聖經新譯本

Shona

Acts

15

1耶路撒冷的會議有幾個人從猶太下來,教導弟兄們說:“你們若不照摩西的規例受割禮,就不能得救。”
1Zvino vamwe vakaburuka kubva kuJudhiya, vakadzidzisa hama vachiti: Kana musingadzingiswi netsika yaMozisi, hamugoni kuponeswa.
2保羅和巴拿巴,與他們大大地爭執辯論起來。大家就派保羅、巴拿巴和他們中間的幾個人,為這個問題上耶路撒冷去見使徒和長老。
2Naizvozvo kwakati kwava nekupesana nekupikisana kusati kuri kuduku kwaPauro naBhanabhaisi navo, vakaronga kuti Pauro naBhanabhasi nevamwe vavo vakwire kuJerusarema kuvaapositori nevakuru, pamusoro peshoko renharo idzi.
3於是教會給他們送行,他們就經過腓尼基、撒瑪利亞,述說外族人怎樣歸主的事,使弟兄們大大喜樂。
3Naizvozvo vakati vachiperekedzwa nekereke, vakagura neFenike neSamaria, vachirondedzera zvekutendeuka kwevahedheni; vakaitira hama dzose mufaro mukuru.
4到了耶路撒冷,他們受到教會、使徒和長老的接待,就報告 神同他們一起所行的一切。
4Zvino vakati vasvika kuJerusarema, vakagamuchirwa nekereke nevaapositori nevakuru, vakarondedzera zvose Mwari zvaakaita navo.
5然而有幾個法利賽派的信徒站起來,說:“我們必須給外族人行割禮,吩咐他們遵守摩西的律法。”
5Asi kwakamuka vamwe vebato revaFarisi vaitenda, vachiti: Zvinofanira kuvadzingisa, nekuvaraira kuchengeta murairo waMozisi.
6使徒和長老聚集在一起,商議這件事。
6Vaapositori nevakuru vakuungana pamwe kuti vaongorore shoko iri.
7經過了很多的辯論,彼得站起來對他們說:“弟兄們,你們知道,前些時候 神在你們中間揀選了我,使外族人從我的口中聽見福音的道,而且信了。
7Zvino vakati vakakavadzana zvikuru, Petro wakasimuka akati kwavari: Varume hama, munoziva kuti pamazuva ekutanga Mwari wakasarudza pakati pedu, kuti nemuromo wangu vahedheni vanzwe shoko reevhangeri, uye vatende.
8知道人心的 神也為他們作證──賜聖靈給他們,像給我們一樣;
8Uye Mwari muzivi wemoyo wakapupura nezvavo, achivapa Mweya Mutsvene, sekwatiriwo;
9而且他待他們和我們沒有分別,因為藉著信,他潔淨了他們的心。
9uye haana kuisa mutsauko pakati pedu navo, achinatsa moyo yavo nerutendo.
10現在你們為甚麼試探 神,把我們祖先和我們所不能負的軛,放在門徒的頸上呢?
10Naizvozvo ikozvino munoidzirei Mwari, kuisa joko pamitsipa yevadzidzi, ratisina kugona kutakura isu nemadzibaba edu?
11我們相信,我們得救是藉著主耶穌的恩,和他們也是一樣。”
11Asi nenyasha dzaIshe Jesu Kristu tinotenda kuti isu tinoponeswa, sezvakaitwa ivowo.
12大家都靜默無聲,聽巴拿巴和保羅述說 神藉著他們在外族人中所行的神蹟奇事。
12Chaunga chose ndokunyarara; ndokuteerera Bhanabhasi naPauro vachirondedzera kukura kwezviratidzo nezvishamiso Mwari zvaakaita navo pakati pevahedheni.
13他們講完了,雅各說:“弟兄們,請聽我說!
13Zvino ivo vakati vanyarara, Jakobho akapindura achiti: Varume hama, teererai kwandiri:
14剛才西門述說 神當初怎樣關懷外族人,從他們中間揀選了眾人,歸在自己的名下。
14Simioni warondedzera kuti Mwari wakashanyira vahedheni sei pakutanga kuti atorere zita rake vanhu kwavari.
15眾先知的話,也符合這個意思,正如經上所記:
15Nemashoko evaporofita anobvumirana neizvi; sezvazvakanyorwa zvichinzi:
16‘此後我要回來,重建大衛倒塌了的帳幕,重建它損壞之處,把它重新豎立起來,
16Shure kweizvi ndichadzoka, uye ndichavakazve tende raDhavhidhi rakawa; uye ndichavakazve matongo aro, uye ndicharimisa;
17使餘下的人,就是所有稱為我名下的外族人,都尋求主,
17Kuti vakasara vevanhu vatsvake Ishe, nevechirudzi vose pavanodamwa nezita rangu, ndizvo zvinoreva Ishe unoita zvinhuizvi zvose.
18這是自古以來就顯明了這些事的主所說的。’
18Anozikamwa kuna Mwari mabasa ake ose kubva pakusingaperi.
19“所以我認為不可難為這些歸服 神的外族人,
19Naizvozvi ndinogura kuti tirege kutambudza pakati pevahedheni vakatendeukira kuna Mwari;
20只要寫信叫他們禁戒偶像的污穢、淫亂,勒死的牲畜和血。
20asi tivanyorere kuti vabve pazvakashatiswa zvezvifananidzo, neupombwe, nezvakadzipwa, neropa.
21因為自古以來,在各城裡都有人宣講摩西的書,每逢安息日,在各會堂裡都有人誦讀。”
21Nekuti Mozisi unavo kubva pamazera ekare vanomuparidza paguta rimwe nerimwe, achiverengwa mumasinagoge sabata rimwe nerimwe.
22會議的決定當時,使徒、長老和全教會都認為好,就從他們中間選出人來,差他們和保羅、巴拿巴一同到安提阿去,所選的就是別號巴撒巴的猶大和西拉,他們是弟兄中的領袖。
22Zvino zvikaonekwa zvakanaka kuvaapositori nevakuru nekereke yose, kuti vatume varume vakasarudzwa pakati pavo kuAndiyokiya naPauro naBhanabhasi; Judhasi wainzi Bhasabhasi, naSirasi, varume vakuru pakati pehama,
23於是寫信給他們帶去,信上說:“使徒和作長老的弟兄們,向安提阿、敘利亞、基利家的外族眾弟兄問安。
23vakanyora neruoko rwavo seizvi: Vaapostora nevakuru nehama, kwaziso kuhama dzekuvahedheni paAndiyokiya, neSiria, neKirikia.
24我們聽說有人從我們這裡出去,說了一些話攪擾你們,使你們心裡不安,其實我們並沒有吩咐他們。
24Sezvatakanzwa kuti vamwe vakabuda kwatiri vakakutambudzai nemashoko, vachikanganisa mweya yenyu, vachiti mudzingiswe nekuchengeta murairo, ivo vatisina kuraira;
25因此,我們一致同意,選派一些人跟我們親愛的巴拿巴和保羅去見你們,
25zvaonekwa zvakanaka kwatiri tava nemwoyo umwe, kusarudza titumire varume kwamuri, nevadikamwa vedu Bhanabhasi naPauro,
26這兩個人為了我們主耶穌基督的名,曾經把性命置之度外。
26vanhu vakapira upenyu hwavo nekuda kwezita raIshe wedu Jesu Kristu.
27我們派了猶大和西拉一同去,他們也會親口述說這些事。
27Naizvozvo tatuma Judhasi naSirasi, ivo vachataurawo zvimwe chete neshoko remuromo.
28聖靈和我們都同意,不把別的重擔加在你們身上,然而有幾件事是重要的,
28Nekuti zvakaonekwa zvakanaka kuMweya Mutsvene, nekwatiri, kuti tirege kukutakudzai mutoro mukuru, kunze kwezvinhu izvi zvakafanira,
29就是禁戒祭過偶像的食物、血、勒死的牲畜和淫亂。這些事你們若能保守自己不作,那就好了。祝你們平安!”
29kuti mubve pazvakabayirwa zvifananidzo neropa nechakadzipwa neupombwe; kana mukabuda pazviri, muchaita zvakanaka. Sarai zvakanaka.
30他們受了差派,下安提阿去,集合了眾人,就把書信交上。
30Zvino vakati vaendeswa, vakasvika kuAndiyokiya; vakati vaunganidza chaunga, vakakumikidza tsamba.
31眾人讀了,因信上的勸勉,就感到欣慰。
31Vakati vaverenga vakafara zvikuru pamusoro pekukurudzirwa.
32猶大和西拉也是先知,說了許多話勸勉弟兄,堅固他們。
32Judhasi naSirasi, vaiva vaporofitawo pachavo, vakakurudzira hama nemashoko mazhinji, nekuvasimbisa.
33住了一段時間,弟兄們就給他們送行,祝一路平安;他們就回到差派他們的人那裡去。
33Vakati vagara kwenguva, vakaendeswa nehama murugare kuvaapositori,
34(有些抄本在此有第34節:“但西拉認為自己應當在那裡住下來,只有猶大回到耶路撒冷。”)
34Asi zvakaonekwa zvakanaka naSirasi kuti asarepo.
35保羅和巴拿巴卻住在安提阿,跟許多別的人一同教導,傳講主的道。
35Paurowo naBhanabhasi vakasara paAndiyokiya vachidzidzisa nekuparidza shoko raIshe, nevamwe vazhinjiwo.
36第二次宣教旅程過了一些時候,保羅對巴拿巴說:“我們要回到我們傳過主道的各城,探望弟兄們,好知道他們的情形怎麼樣。”
36Zvino shure kwemamwe mazuva Pauro wakati kuna Bhanabhasi: Ngatidzokere zvekare tishanyire hama dzedu muguta rimwe nerimwe matakaparidza shoko raIshe, tione kuti vakadini.
37巴拿巴有意要帶別號馬可的約翰一同去,
37Asi Bhanabhasi wakange aronga kutora Johwani wainzi Mako, kuti afambe naye.
38但保羅認為不應帶他去,因為他從前在旁非利亞離開過他們,不跟他們一起去作工。
38Asi Pauro wakafunga kuti zvakanaka kusamutora afambe navo iye wakavasiya paPamufiriya, akasaenda nawo kubasa.
39他們各持己見,以致彼此分手。巴拿巴帶著馬可,坐船到塞浦路斯去;
39Kukauya kukakavadzana kukuru zvekuti vakabva vaparadzana nepakati, umwe kubva kune umwe, nekudaro Bhanabhasi akatora Mako, akaenda Saipuresi nechikepe.
40保羅卻選了西拉,眾弟兄把他交託在主的恩典中之後,他就出發了。
40Asi Pauro wakasarudza Sirasi, akabuda akenda, aiswa panyasha dzaMwari nehama.
41他走遍了敘利亞、基利家,堅固眾教會。
41Nokugura neSiria neKirikia, achisimbisa kereke.