 [ (III John 1:15) 願你平安。這裡的朋友都問候你。請你一一提名問候你那裡的朋友。 ]
14asi ndinovimba ndichakurumidza kukuona, tigotaurirana pazviso. Rugare kwauri. Hama dzinokukwazisa. Kwazisa hama nemazita.