1問安奉 神旨意作基督耶穌使徒的保羅,和提摩太弟兄,
1Pauro muapositori waKristu Jesu nekuda kwechido chaMwari, naTimotio hama,
2寫信給在歌羅西的聖徒,和在基督裡忠心的弟兄。願恩惠平安從我們的父 神臨到你們。
2kuvatsvene nehama dzakatendeka muna Kristu vari paKorose: Nyasha kwamuri, nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
3為歌羅西信徒感謝 神我們為你們祈禱的時候,常常感謝 神我們主耶穌基督的父,
3Tinopa kuvonga kuna Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, tichikunyengetererai nguva dzose,
4因為聽見你們在基督耶穌裡的信心,和對眾聖徒的愛心。
4sezvo takanzwa zverutendo rwenyu muna Kristu Jesu, uye zverudo kuvatsvene vose,
5這都是由於那給你們存在天上的盼望,這盼望是你們從前在福音真理的道上聽過的。
5nekuda kwetariro yakagadzirirwa imwi kumatenga, yamakagara manzwa pashoko rechokwadi cheevhangeri,
6這福音傳到你們那裡,也傳到全世界;你們聽了福音,因著真理確實認識了 神的恩典之後,這福音就在你們中間不斷地結果和增長,在全世界也是一樣。
6iyo yasvika kwamuri sepanyika yosewo; ichibereka chibereko, sezvainoitawo kwamuri, kubvira pazuva ramakanzwa nekuziva nyasha dzaMwari muchokwadi;
7這福音也就是你們從我們親愛的、一同作僕人的以巴弗那裡學到的。他為你們作了基督忠心的僕役,
7sezvamakadzidzawo kuna Epafrasi, muranda unodikamwa pamwe nesu, mushumiri wakatendeka waKristu nekuda kwenyu,
8也把你們在聖靈裡的愛心告訴了我們。
8iye wakatiudzawo zverudo rwenyu muMweya.
9保羅的祈禱因此,我們從聽見的那天起,就不停地為你們禱告祈求,願你們藉著一切屬靈的智慧和悟性,可以充分明白 神的旨意,
9Nekuda kweizvi isuwo, kubvira pazuva ratakanzwa, hatimiri kukunyengetererai, nekukumbira kuti muzadzwe neruzivo rwechido chake, pauchenjeri hwose nekunzwisisa kwemweya;
10使你們行事為人對得起主,凡事蒙他喜悅;在一切善事上多結果子,更加認識神;
10kuti mufambe sezvinofanira Ishe muchimufadza pazvose, muchibereka zvibereko pabasa rose rakanaka, muchikura paruzivo rwaMwari;
11依照他榮耀的大能得著一切能力,帶著喜樂的心,凡事忍耐寬容;
11muchisimbiswa nesimba rose, zvichienderana nesimba rekurumbidzwa kwake, muve nemoyo murefu nekutsungirira nemufaro;
12並且感謝父,他使你們有資格分享聖徒在光明中的基業。
12muchipa kuvonga kuna Baba, vakatiita kuti tifanire kugoverana kwenhaka yevatsvene muchiedza.
13他救我們脫離了黑暗的權勢,把我們遷入他愛子的國裡。
13vakatinunura pasimba rerima, vakatishandurira muushe hweMwanakomana werudo rwavo,
14我們在愛子裡蒙了救贖,罪得赦免。
14watine dzikinuro maari kubudikidza neropa rake, ndiko kukangamwirwa kwezvivi.
15基督在萬有之上這愛子是那看不見的 神的形象,是首先的,在一切被造的之上。
15Ndiye mufananidzo waMwari usingaonekwi, dangwe rechisikwa choga choga;
16因為天上地上的萬有:看得見的和看不見的,無論是坐王位的,或是作主的,或是執政的,或是掌權的,都是本著他造的;萬有都是藉著他,又是為著他而造的。
16Nekuti maari zvinhu zvose zvakasikwa, zviri kumatenga nezviri panyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, kana zviri zvigaro zveushe kana ushe, kana ukuru, kana masimba; zvinhu zvose zvakasikwa naye, zvikasikirwa iye.
17他在萬有之先;萬有也一同靠著他而存在。
17Ndiye unotangira zvinhu zvose, uye zvinhu zvose zvakabatanidzwa maari.
18他是身體的頭,這身體就是教會。他是元始,是死人中首先復生的,好讓他在凡事上居首位;
18Uye ndiye musoro wemuviri, kereke; unova kutanga, dangwe kune vakafa; kuti pazvose iye ave wokutanga.
19因為 神樂意使所有的豐盛都住在愛子裡面,
19Nekuti zvakafadza Baba, kuti kuzara kose kugare maari,
20並且藉著他在十字架上所流的血成就了和平,使萬有,無論是地上天上的,都藉著他與 神和好了。
20uye akonzere naye kuti zvinhu zvose zviyananiswe kwaari, amboita rugare kubudikidza neropa remuchinjikwa wake kubudikidza naiye, kunyange zviri panyika kunyange zviri kumatenga.
21雖然你們從前也是和 神隔絕,心思上與他為敵,行為邪惡,
21Nemwi maimbova vaeni nevavengi mufungwa nemabasa akaipa, asi zvino wayanana nemwi
22但現今 神在愛子的肉身上,藉著他的死,使你們與 神和好了,為了要把你們這些聖潔、無瑕疵、無可指摘的人,呈獻在他面前。
22mumuviri wenyama yake kubudikidza nekufa akukumikidzei muri vatsvene, uye musina mhosva uye musingamhuriki pachiso chake,
23只是你們要常存信心,根基穩固,不受動搖偏離福音的盼望。這福音你們聽過了,也傳給了天下萬民;我保羅也作了這福音的僕役。
23kana muchirambira parutendo makateyiwa uye makasimbiswa, uye hamubviswi patariro yeevhangeri yamakanzwa, yakaparidzirwa chisikwa choga choga chiri pasi pedenga; iyo yandakaitwa mushumiri wayo ini Pauro.
24竭力傳揚 神的奧祕現在我為你們受苦,我覺得喜樂;為了基督的身體,就是為了教會,我要在自己的肉身上,補滿基督苦難的不足。
24Zvino ndinofara pamatambudziko angu nekuda kwenyu, nekuzadzisa zvakasara pamatambudziko aKristu munyama yangu nekuda kwemuviri wake, inova kereke;
25我照著 神為你們而賜給我的管家職分,作了教會的僕役,要把 神的道,就是歷世歷代隱藏的奧祕,傳得完備。現在這奧祕已經向他的眾聖徒顯明了。
25iyo ini yandakaitwa mushumiri wayo zvichienderana nekuita kwaMwari kwandakapiwa pamusoro penyu, kuzadzisa shoko raMwari,
26
26chakavanzika chakange chakafukidzwa kubvira kare, nekubva kumazera, asi zvino chinoratidzwa kuvatsvene vake,
27 神願意使他們知道這奧祕在外族人中有多麼榮耀的豐盛,這奧祕就是基督在你們裡面成了榮耀的盼望。
27kuna ivo Mwari vaakada kuzivisa kiti fuma yekubwinya kwechakavanzika ichi pakati pevahedheni chii, chinova Kristu mamuri, tariro yekubwinya;
28我們傳揚他,是用各樣的智慧,勸戒各人,教導各人,為了要使各人在基督裡得到完全。
28watinoparidza isu, tichiyambira munhu umwe neumwe, nekudzidzisa munhu umwe neumwe munjere dzose, kuti tikumikidze munhu umwe neumwe akakwana muna Kristu;
29我也為了這事勞苦,按著他用大能在我心中運行的動力,竭力奮鬥。
29ndizvo zvandinoshingairirawo, ndichirwa zvinoenderana nekubata kwake kunobata mandiri nesimba.