1立祭司的條例(利8:1~28)“你要把他們分別為聖,使他們作我的祭司,就必須這樣作:取一頭小公牛和兩隻沒有殘疾的公綿羊,
1Zvino ndicho chinhu chaunofanira kuvaitira kuti uvaite vatsvene, vandishumire pabasa roupristi: Utore nzombe imwe duku; namakondobwe maviri asina mhosva,
2以及無酵餅、調油的無酵餅和抹油的無酵薄餅。這些你都要用細麥麵來做。
2nechingwa chisina kuviriswa, nezvingwa zviduku zvisina kuviriswa zvakakanyiwa namafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa mafuta; unofanira kuzviita noupfu hwakatsetseka bwekoroni.
3你要把這些餅放在籃子裡,用籃子把餅帶來獻上,又把小公牛和兩隻綿羊牽來。
3Uzviise mudengu rimwe, ugouya nazvo zviri mudengu, pamwechete nenzombe duku namakondobwe maviri.
4你要把亞倫和他兒子們帶到會幕門口,用水給他們洗身。
4Zvino uuye naAroni navanakomana vake kumukova wetende rokusangana, ugovashambidza nemvura;
5你要拿衣服來,給亞倫穿上雜色內袍、以弗得的長外袍、以弗得和胸牌,又束上巧工織成的以弗得的帶子。
5utorewo hanzu, ugofukidza Aroni nguvo nejasi reefodhi, neefodhi, nehombodo yechipfuva; uye umusunge chiuno chake nebhanhire reefodhi rakarukwa nouchenjeri;
6你要把禮冠戴在他頭上,又把聖冠放在禮冠上。
6uisewo nguwani pamusoro wake, nokuisawo korona tsvene panguwani.
7你要把膏油拿來,倒在他頭上,膏立他。
7Zvino unofanira kutora mafuta echizoro, uadire pamusoro wake, umuzodze.
8你也要把他的兒子帶來,給他們穿上雜色內袍。
8Zvino uuyisewo vanakomana vake, uvafukidze majasi.
9要給亞倫和他兒子束上腰帶,包上頭巾;這樣,他們就按永遠的定例,得了祭司的職分。你又要把亞倫和他兒子們分別為聖。
9Uvasunge zviuno zvavo nebhanhire, iye Aroni navanakomana vake, ugovaisa nguwani; vave vapristi nomutemo usingaperi; ugadze Aroni navanakomana vake.
10“你要把公牛帶到會幕來獻上,亞倫和他兒子們要按手在公牛的頭上。
10Zvino unofanira kuuyisa nzombe pamberi petende rokusangana, Aroni navanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro wenzombe.
11你要在耶和華面前,在會幕門口,宰殺那公牛。
11Ugobaya nzombe pamberi paJehovha pamukova wetende rokusangana.
12你要取些公牛的血,用你的指頭抹在祭壇的角上,把其餘的血都倒在祭壇腳前。
12Zvino utore ropa renzombe, ugoriisa panyanga dzearitari nomumwe wako, ndokudururira ropa rose mujinga mearitari:
13你要把一切遮蓋內臟的脂油、肝葉、兩個腰子和腰子上的脂油,都取出來,把它們焚燒在祭壇上。
13Zvino utorewo mafuta ose anofukidza ura, namafuta ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta ari padziri, uzvipise pamusoro pearitari.
14至於公牛的肉、皮和糞,你都要在營外用火焚化。因為這是贖罪祭。
14Asi nyama yenzombe, nedebwe rayo, namazvizvi ayo, unofanira kuzvipisa nomoto kunze kwemisasa; chipiriso chezvivi.
15“你要把一隻公綿羊牽來,亞倫和他兒子們要按手在這公綿羊的頭上。
15Unofanira kutorawo gondobwe rimwe, Aroni navanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro wegondobwe,
16你要宰殺這公綿羊,取些羊血,灑在祭壇的周圍。
16zvino ubaye gondobwe, utore ropa raro, urisase panhivi dzose dzearitari.
17你要把公綿羊切成塊子,再把內臟和羊腿洗淨,放在肉塊和羊頭上面。
17Ipapo uchekanye gondobwe, nokusuka ura hwaro, namakumbo aro, uise izvozvo pamwechete nenhindi dzaro nomusoro waro.
18你要把整隻公綿羊焚燒在祭壇上;這是獻給耶和華的燔祭,是獻給耶和華馨香的火祭。
18Zvino unofanira kupisa gondobwe rose paaritari; chipiriso chinopisirwa Jehovha, chipo chinonhuhwira, chipiriso chakaitirwa Jehovha, pamoto.
19“你要把另一隻公綿羊也牽來,亞倫和他兒子們要按手在這公綿羊的頭上。
19Zvino utorewo gondobwe rimwe, Aroni navanakomana vake vaise maoko avo pamusoro wegondobwe.
20你要宰殺這公綿羊,取些血,抹在亞倫的右耳垂上,以及他兒子們的右耳垂上,又抹在他們右手的大拇指上,和他們右腳的大拇趾上;並且要把血灑在祭壇的周圍。
20Ipapo unofanira kubaya gondobwe, ndokutora rimwe ropa raro, ugoriisa pamucheto wezasi wenzeve yorudyi yaAroni, napamicheto yenzeve dzorudyi dzavanakomana vake napamagumwe amaoko orudyi, napamagumwe etsoka dzavo dzorudyi, nokusasawo ropa panhivi dzose dzearitari.
21你要從壇上取一點血,也取一點膏油,彈在亞倫身上和他的衣服上,並且要彈在他兒子的身上和他們的衣服上。這樣,他和他的衣服,他兒子和他們的衣服就都一同成聖。
21Zvino unofanira kutora rimwe ropa, riri paaritari, namamwe mafuta okuzodza, uzvisase pamusoro paAroni napanguvo dzake, napamusoro pavanakomana vake, napanguvo dzavanakomana vake, pamwechete naye, kuti ave mutsvene iye, nenguvo dzake, navanakomana vake, nenguvo dzavanakomana vake, pamwechete naye.
22你要從這公綿羊身上取出脂油和肥尾巴,遮蓋內臟的脂油和肝葉、兩個腰子和腰子上的脂油,以及右腿,因為這是授聖職的時候,所要獻的公綿羊,
22Zvino utorewo mamwe mafuta egondobwe, nebemhe raro, namafuta anofukidza ura, namafuta ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta ari padziri, nebandauko rorudyi (nokuti igondobwe rokugadza naro),
23你要從擺在耶和華面前載無酵餅的籃子裡取一個圓餅、一個油餅和一個薄餅。
23nebundu rimwe rechingwa, nechingwa chimwe chiduku chinamafuta, nechingwa chimwe chitete chinobva mudengu rezvingwa zvisina kuviriswa, zviri pamberi paJehovha.
24你要把這一切都放在亞倫和他兒子的手上;你要在耶和華面前把他們搖動作搖祭。
24Zvino uzviise zvose pamaoko aAroni napamaoko avanakomana vake, vagozvizunguzira, chive chipo chinozunguzirwa pamberi paJehovha.
25你要從他們手中接過來,向著祭壇把這些東西燒在燔祭之上,在耶和華面前作馨香之氣,這是獻給耶和華的火祭。
25Zvino uzvibvise pamaoko avo, uzvipise paaritari pamusoro pechipiriso chinopiswa, kuti chive chipo chinonhuhwira pamberi paJehovha; chipiriso chakaitirwa Jehovha pamoto.
26祭司當得之分(利10:12~15)“你要取亞倫授聖職的時候,所獻的公綿羊的胸,在耶和華面前把它搖動作搖祭,這就是你的分。
26Utorewo chityu chegondobwe rokugadza naro raAroni, urizunguzire pamberi paJehovha, kuti chive chipo chinozunguzirwa; ndiwo mugove wako.
27那作搖祭的胸和舉祭的腿,你都要使它們成聖,就是亞倫和他兒子授聖職的時候,所獻的公綿羊,被搖過被舉過的部分。
27Zvino chityu chinozunguzirwa uchitsaure, nebandauko rechipiriso chinosimudzwa, chinozunguzirwa nokusimudzwa, zvegondobwe rokugadza naro, kuti zvive zvaAroni nezvavanakomana vake.
28這要作為亞倫和他兒子們從以色列人所得的分,作為永遠的定例,因為這是舉祭。這舉祭要從以色列人的平安祭中分別出來,歸給耶和華作舉祭。
28Izvozvo zvinofanira kupiwa Aroni navanakomana vake navana vaIsiraeri nokusingaperi nekuti chipiriso chinosimudzwa, chinobva kuvana vaIsiraeri pazvibayiro zvezvipiriso zvavo zvokuyananisa, chive chipiriso chavo chinosimudzirwa Jehovha.
29“亞倫的聖衣要傳給他的子孫,要穿著受膏,也要穿著受聖職。
29nguvo dzaAroni dzichava dzavanakomana vake vanomutevera, kuti vazodzwe vakadzifuka, vagadzwe vakadzifuka.
30亞倫的子孫中,凡是接替他作祭司的,每逢進入會幕在聖所裡事奉的時候,都要穿聖衣七天。
30Mwanakomana wake anopinda paupristi panzvimbo yake, unofanira kudzifuka mazuva manomwe, kana achipinda mutende rokusangana kushumira panzvimbo tsvene.
31“你要把授聖職的時候所獻的公綿羊取來,在聖潔的地方燒牠的肉。
31Zvino unofanira kutora gondobwe rokugadza naro, ubike nyama yaro panzvimbo tsvene.
32亞倫和他的兒子要在會幕的門口吃這公綿羊的肉和籃子裡的餅。
32Aroni navanakomana vake ngavadye nyama yegondobwe, nechingwa chiri mudengu pamukova wetende rokusangana.
33他們要吃那些用來贖罪的東西,好使他們可以接受聖職,可以成聖;只是外人不可吃,因為這些東西是聖物。
33Vanofanira kudya izvozvo zvaiyananiswa nazvo, pakugadzwa nokutsaurwa kwavo; asi mweni ngaarege kuzvidya, nekuti zvitsvene.
34授聖職的時候所獻的肉和餅,如果有一點留到早晨,你要把留下的用火燒了,不可吃,因為這是聖物。
34Kana imwe nyama yokugadza nayo ikasara, kana chimwe chingwa, kusvikira mangwana, unofanira kupisa zvasara nomoto; hazvifaniri kudyiwa, nekuti zvitsvene.
35“這樣,你要照我吩咐你的,向亞倫和他的兒子行接受聖職的禮七天。
35Unofanira kuitira Aroni navanakomana vake saizvozvo, zvose sezvandakuraira; uite mazuva manomwe uchivagadza.
36你要每天獻公牛一頭作贖罪祭,用來贖罪;你為祭壇行贖罪祭的時候,你要潔淨祭壇。而且你要用膏抹祭壇,使祭壇成聖。
36Zuva rimwe nerimwe unofanira kubayira nzombe yechipiriso chezvivi, chokuyananisa nacho; unofanira kunatsa aritari, kana uchiiyananisira; uizodze kuti uitsaure.
37你要為祭壇行贖罪祭七天,也要使它成聖,這樣,祭壇就成為至聖;一切觸著祭壇的東西,都要成聖。
37Unofanira kuita mazuva manomwe pakuyananisira aritari, nokuitsaura; kuti aritari ive tsvene kwazvo, uye zvose zvinobata paaritari zvinofanira kuva zvitsvene.
38每日當獻之祭(民28:1~8)“這就是你要獻在祭壇的:每天兩隻一歲的羊羔。
38Zvino ndizvo zvaunofanira kubayira paaritari: Zuva rimwe nerimwe nguva dzose makwayana maviri.
39第一隻羊你要在早晨獻上;第二隻在傍晚的時候獻上,
39Rimwe gwayana unofanira kuribayira mangwanani, rimwe gwayana unofanira kuribayira madekwana.
40和這一隻羊同獻的,要用一公斤細麵與一公升榨成的油混和,又要用一公升酒作奠祭。
40Pamwechete negwayana rimwe unofanira kuisa chipiriso choupfu hwakatsetseka hwakasvika pachegumi cheefa hwakakanyiwa nechechina chehini yamafuta akasviniwa nechechina chehini yewaini, chive chipiriso chinodururwa.
41那另一隻羊你要在傍晚的時候獻上,照著早晨的素祭和它的奠祭一樣辦理,作馨香之氣,作獻給耶和華的火祭。
41Rimwe gwayana uribayire madekwana, uriitire sezvawakaitira chipiriso choupfu chamangwanani, nezvawakaitira chipiriso charo chinomwiwa, kuti chive chipiriso chinonhuhwira, chipiriso chakaitirwa Jehovha pamoto.
42這要作你們世世代代常獻的燔祭,獻在會幕的門口,耶和華的面前,我要在那裡與你們相會,在那裡和你們說話。
42Chinofanira kuva chipiriso chinopiswa nguva dzose pamarudzi enyu ose, pamukova wetende rokusangana pamberi paJehovha, pandichasangana nemi, nditaurepo newe.
43我要在那裡與以色列人相會,會幕就會因我的榮耀被尊為聖。
43Ndipo pandichasangana navana vaIsiraeri, uye tende richatsaurwa nokubwinya kwangu.
44我要使會幕和祭壇成聖,也要使亞倫和他的兒子成聖,作祭司事奉我。
44Tende rokusangana nearitari ndichazvitsaura; uye Aroni navanakomana vake ndichavatsaura, kuti vandishumire pabasa roupristi.
45我要住在以色列人中間,我也要作他們的 神。
45Ndichagara pakati pavana vaIsiraeri, kuti ndive Mwari wavo.
46他們必知道我是耶和華他們的 神,就是從埃及地把他們領出來的,為要住在他們中間。我是耶和華他們的 神。”
46Vachaziva kuti ndini Jehovha wavo, wakavabudisa panyika kuti ndigare pakati pavo; ndini Jehovha Mwari wavo.