1愛 神是誡命中之誡命“以下是耶和華你們的 神吩咐我教導你們的誡命、律例、典章,使你們在將要過去佔領為業的地上遵行,
1Zvino ndiwo murairo, nezvakatemwa, nezvakatongwa, zvandakarairwa naJehovha Mwari wenyu kuti ndikudzidzisei, kuti muzviite kunyika kwamunoenda kuti ive yenyu;
2好叫你和你的子子孫孫一生一世敬畏耶和華你的 神,遵守他的一切律例、誡命,就是我吩咐你的,使你的日子可以長久。
2kuti utye Jehovha Mwari wako, uchengete zvose zvaakatema nemirairo yake, yandinokuraira, iwe, nomwanakomana wako, nomwanakomana womwanakomana wako, mazuva ose oupenyu hwako, kuti mazuva ako ave mazhinji.
3以色列啊,你要聽從,就謹守遵行,使你在流奶與蜜的地可以享福,人數大大增多,像耶和華你列祖的 神應許你的。
3Naizvozvo chinzwa Isiraeri, uchenjere kuti uzviite; kuti zvive zvakanaka newe, muwande kwazvo, sezvamakapikirwa naJehovha Mwari wamadzibaba ako, panyika inoyerera mukaka nouchi.
4“以色列啊,你要聽,耶和華我們的 神是獨一的耶和華;
4Chinzwa Isiraeri, Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete.
5你要全心、全性、全力愛耶和華你的 神。
5Ude Jehovha Mwari wako nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose.
6我今日吩咐你的這些話,都要記在你的心上;
6Zvino mashoko awa andinokuraira nhasi, anofanira kuva mumoyo mako,
7你要把這些話不斷地教訓你的兒女,無論你坐在家裡,或行在路上,或躺下,或起來的時候,都要談論。
7unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.
8你也要把這些話繫在手上作記號,戴在額上作頭帶。
8Unofanira kuasungira paruoko rwako, chive chiratidzo; uye anofanira kuva rundanyara pakati pameso ako.
9又要寫在你房屋的門柱上和城門上。
9Unofanira kuanyora pamagwatidziro emikova yeimba yako, napamasuwo ako.
10不可隨從、敬拜別的神“耶和華你的 神領你進入他向你列祖亞伯拉罕、以撒、雅各起誓應許給你的地;那裡有不是你建造的,又高大又美麗的城市,
10Zvino kana Jehovha Mwari wako achinge akupinza munyika, yaakapikira madzibaba ako, Abhurahamu, naIsaka, naJakove, kuti uchakupa iyo, namaguta makuru akanaka, ausina kuvaka iwe,
11有裝滿各樣美物的房子,不是你裝滿的;有鑿成的水池,不是你鑿成的;還有葡萄園和橄欖園,不是你栽種的;你可以吃,並且吃得飽足。
11nedzimba dzizere nezvinhu zvose zvakanaka, dzausina kuzadza iwe, namakangwa akacherwa, ausina kuchera iwe, neminda yemizambiringa nemiorivhi, yausina kusima iwe; iwe ukadya ukaguta,
12那時,你要謹慎,免得你忘記了耶和華,就是把你從埃及地,從為奴之家領出來的那一位。
12zvino chenjera kuti urege kukangamwa Jehovha, wakakubudisa panyika yeEgipita paimba youranda.
13你要敬畏耶和華你的 神,要事奉他,奉他的名起誓。
13Unofanira kutya Jehovha Mwari wako, nokumushumira, nokupika nezita rake.
14不可隨從別的神,就是你們周圍各民族的神;
14Regai kutevera vamwe vamwari, vamwari vendudzi dzinokupoteredzai,
15因為在你們中間的耶和華你們的 神,是忌邪的 神,恐怕耶和華你的 神向你發怒,就把你從這地上消滅。
15nekuti Jehovha Mwari wako, ari pakati pako, ndiMwari ane godo; kuti Jehovha Mwari wako arege kukutsamwira, akuparadze panyika pose.
16“你們不可試探耶和華你們的 神,像你們在瑪撒試探他一樣。
16Musaidza Jehovha Mwari wenyu, sezvamakamuidza paMasa.
17要謹慎遵守耶和華你們的 神吩咐你的誡命、法度和律例。
17Munofanira kushingaira kuchengeta mirairo yaJehovha Mwari wenyu, nezvipupuriro zvake, nezvaakatema, zvaakakuraira.
18耶和華看為正為好的事,你都要去行,使你可以享福,並且可以進去佔領耶和華向你的列祖起誓應許的那美地,
18Uye unofanira kuita zvakarurama nezvakanaka pamberi paJehovha, kuti zvive zvakanaka newe, upinde munyika yakanaka ive yako, iyo yakapikirwa madzibaba ako naJehovha,
19照著耶和華說過的,把你所有的仇敵從你面前趕逐出去。
19kuti iye uchadzinga vavengi vako vose pamberi pako, sezvakataurwa naJehovha.
20“日後,如果你的兒子問你:‘耶和華我們的 神吩咐的這法度、律例和典章,有甚麼意思呢?’
20Zvino kana mwanakomana wako akakubvunza pashure, achiti, Ko izvi zvipupuriro, nezvakatemwa, nezvakatongwa, zvamakarairwa naJehovha Mwari wedu, zvinodiniko?
21你就要對你的兒子說:‘我們在埃及曾經作過法老的奴僕,耶和華卻用大能把我們從埃及領了出來。
21Unofanira kuti kumwanakomana wako, Isu takanga tiri varanda vaFarao, Jehovha akatibudisa nechanza chine simba;
22耶和華在我們眼前,把又偉大又厲害的神蹟奇事行在埃及、法老和他全家的身上;
22Jehovha akaita zviratidzo nezvinoshamisa kwazvo, zvakaipa, paEgipita, nokuna Farao, nokuimba yake yose, tichizviona;
23卻把我們從那裡領出來,為要領我們進入他向我們列祖起誓應許的地,要把這地賜給我們。
23akatibudisapo, kuti atipinze pano, atipe nyika yaakapikira madzibaba edu.
24耶和華又吩咐我們遵行這一切律例,敬畏耶和華我們的 神,使我們常常得享福樂,使我們的生命得著保全,像今日一樣。
24Jehovha akaraira kuti tiite izvi zvose zvaakatema, titye Jehovha Mwari wedu, kuti tiitirwe zvakanaka nguva dzose, atichengete tive vapenyu, sezvatakaita nhasi.
25我們在耶和華我們的 神面前,如果照著他吩咐我們的,謹守遵行這一切誡命,這就是我們的義了。’”
25Zvichava zvakarurama kwatiri, kana tichichenjerera kuti tiite murayiro wose pamberi paJehovha Mwari wedu, sezvatakarairwa naye.