聖經新譯本

Shona

Acts

23

1保羅定睛看著公議會的各人,說:“各位弟兄,我在 神面前,行事為人一向都是憑著良心的。”
1Zvino Pauro wakati achitarisisa dare remakurukota akati: Varume hama, ini ndakafamba pamberi paMwari nehana yose yakanaka kusvikira zuva ranhasi.
2大祭司亞拿尼亞就吩咐站在他旁邊的人打保羅的嘴巴。
2Asi mupristi mukuru Ananiasi wakaraira vakange vamire naye kuti vamurove pamuromo.
3保羅對他說:“你這粉飾的牆啊, 神要擊打你!你坐堂要按著律法審問我,現在你竟然違背律法吩咐人打我嗎?”
3Ipapo Pauro akati kwaari: Mwari uchakurova, rusvingo rwakacheneswa; nekuti iwe ugere kuti unditonge nemurairo, asi unoraira kuti ndirohwe zvinopesana nemurairo nhai?
4站在旁邊的人民說:“你敢辱罵 神的大祭司嗎?”
4Zvino vakange vamirepo vakati: Unotuka mupristi mukuru waMwari here?
5保羅說:“弟兄們,我不知道他是大祭司。經上說:‘不可咒詛你人民的領袖。’”
5Pauro ndokuti: Ndanga ndisingazivi, hama, kuti mupristi mukuru; nekuti kwakanyorwa, kuchinzi: Usataura zvakaipa pamusoro pemutungamiriri wevanhu vako.
6保羅看出其中一部分是撒都該人,另一部分是法利賽人,就在公議會中大聲說:“我是法利賽人,也是法利賽人的子孫,我現在受審,是為了盼望死人復活!”
6Zvino Pauro wakati achiona kuti rimwe bandi vaSadhusi rimwe vaFarisi, akadanidzira mudare remakurukota, akati: Varume hama, ini ndiri muFarisi, mwanakomana wevaFarisi, ndotongwa pamusoro petariro yekumuka kwevakafa.
7他說了這話,法利賽人和撒都該人就起了爭論,會眾也分裂了,成為兩派。
7Wakati areva saizvozvo, kupesana kukamuka pakati pevaFarisi nevaSadhusi; chaunga chikakamukana.
8原來撒都該人說沒有復活,沒有天使,也沒有鬼靈,法利賽人卻認定這些都有。
8Nekuti vaSadhusi vanoti hapana kumuka kwevakafa, kana mutumwa, kana mweya; asi vaFarisi vanobvuma zviri zviviri.
9於是眾人大嚷大鬧,有幾個法利賽派的經學家站起來辯論說:“我們看不出這個人作過甚麼壞事;說不定有靈或天使對他說過話。”
9Zvino bopoto guru rikamuka; vanyori vekudivi revaFarisi vakasimuka vachipikisa zvikuru vachiti: Ngatirege kurwa naMwari, hatiwani chinhu chakaipa kumunhu uyu; asi kana mweya kana mutumwa akataura naye, hatigoni kupikisana naMwari.
10爭論越來越大,千夫長怕保羅被他們撕碎了,就吩咐士兵下去,把他從人群中搶救出來,帶到營樓去。
10Zvino kupesana kukuru kwakati kwakamuka, mukuru wechuru akatya kuti Pauro ungabvamburwa kuita zvidimbu navo, akaraira mauto kuti aburuke amubvute pakati pavo, amuise muimba yemauto.
11當天晚上,主站在保羅身邊,說:“你要壯起膽來,你怎樣在耶路撒冷作見證,也必照樣在羅馬為我作見證。”
11Zvino usiku hwakatevera, Ishe wakamira naye akati: Tsunga moyo Pauro; nekuti sezvawakapupura pamusoro pangu paJerusarema, saizvozvo zvakafanirawo kupupura paRoma.
12猶太人設計謀害保羅到了天亮,猶太人在一起祕密計謀,並且發誓說,不殺保羅,就不吃不喝。
12Zvino kwakati kwaedza, vamwe vevaJudha vakaita rangano, vakazvisunga nemhiko vachiti havangadyi kana kumwa kusvikira vauraya Pauro.
13一同策劃這項陰謀的有四十多人。
13Zvino vaipfuura makumi mana vakange vaita rangano iyo.
14他們來見眾祭司長和長老,說:“我們已經發了誓,不殺保羅,就不吃東西。
14Ava vakaenda kuvapristi vakuru nevakuru vakati: Tazvisunga nerushambwa rukuru, kuti hatidyi chinhu kusvikira taponda Pauro.
15現在你們和公議會要通知千夫長,帶保羅到你們這裡來,裝作要詳細審查他。我們已經預備好了,不等他走近,就把他殺了。”
15Naizvozvo ikozvino imwi nedare remakurukota taridzai kumukuru wechuru, kuti amuburusire kwamuri mangwana, sezvinonzi munoda kunyatso-bvunzisisa maererano naye; asi isu asati aswedera, tazvigadzira kumuuraya.
16但保羅的外甥聽見這項埋伏的詭計,就到營樓去,告訴保羅。
16Zvino mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvekuvandira kwavo, akaenda akapinda mumba memauto, akaudza Pauro.
17保羅請了一個百夫長來,說:“請你帶這個青年人去見千夫長,他有事要報告。”
17Ipapo Pauro akadanira kwaari umwe wevakuru vezana, akati: Isa jaya iri kumukuru wechuru; nekuti une rimwe shoko raanoda kumuudza.
18百夫長就帶保羅的外甥去見千夫長,說:“囚犯保羅請了我去,求我帶這個青年人來見你,他有事要向你報告。”
18Naizvozvo wakamutora, akamuuisa kumukuru wechuru, akati: Pauro musungwa wandidana akakumbira kuti ndiuise jaya iri kwamuri rine shoko rarinoda kutaura kwamuri.
19千夫長拉著他的手,走到一邊,私下問他:“你有甚麼事要向我報告?”
19Mutungamiri mukuru akabata ruoko rwaro, akaenda naro parutivi vari vega, akabvunza akati: Chii chaunoda kundiudza?
20他說:“猶太人已經約好了,要求你明天把保羅帶到公議會裡去,裝作要詳細審查他。
20Iye akati: VaJudha vatenderana kukukumbirai kuti muburusire Pauro kudare remakurukota mangwana sevanoda kunyatsomubvunzisisa zvimwe.
21你不要聽他們,因為他們有四十多人正在埋伏起來等著保羅;他們發了誓,不殺保羅,就不吃不喝。現在他們已經準備好了,只等你答應。”
21Naizvozvo musavatendera; nekuti vakamuvandira pakati pavo varume vanopfuura makumi mana vakazvisunga nemhiko, kuti havangadyi kana kumwa, kusvikira vamuuraya; zvino vakagadzirira vachimirira chivimbiso chinobva kwamuri.
22千夫長囑咐那青年人:“不要告訴人你把這事告訴了我。”然後就打發他走了。
22Naizvozvo mutungamiri mukuru wakaregera jaya richienda ariraira achiti: Usaudza munhu kuti wandizivisa zvinhu izvi.
23保羅被交送腓力斯千夫長叫了兩個百夫長來,說:“預備兩百個步兵,七十個騎兵、兩百個長槍手,晚上九點鐘往該撒利亞去。
23Zvino akadanira kwaari vamwe vakuru vezana vaviri, akati: Gadzirirai mauto mazana maviri afambe kusvikira asvika Kesariya, nevatasvi vemabhiza makumi manomwe, nevemapfumo mazana maviri, kubva paawa rechitatu reusiku;
24也要預備好牲口,好讓保羅騎上,護送他安全到達腓力斯總督那裡。”
24muvatsvakire zvipfuwo kuti vatasvise Pauro vagomuuisa zvisina njodzi kumutungamiriri Ferikisi;
25千夫長寫了一封信,大意如下:
25akanyora tsamba nenzira iyi:
26“革老丟.呂西亞問候總督腓力斯大人。
26Kraudhio Risia, kuna Ferikisi, mutungamiriri changamire, ndinokukwazisai!
27這個人被猶太人捉住,快要遭害的時候,我聽說他是羅馬公民,就帶兵去把他救出來。
27Uyu munhu wakabatwa nevaJudha, uye ungadai akaurawa navo, ini ndikasvika nemauto ndikamununura, ndaziva kuti muRoma.
28為要知道猶太人控告他的原因,我就帶他到他們的公議會那裡去。
28Zvino ndakati ndichida kuziva chikonzero chavaimupomera, ndikamuburusira kudare remakurukota avo;
29我發現他被控告,是為了他們律法上的問題,並沒有甚麼該死該綁的罪名。
29ndikawana kuti waipomerwa pamusoro pemashoko emurairo wavo, asi asingapomerwi chinhu chingafanira rufu kana kusungwa.
30後來我接到密報,得知害他的陰謀,就立刻把他送到你那裡去,並且吩咐原告到你面前來控告他。”
30Zvino ndakati ndanyeverwa kuti kwakange koda kuva nekuvandirwa kwemunhu uyu nevaJudha, ndikamutumira kwamuri pakarepo, ndikarairawo vanomukwirira kuti vataure pamberi penyu zvavanomupomera. Chisarai.
31於是士兵照著吩咐,把保羅提出來,連夜帶到安提帕底。
31Zvino mauto sezvaakarairwa akatora Pauro, akamuisa Antipatri usiku.
32第二天,他們把保羅交給騎兵隊護送,就回營樓去了。
32Zvino chifume vakarega vatasvi vemabhiza kuti vaende naye, vakadzokera kuimba yemauto.
33騎兵到了該撒利亞,把信呈上總督,同時把保羅也交給他。
33Vaya vakati vasvika Kesariya, vakakumikidza tsamba kumutungamiriri, vakaisawo Pauro pamberi pake.
34總督讀了信,就問保羅是哪一省的人;知道了他是基利家人,
34Zvino mutungamiriri wakati averenga, akabvunza kuti ndewedunhu ripi; zvino wakati anzwa kuti ndeweKirikia,
35就說:“等到原告也來了,我才審問你。”於是吩咐人把他拘留在希律的王府裡。
35akati: Ndichakunzwa kana vanokupomera mhosva vasvikawo; akaraira kuti achengetwe mumba maHerodhe mekutongera.