1雅各殉道,彼得被囚那時,希律王下手苦害教會中的幾個人,
1Nenguva iyoyo Herodhe mambo wakatandavadza maoko kuti atambudze avo kubva mukereke.
2用刀殺了約翰的哥哥雅各。
2Ndokuuraya Jakobho mukoma waJohwani nemunondo.
3他見這事博得了猶太人的歡心,就在除酵節期間,再次捉拿彼得。
3Zvino wakati achiona kuti zvinofadza vaJudha, wakapfuurira mberi akabata Petrowo; zvino aiva mazuva ezvingwa zvisina mbiriso;
4捉到了,就把他關在監裡,交給四班士兵看守,每班四個人,打算過了逾越節,把他提出來交給民眾。
4akati amubatawo akaisa mutirongo, akamukumikidza kumapoka mana evanhu vana emauto kuti vamurinde, achida kumuisa kuvanhu mushure mepasika.
5彼得就這樣被拘留在監裡;但教會卻為他迫切地祈求 神。
5Naizvozvo Petro wakachengetwa mutirongo; asi munyengetero waiitwa zvikuru nekereke kuna Mwari uchiitirwa iye.
6天使救彼得出監希律要提他出來的前一夜,彼得被兩條鎖鍊鎖住,睡在兩個士兵中間,還有衛兵守在門前。
6Zvino Herodhe wakati oda kumubudisa, usiku ihwohwo Petro wakange arere pakati pemauto maviri, akasungwa nemaketani maviri; nevarindi pamberi pemusuwo vakarinda tirongo.
7忽然,有主的一位使者出現,屋就光芒四射。天使拍拍彼得的肋旁,喚醒他,說:“快起來!”他手上的鎖鍊就脫落了。
7Zvino tarira, mutumwa waIshe wakamira parutivi, chiedza ndokupenya muchitokisi; zvino akarova Petro parutivi, akamumutsa achiti: Simuka nekukurumidza. Zvino maketani ake akawa pamaoko ake.
8天使對他說:“束上帶子,穿上鞋!”他就這樣作了。天使又說:“披上外衣,跟我走!”
8Mutumwa ndokuti kwaari: Zvisunge chiuno, uye sunga manyatera ako. Ndokuita saizvozvo. Zvino akati kwaari: Monera nguvo yako, unditevere.
9他就出來跟著天使走,但他不知道天使所作的事是真的,還以為是見了異象。
9Zvino wakabuda akamutevera; uye asingazivi kuti ichokwadi chinoitwa nemutumwa, asi waifunga kuti unoona chiratidzo.
10他們經過第一、第二兩個崗位,來到通往城內的鐵門,那門自動給他們開了。他們出來,往前走了一條街,天使立刻離開了他。
10Zvino vakati vapfuura varindi vekutanga nevechipiri, vakasvika pasuwo reutare raipinda muguta; iro rakavazarukira roga; zvino vakabuda, vakapfuura nzira imwe yemumusha, pakarepo mutumwa ndokubva kwaari.
11彼得清醒過來,說:“現在我確實知道,主差他的天使來,救我脫離希律的手和猶太人所期望的一切。”
11Zvino Petro, wakati apengenuka, akati: Zvino ndinoziva zvirokwazvo kuti Ishe watuma mutumwa wake, uye wandisunungura paruoko rwaHerodhe netarisiro yose yevanhu vevaJudha.
12他明白了之後,就到約翰(別名馬可)的母親馬利亞家裡去;有許多人聚集在那裡禱告。
12Zvino wakati arangarira akaenda kumba kwaMaria mai vaJohwani wainzi Mako, vazhinji pavakange vakaungana vachinyengetera.
13彼得敲了大門,有一個名叫羅大的使女,出來應門。
13Zvino Petro wakati agogodza pagonhi resuwo, murandakadzi wakauya kuzoteerera, wainzi Rodha.
14她認出是彼得的聲音,歡喜到顧不得開門,就跑進去報告,說彼得站在門外。
14Zvino wakati achiziva inzwi raPetro, haana kuzarura suwo nekuda kwemufaro, asi wakamhanyira mukati akavaudza kuti Petro umire pamberi pesuwo.
15大家說:“你瘋了!”她卻堅持地說這是真的。他們說:“一定是他的天使。”
15Asi vakati kwaari: Unopenga. Asi wakaramba achisimbisa kuti zvaiva zvakadaro. Ivo ndokuti: Mutumwa wake.
16彼得繼續敲門;他們打開了,一見是他,就非常驚訝。
16Asi Petro wakaramba achigogodza; zvino vakati vazarura vakamuona, vakashamisika.
17彼得作了一個手勢,要他們安靜,然後對他們述說主怎樣領他出監,又說:“你們把這些事告訴雅各和眾弟兄。”就離開那裡,到別的地方去了。
17Zvino wakavaninira neruoko kuti vanyarare, akavarondedzera kuti Ishe wakamubudisa sei mutirongo, akati: Pirai kuna Jakobho nekuhama zvinhu izvi. Zvino akabuda akaenda kune imwe nzvimbo.
18天亮的時候,士兵們非常慌亂,不知彼得出了甚麼事。
18Zvino kwakati kwaedza, bongozozo risati riri diki rikavapo pakati pemauto, kuti chii chakawira Petro.
19希律搜索他,卻找不到,就審問衛兵,下令把他們帶出去處死。後來希律離開猶太,到該撒利亞去,住在那裡。
19Zvino Herodhe wakati amutsvaka akasamuwana, wakabvunzisisa varindi, akaraira kuti vabviswe. Zvino akabva Judhiya akaburukira Kesariya akagarako.
20希律被 神擊打當時希律對推羅和西頓人懷怒在心。這兩地的人因為他們的地區都需要從王的領土得到糧食,就先拉攏了王的內侍臣伯拉斯都,然後同心地去見希律,要向他求和。
20Zvino Herodhe wakatsamwira zvikuru veTire nevaSidhoni; asi vakauya kwaari nemoyo umwe, vakashamwaridzana naBhurasto mutariri weimba yekurara yamambo, vakakumbira rugare, nekuti nyika yavo yaipiwa chikafu nenyika yamambo.
21到了定好的日期,希律穿上王服,坐在高臺上,向他們演講。
21Zvino nezuva rakatarwa Herodhe wakafuka nguvo dzeumambo, akagara pachigaro chekutonga, akaita nhaurwa kwavari.
22群眾大聲說:“這是 神的聲音,不是人的聲音!”
22Vanhu ndokudanidzira vachiti: Inzwi raMwari, uye kwete remunhu.
23他不歸榮耀給 神,所以主的使者立刻擊打他,他被蟲咬,就斷了氣。
23Zvino pakarepo mutumwa waIshe wakamurova, nekuti haana kupa Mwari rukudzo; ndokudyiwa nehonye, akapera.
24 神的道日漸興旺,越發廣傳。
24Asi shoko raMwari rakakura rikawanda.
25巴拿巴和掃羅完成了送交捐項的任務,就帶著名叫馬可的約翰,從耶路撒冷回來。
25Zvino Bhanabhasi naSauro vakadzoka vachibva kuJerusarema, vapedzisa basa, vakaenda naJohwaniwo wainzi Mako.