聖經新譯本

Shona

Acts

26

1保羅在亞基帕王面前申辯(徒9:3~8,22:6~11)亞基帕對保羅說:“准你為自己申辯。”於是保羅伸手辯護說:
1Zvino Agripa akati kuna Pauro: Unotenderwa kuzvidavirira. Ipapo Pauro akatambanudza ruoko, akazvipindurira, achiti:
2“亞基帕王啊,猶太人控告我的事,今天我可以在你面前辯護,實在是萬幸;
2Pane zvose zvandakamhan'arirwa nevaJudha, Mambo Agripa, ndinoona ndichifara kuti ndodozvidavirira pamberi penyu nhasi;
3特別是你熟悉猶太人的一切規例和爭論,所以求你耐心聽我申訴:
3zvikuru imwi mune ruzivo rwetsika dzose nemakakava ari pakati pevaJudha; naizvozvo ndinokukumbirai kuti mundinzwe nemoyo murefu.
4我從幼年到現在,在本國、在耶路撒冷為人怎樣,猶太人都知道。
4Mufambiro wangu kubva pauduku, waiva pakutanga pakati porudzi rwangu paJerusarema, vaJudha vose vanoziva,
5如果他們肯作證的話,他們是早就知道,我是按著我們祖宗最嚴格的教派,過著法利賽人的生活。
5vaindiziva kubva pakutanga, kana vachida kupupura kuti nenzira chaiyo yeboka rechitendero chedu, ndairarama ndiri muFarisi.
6現在我站著受審,是為了對 神向我們祖先的應許存著盼望。
6Nazvino ndimire ndichitongwa nekuda kwetariro yechivimbiso chakaitwa naMwari kumadzibaba edu,
7我們十二支派晝夜切切地事奉 神,都是盼望這應許實現。王啊,我被猶太人控告,正是為了這個盼望。
7mairi marudzi edu gumi nemaviri anoramba achishumira siku nesikati vachitarisira kuti inouya. Nekuda kwetariro iyi mambo Agripa, ndinopiwa mhosva nevaJudha.
8 神使死人復活,你們為甚麼認為是不可信的呢?
8Zvinofungwa sei kuti zvinhu zvisingatendeseki kwamuri, kana Mwari achimutsa vakafa?
9從前,我也認為應該多方敵對拿撒勒人耶穌的名。
9Ini zvirokwazvo ndaifunga ndomene kuti ndinofanira kuita zvinhu zvizhinji zvinopesana nezita raJesu weNazareta.
10後來就在耶路撒冷這樣作了。我得到了眾祭司長授權,把許多聖徒關在監裡,並且他們被殺的時候,我也表示同意。
10Ndizvo zvandakaitawo paJerusarema, nevazhinji vevatsvene ndakapfigira mutirongo ndagamuchira simba kubva kuvapristi vakuru; uye nepavaiurawa neni ndaibvumira.
11我在各會堂裡多次用刑強迫他們說褻瀆的話;我非常憤恨他們,甚至追到國外的城巿去迫害他們。
11Uye ndaivaranga nguva zhinji musinagoge rimwe nerimwe, ndichivaroverera kuti vanyombe; zvino ndichinyanya kuvapengera, ndakavashusha kusvikira kumaguta evahedheni.
12“那時候,我得到祭司長的授權和准許,去大馬士革。
12Ndipo ndichienda Dhamasiko nesimba uye nekutumwa kubva kuvapristi vakuru,
13王啊,就在中午的時候,我在路上看見一道光,比太陽更明亮,從天上四面照著我和同行的人。
13pamasikati makuru, mambo, ndakaona munzira chiedza chichibva kudenga, chaikunda kupenya kwezuva, chichipenyera chakandipoteredza nevaifamba neni.
14我們都仆倒在地上,我聽見有聲音用希伯來話對我說:‘掃羅!掃羅!你為甚麼迫害我?你要踢刺是難的。’
14Zvino takati tose tawira pasi, ndakanzwa izwi richitaura kwandiri richiti nerurimi rwechiHebheru: Sauro, Sauro, Unondishushirei? Zvinokuremera kukava zvibayo.
15我說:‘主啊,你是誰?’主說:‘我就是你所迫害的耶穌。
15Zvino ndikati: Ndimwi ani, Ishe? Akati: Ndini Jesu waunotambudza.
16你起來,站著,我向你顯現,是要指派你為我工作。你要為你所見過的事,和我將要向你顯明的事作見證。
16Asi simuka umire nemakumbo ako; nekuti ndazviratidza kwauri nechikonzero ichi, ndikuite mushumiri nechapupu chezvinhu zvose zvawakaona, nezvandichazviratidza nazvo kwauri;
17我要救你脫離這人民和外族人,差遣你到他們那裡去,
17ndichakurwira kuvanhu nevahedheni, vandinokutumira kwavari zvino,
18開他們的眼睛,使他們從黑暗中歸向光明,從撒但的權下歸向 神,使他們的罪惡得到赦免,並且在那些因信我而成聖的人中同得基業。’
18usvinudze meso avo, kuvatendeusa kubva murima, vaende kuchiedza, nepasimba raSatani, vaende kuna Mwari; kuti vagamuchire kangamwiro yezvivi nenhaka pakati pevakaitwa vatsvene norutendo rwuri mandiri.
19“亞基帕王啊,因此,我沒有違背這從天上來的異象,
19Naizvozvo, mambo Agripa, handina kuramba kuteerera chiratidzo chekudenga;
20先向大馬士革、耶路撒冷、猶太全地的人宣講,後向外族人宣講,叫他們悔改,歸向 神,行事與悔改的心相稱。
20asi ndakaparidza kutanga kune veDhamasiko, nepaJerusarema, nekudunhu rose reJudhiya nekuvahedheni, kuti vanofanira kutendeuka vadzokere kuna Mwari, vaite mabasa akafanira kutendeuka.
21猶太人就是為了這緣故在殿裡捉住我,想要殺我。
21Nekuda kwezvinhu izvi vaJudha vakandibata mutembere, vakaidza kundiuraya.
22然而,我得到 神的幫助,直到今日還是站得穩,向尊卑老幼作見證,我所講的都是眾先知和摩西所論的將來必成的事,
22Naizvozvo ndawana rubatsiro kubva kuna Mwari, ndakamira kusvikira zuva rino, ndichipupura kuvaduku nekuvakuru, ndisingarevi zvimwe zvinhu asi zvakataurwa nevaporofita naMozisi kuti zvichaitika;
23就是基督必須受難,並且從死人中首先復活,把光明的信息傳報給這人民和外族人。”
23zvekuti Kristu wakafanira kutambudzika, uye kuti ave wokutanga kumuka kuvakafa, aparidze chiedza kuvanhu nekuvahedheni.
24保羅說服亞基帕王保羅申訴到這裡,非斯都大聲說:“保羅!你瘋了;你的學問太大,使你瘋了!”
24Zvino wakati achizvidavirira saizvozvi Festo akati nenzwi guru: Pauro, unopenga; kudzidza kukuru kunokupenza.
25保羅說:“非斯都大人,我沒有瘋,我說的都是真實的話,清醒的話。
25Asi wakati: Handipengi, Festo makakurumbira; asi ndinotaura mashoko echokwadi akarurama.
26因為王知道這些事,所以我對王坦白直說。我確信這些事沒有一件能瞞得過他,因為這不是在背地裡作的。
26nekuti mambo vanoziva zvinhu izvi ivo vandinotaura pamberi pavo ndisingatyi; nekuti ndine chokwadi kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chakavanzika kwaari, nekuti chinhu ichi hachina kuitwa pachikona*.
27亞基帕王啊,你信先知嗎?我知道你是信的。”
27Mambo Agripa, munotenda vaporofita here? Ndinoziva kuti munotenda.
28亞基帕對保羅說:“你想用這樣短短的時間就可以說服我作基督徒嗎!”
28Ipapo Agripa akati kuna Pauro: Wasara padiki kundipwisa kuva muKristu.
29保羅說:“無論時間短也好,時間長也好,我向 神所求的,不單是你,而且是今天所有的聽眾,都能像我一樣作基督徒,只是不要有這些鎖鍊。”
29Pauro akati: Ndinoshuva kuna Mwari kunyange neduku, kana nehuru, musava imwi moga, asi vose vanondinzwa nhasi, vave vose vakadai sezvandiri ini, asi kunze kwezvisungo izvi.
30亞基帕王、總督和百尼基,還有在座的人都站起來,
30Zvino wakati ataura saizvozvi, mambo akasimuka, nemutungamiriri naBhenike, nevakange vagere navo;
31退到一邊,彼此談論,說:“這個人並沒有犯過甚麼該死該綁的罪。”
31vakati vabuda vakataurirana, vachiti: Munhu uyu haaiti chinhu chakafanira rufu kana kusungwa.
32亞基帕對非斯都說:“這個人若沒有向凱撒上訴,早就可以釋放了。”
32Ipapo Agripa akati kuna Festo: Munhu uyu ungadai asunungurwa dai asina kuzvipfuuridza kuna Kesari.