1保羅在馬爾他島上的經歷我們脫險之後,才知道那島名叫馬爾他。
1Zvino vakati vapona, ipapo vakaziva kuti chiwi chinonzi Merita.
2當地的人對我們非常友善;因為下過一場雨,天氣又冷,他們就生了火來招待我們。
2Zvino vatorwa avo vakatiitira unyoro husati huri uduku; nekuti vakabatidza moto, vakatigamuchira tose nekuda kwemvura uye nekuda kwechando.
3保羅拾了一捆乾柴,放在火上的時候,有一條毒蛇,受不住熱,爬了出來,纏住他的手。
3Zvino Pauro wakati aunganidza svinga rehuni, akaisa pamoto, kwakabuda chiva murudziyira chikanamatira paruoko rwake.
4當地的人看見那條蛇懸在他手上,就彼此說:“這個人一定是兇手,雖然從海裡脫險,天理也不容他活著!”
4Zvino venyika iyo vakati vachiona chikara chakaremberera paruoko rwake, vakataurirana vachiti: Zvirokwazvo munhu uyu imhondi, iye kunyange apukunyuka gungwa, kururama hakumutenderi kurarama.
5但是保羅卻把那條蛇抖在火裡,自己一點也沒有受傷。
5Asi iye wakazuzira chikara mumoto, akasakuvara.
6他們等著看他發腫,或者忽然暴斃。但等了很久,見他平安無事,就轉念說,他是個神明。
6Ivo vakatarisira kuti uchazvimba, kana kuwira pasi pakarepo akafa, zvino vakati vatarira nguva refu vakasaona achisvikirwa nenjodzi, vakashandura fungwa voti ndimwari.
7那地附近有些田產,是島上的首領部百流所擁有的。他歡迎我們,善意招待我們三天。
7Zvino pakapoteredza ipapo paiva neminda yemukuru wechiwi wainzi Pubhirio; iye wakatigamuchira, akatigarisa zvakanaka mazuva matatu.
8那時,部百流的父親患了痢疾,發熱臥病在床,保羅到他那裡,為他祈禱按手,醫好了他。
8Zvino zvakaitika kuti baba vaPubhirio vakange vavete pasi, vakabatwa nefivhiri nekubudisa ropa; Pauro akapinda kwavari, akanyengetera, ndokuisa maoko ake pamusoro pavo, akavaporesa.
9這麼一來,島上其他有病的都來了,也都治好了。
9Naizvozvo izvi zvakati zvaitwa, vamwewo vaiva nezvirwere pachiwi vakauya vakaporeswa;
10他們多方面尊敬我們;到開船的時候,又把我們所需要的東西送來。
10Vakatikudzawo nekukudza kukuru; tikati toenda vakaisa muchikepe zvinhu zvaidikamwa.
11保羅抵達羅馬過了三個月,我們上了一艘亞歷山太來的船。這船在島上過冬,船的名字是“宙斯雙子”。
11Zvino shure kwemwedzi mitatu, takaenda nechikepe cheArekizandiria, chakange chagara muchando pachiwi, chaiva nechiratidzo chekuti Dhiosikuri*.
12到了敘拉古,我們停留了三天。
12Zvino tasvika nepaSirakuse takagara mazuva matatu.
13從那裡繞道航行,來到利基翁。過了一天,起了南風,第二天到達部丟利。
13Tabvapo tikatenderera ndokusvika Regiomu; zvino shure kwezuva rimwe mhepo yaibva kuchamhembe ikasimuka, zuva repiri tikasvika Puteori;
14我們在那裡遇見一些弟兄,他們邀請我們一同住了七天。這樣,我們就來到了羅馬。
14patakawana hama, tikakumbirwa kuti tigare nadzo mazuva manomwe; saizvozvo takaenda Roma.
15弟兄們聽到了我們的消息,就從羅馬出來,在亞比烏和三館迎接我們。保羅見了他們,就感謝 神,膽子也壯了起來。
15Zvino kubva ipapo, hama dzakati dzanzwa nezvedu, dzakauya kuzotichingamidza kudzamara vasvika Apio Foramu nepaDzimba Dzavaeni Nhatu; Pauro wakati adziona akavonga Mwari, akatsunga moyo.
16保羅在羅馬傳道我們到了羅馬,保羅獲准獨自與看守他的士兵居住。
16Zvino takati tasvika Roma, mukuru wezana akakumikidza vasungwa kumutungamiriri wevarindi, asi Pauro akatenderwa kugara ari oga nemuuto waimurinda.
17過了三天,保羅請猶太人的首領來。他們都到了,保羅說:“各位弟兄,我雖然沒有作過甚麼事反對人民或者反對祖先的規例,卻被捆綁起來,從耶路撒冷交到羅馬人的手裡。
17Zvino zvikaitika kuti shure kwemazuva matatu, Pauro akakokera vakuru vevaJudha pamwe; zvino vakati vaungana akati kwavari: Varume hama, kunyange ndisina kuitira vanhu, kana tsika dzemadzibaba edu chakaipa, ndakabva kuJerusarema ndiri musungwa ndakumikidzwa pamaoko evaRoma;
18他們審訊之後,因為在我身上沒有甚麼該死的罪,就想要釋放我。
18ivo vakati vandiongorora, vakada kundisunungura, nekuti pakange pasina mhosva yerufu kwandiri.
19可是猶太人反對,我迫不得已才上訴凱撒,並不是有甚麼事要控告我的國民。
19Asi vaJudha vakati vapikisana nazvo, ndikarovererwa kuzvipfuudza kuna Kesari; kwete kuti ndaiva nechinhu chekupomera rudzi rwangu.
20因此,我請你們來見面談談。我原是為了以色列的盼望,才帶上這條鎖鍊的。”
20Naizvozvo nekuda kwezvikonzero izvi, ndakudanai, kuti ndikuonei, nditaure nemwi, nekuti ndakasungwa neketani iyi nekuda kwetariro yaIsraeri.
21他們說:“我們沒有收到猶太來的信,是提到你的,弟兄中也沒有人來報告,或說你甚麼壞話。
21Zvino vakati kwaari: Hatina kugamuchira tsamba kubva Judhiya pamusoro pako, uye hakuna umwe wehama wakasvika akatipira kana kutaura zvakaipa pamusoro pako.
22但我們覺得應該聽聽你本人的意見,因為關於這教派,我們知道是到處遭人反對的。”
22Asi tinoda kunzwa newe zvaunofunga; nekuti kana riri bato iri, tinoziva kuti rinopikiswa kose-kose.
23他們和保羅約好了一個日子,到那日有很多人到他的住所來見他。他從早到晚向他們講解,為 神的國竭力作見證,引用摩西的律法和先知的話勸他們信耶穌。
23Zvino vakati vamutarira zuva, vazhinji vakauya kwaari kuimba yevaenzi, akavadudzira, achivapupurira ushe hwaMwari, akavakumbirisa maererano naJesu, zvose kubva pamurairo waMozisi nevaporofita, kubva mangwanani kusvikira madekwana.
24他所說的話,有人信服,也有人不信。
24Vamwe vakatenda zvinhu zvakataurwa, asi vamwe vakasatenda.
25他們彼此不合,就分散了。未散以前,保羅說了幾句話:“聖靈藉以賽亞先知對你們祖先所說的,一點不錯。
25Zvino zvavakange vasinganzwanani pachavo, vakaenda Pauro ataura shoko rimwe chete rekuti: Mweya Mutsvene wakataura zvakanaka naIsaya muporofita kumadzibaba edu,
26他說:‘你去告訴這人民:你們聽是聽見了,總是不明白;看是看見了,總是不領悟。
26achiti: Enda kuvanhu ava uti: Nekunzwa muchanzwa musinganzwisisi, nekuona muchaona musingaonesesi;
27因為這人民的心思遲鈍,用不靈的耳朵去聽,又閉上了眼睛;免得自己眼睛看見,耳朵聽見,心裡明白,回轉過來,我就醫好他們。’
27nekuti moyo yevanhu ava yakasindimara, nzeve dzavo dzinonzwa nemutsutsuru, vakavhara meso avo; kuti zvimwe vangaona nemeso avo, nekunzwa nenzeve dzavo, nekunzwisisa nemoyo yavo, vatendeuke, ndigovaponesa
28所以你們應當知道, 神這救恩,已經傳給外族人,他們也必聽從。”
28Naizvozvo ngazvizikamwe kwamuri, kuti ruponeso rwaMwari rwunotumirwa kuvahedheni; ivo vacharunzwawo.
29(有些抄本在此有第29節:“他說了這話,猶太人中間大起爭論,就走了。”)
29Zvino wakati ataura mashoko awa, vaJudha vakaenda, vachiita nharo huru pakati pavo.
30保羅在自己所租的房子裡,住了兩年。凡來見他的人,他都接待,
30Pauro akapedza makore maviri agere muimba yake yairipirwa mari, akagamuchira vose vaipinda kwaari,
31並且放膽地傳講 神的國,教導有關主耶穌基督的事,沒有受到甚麼禁止。
31achiparidza ushe hwaMwari, nekudzidzisa zvinhu izvo maererano naIshe Jesu Kristu, asingatongotyi, pasina kudziviswa.