1擊磐出水(民20:1~13)以色列全體會眾都照著耶和華的吩咐,一站一站,從汛的曠野起程,在利非訂安營。在那裡人民沒有水喝。
1Zvino ungano yose yavana vaIsiraeri yakabva murenje reSini, vakafamba vachiita nzendo nzendo, sezvavakanga varairwa naJehovha, vakavaka misasa yavo paRefidhimu; zvino ipapo pakanga pasina mvura ingamwiwa navanhu.
2因此人民與摩西爭吵,說:“給我們水喝吧。”摩西對他們說:“你們為甚麼與我爭吵呢?你們為甚麼試探耶和華呢?”
2Vanhu vakarwa naMozisi, vakati, Tipe mvura timwe.
3人民在那裡渴望得水喝,就向摩西發怨言,說:“你為甚麼把我們從埃及領上來,使我們和我們的兒女,以及我們的牲畜都渴死呢?”
3Vanhu zvino vakanga vanenyota yemvura ipapo, vanhu vakapopotera Mozisi, vakati, Wakatibudisireiko Egipita, kuti utiuraye nenyota, isu navana vedu, nezvipfuwo zvedu?
4摩西向耶和華呼求,說:“我要怎樣對待這人民呢?他們幾乎要用石頭打死我了。”
4Mozisi akachema kuna Jehovha, akati, Ndichaiteiko navanhu ava? Voda kunditaka namabwe.
5耶和華回答摩西:“你要到人民的面前,要帶著以色列的幾個長老和你一起,手裡要拿著你先前擊打河水的杖。
5Jehovha akati kuna Mozisi, Tungamira pamberi pavanhu, uende navakuru vaIsiraeri, utore tsvimbo yako yawakamborova rwizi nayo muruoko rwako uende.
6看哪,我必在何烈山那裡的磐石上站在你面前;你要擊打磐石,就必有水從磐石流出來,使人民可以喝。”摩西就在以色列的長老眼前這樣行了。
6Tarira ndichamira pamberi pako padombo riri paHorebhu, urove dombo iro, mvura ichabuda pariri, vanhu vagomwa. Mozisi akaita saizvozvo pamberi pavakuru vaIsiraeri.
7他給那地方起名叫瑪撒,又叫米利巴,因為以色列人在那裡爭吵,又因為他們試探耶和華,說:“耶和華是不是在我們中間呢?”
7Akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Masa neMeribha nokuda kokurwa kwavana vaIsiraeri, uye nekuti vakaedza Jehovha, vachiti, Jehovha ari pakati pedu here, kana kwete?
8與亞瑪力人作戰那時亞瑪力人來了,在利非訂和以色列人爭戰。
8Zvino Amareki akauya kuzorwa navaIsiraeri paRefidhimu.
9摩西對約書亞說:“你要為我們選出人來,出去和亞瑪力人爭戰;明天我要站在山頂上,手裡拿著 神的杖。”
9Mozisi akati kuna Joshua, Utitsaurire varume, ugondorwa naAmareki; mangwana ini ndichamira pamusoro pechikomo, ndakabata tsvimbo yaMwari muruoko rwangu.
10於是,約書亞照著摩西吩咐他的行了,去和亞瑪力人爭戰;摩西、亞倫和戶珥都上了山頂。
10Joshua akaita sezvaakanga audzwa naMozisi, akandorwa naAmareki; Mozisi naAroni naHuri vakakwira pamusoro pechikomo.
11摩西舉起手來的時候,以色列人就得勝;摩西把手放下來的時候,亞瑪力人就得勝。
11Zvino zvakati kana Mozisi osimudza ruoko rwake, vaIsiraeri vokunda, kana oregera ruoko rwake pasi, Amareki okunda.
12可是摩西的兩手疲乏了,他們就搬塊石頭來,放在摩西下面,他就坐在上面;亞倫和戶珥,一邊一個,扶著摩西的兩手;這樣,他的兩手就穩住,直到日落的時候。
12Asi maoko aMozisi akazoneta, zvino vakatora ibwe, vakariisa pasi pake, akagara pamusoro paro, Aroni naHuri vakatsigira maoko ake , mumwe kuno rumwe rutivi, mumwe kuno rumwe rutivi; maoko ake akava nesimba kusvikira pakuvira kwezuva.
13約書亞用刀打敗了亞瑪力王和他的人民。
13Joshua akakunda Amareki navanhu vake neminondo inopinza.
14耶和華對摩西說:“我要把亞瑪力的名號從天下完全抹掉;你要把話寫在書上作記念,也要告訴約書亞。”
14Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Nyora izvi mubhuku, vazvirangarire, uzvirondedzerewo munzeve dzaJoshua, kuti ini ndichabvisa chose pasi pokudenga zvose zvinorangaridza Amareki.
15摩西築了一座祭壇,給它起名叫“耶和華尼西”。
15Ipapo Mozisi akavaka atari, akaitumidza zita rinonzi Jehovha-nisi;
16摩西又說:“向耶和華的旌旗舉手,耶和華必世世代代和亞瑪力人爭戰。”
16akati, Noruoko pachigaro choushe chaJehovha, ndinopika ndichiti, Jehovha acharwa naAmareki kusvikira kumarudzi namarudzi.