1王發現末底改有功未酬那一夜,王睡不著覺,就吩咐人把史記,就是年鑒拿來,在王面前誦讀。
1Zvino usiku uhwo mambo akashaiwa hope, akaraira kuti vauye nebhuku yamashoko aMakoronike, akaravirwa mambo.
2有一處記著說:王有兩個守門的太監:辟探和提列,企圖要謀害亞哈隨魯王;這事給末底改告發了。
2Vakawana kuti pakanyorwa kuti Modhekai akadeya kuzivisa mashoko aBhigitana naTereshi, varanda vaviri vamambo pakati pavarindi vomukova, vakatsvaka kuuraya mambo Ahashivheroshi.
3王問:“為了這事,末底改得了甚麼尊榮和封賜沒有?”侍候王的眾臣僕回答:“他甚麼也沒有得到。”
3Ipapo mambo akati, Modhekai akakudzwa nokurumbidzwa seiko pamusoro pechinhu ichi? Varanda vamambo vaimubatira vakati, Haana chaakaitirwa.
4王問:“誰在院子裡?”那時哈曼正進了王宮的外院,要求王把末底改掛在哈曼為他預備的木架上。
4Mambo akati, Ndianiko uri paruvanze? Zvino Hamani akanga apinda paruvanze rwokunze kweimba yamambo, achida kukumbira kuna mambo kuti Modhekai asungirirwe namatanda aakanga amugadzirira.
5王的臣僕對他說:“是哈曼站在院子裡。”王說:“叫他進來。”
5Varanda vamambo vakati kwaari, Tarirai Hamani umire paruvanze. Mambo akati, Ngaapinde.
6哈曼就進去,王問他:“王喜歡賜尊榮給他的人,要怎樣待他呢?”哈曼心裡想:“王喜歡賜尊榮的人,除我以外,還有誰呢?”
6Naizvozvo Hamani akapinda. Mambo akati kwaari, Munhu, mambo waanoda kumukudza, angaitirweiko? Zvino Hamani akati mumoyo make, Mambo vangada kukudza aniko, asi ini?
7於是哈曼回答王:“王喜歡賜尊榮的人,
7Hamani akati kuna mambo, Iye munhu, mambo waanoda kukudza,
8要把王常穿的朝服和王常騎的駿馬,就是頭戴王冠的駿馬帶來,
8ngaatorerwe nguvo dzoushe, idzo dzinosifukwa namambo, nebhiza rinositasva namambo, nekorona youshe inosidzikwa pamusoro wake;
9把朝服和駿馬交給王最尊貴的一個大臣手裡,把衣服給王喜歡賜尊榮的人穿上,使他騎在馬上,走過城中的街上,又要有人在他前面宣告:‘王喜歡賜尊榮的人,要這樣待他。’”
9zvino nguvo nebhiza ngazviiswe pamaoko omumwe wamachinda amambo anokudzwa kwazvo, kuti vafukidze munhu uyo, mambo waanoda kukudza, vagomufambisa munzira dzomuguta, akatasva bhiza, vadanidzire pamberi pake, vachiti, Munhu, mambo waanoda kukudza, ngaaitirwe saizvozvo.
10王命哈曼使末底改得尊榮王對哈曼說:“趕快拿朝服和駿馬來,照著你所說的,去行在那坐在朝門那裡的猶大人末底改身上;你所說的,一樣也不可缺少。”
10Ipapo mambo akati kuna Hamani, Chimbidzika utore nguvo nebhiza, sezvawataura, undoitira Modhekai muJudha saizvozvo, iye agere pasuwo ramambo; usarega shoko rimwe pamashoko ose awataura.
11於是哈曼把朝服和駿馬拿來,先給末底改穿上朝服,然後使他騎在馬上,走過城中的街上,又在他前面宣告:“王喜歡賜尊榮的人,要這樣待他。”
11Zvino Hamani akatora nguvo nebhiza, akafukidza Modhekai, akamufambisa panzira dzomuguta akatasva bhiza, akadanidzira pamberi pake, achiti, Ndizvo zvichaitirwa munhu uyo mambo waanoda kukudza.
12末底改仍回到御門那裡;哈曼卻急急忙忙回了家,帶著悲哀的心蒙著頭。
12Zvino Modhekai akadzokera kusuwo ramambo. Asi Hamani akachimbidzika kuenda kumba kwake achichema, akafukidza musoro wake.
13哈曼把遭遇的一切事,都述說給他的妻子細利斯和他所有的朋友聽;他的謀士和妻子細利斯對他說:“在末底改面前,你開始失敗了;他若是猶大人,你就不能勝過他:你終必在他面前失敗。”
13Hamani akarondedzera kuna Zereshi mukadzi wake neshamwari dzake dzose zvose zvaakaitirwa. Ipapo shamwari dzake dzakangwara naZereshi mukadzi wake vakati kwaari, Kana Modhekai uyu wawakatanga kuwa pamberi pake ari worudzi rwavaJudha, haungakundi, asi zvirokwazvo uchawa pamberi pake.
14他們還與哈曼說話的時候,王的太監來了,催哈曼快走,赴以斯帖預備的筵席。
14Vakati vachataura naye, varanda vamambo vakasvika, vakachimbidzika kuenda naHamani kumafundo akanga agadzirwa naEsiteri.