聖經新譯本

Shona

Exodus

40

1支搭會幕耶和華告訴摩西說:
1Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
2“正月初一日,你要把會幕的帳幕豎立起來,
2Nomusi wokutanga womwedzi unofanira kumisa tabhenakeri netende rokusangana.
3把法櫃安放在裡面,用幔子把法櫃遮蓋。
3Unofanira kuisa mukati mayo areka yechipupuriro, nokudzitira areka nechidzitiro.
4把桌子搬進去,擺上陳設物;把燈臺也搬進去,把燈臺上的燈盞點著。
4Upinzewo tafura, nokugadzira zvinhu zvinofanira kuva pamusoro payo; upinzewo chigadziko chemwenje, ugotungidza mwenje yacho.
5把燒香用的金壇安放在法櫃前,掛上帳幕的門簾。
5Uisewo aritari yendarama yezvinonhuhwira pamberi peareka yechipupuriro, ugoisa chidzitiro chomukova wetabhenakeri.
6把燔祭壇安放在會幕的帳幕門口。
6Zvino uisewo aritari yezvibayiro zvinopiswa pamberi pomukova wetabhenakeri yetende rokusangana.
7把洗濯盆安放在會幕和祭壇的中間,把水盛在盆裡。
7Uisewo mudziyo wokushambidzira pakati petende rokusangana nearitari, ugodira mvura mukati mawo.
8又在周圍豎立院子的幔幕,把院子的門簾掛上。
8Zvino ugadzirewo ruvanze nokurembedza chidzitiro chesuwo roruvanze.
9你要拿膏油來,抹帳幕和其中的一切器具,使帳幕和帳幕的一切器具成聖,就必成聖。
9Utorewo mafuta okuzodza nawo, uzodze tabhenakeri nawo, nezvose zviri mukati mayo; ugoitsaura, iyo nezvose zvirimo, kuti chive chinhu chitsvene.
10又要抹燔祭壇和壇上的一切器具,使壇成聖,壇就必成為至聖。
10Uzodzewo aritari nezvibayiro zvinopiswa, nemidziyo yayo yose, kuti utsaure aritari, aritari chive chinhu chitsvene-tsvene.
11要抹洗濯盆和盆座,使它成聖。
11Uzodzewo mudziyo wokushambidzira nechigadziko chawo, uutsaure.
12要把亞倫和他的眾子帶到會幕的門口來,用水給他們洗身。
12Zvino uswededze Aroni navanakomana vake kumukova wetende rokusangana, ugovashambidza nemvura.
13要把聖衣給亞倫穿上,又膏抹他,使他成聖,可以作我的祭司。
13Ipapo ufukidze Aroni nguvo tsvene, ugomuzodza nokumutsaura, kuti andishumire pabasa roupristi.
14你要把亞倫的兒子帶來,給他們穿上內袍。
14Uswededzewo vanakomana vake, ugovafukidza nguvo.
15要膏抹他們好像膏抹他們的父親一樣,使他們可以作祭司服事我;他們的膏抹使他們世世代代永遠當祭司之職。”
15Uvazodze, sezvawazodza baba vavo, kuti vandishumire pabasa roupristi; kuzodzwa kwavo kunofanira kuva kwavari upristi nokusingaperi, kusvikira kumarudzi avo ose.
16摩西就這樣作了;凡是耶和華吩咐他的,他都作了。
16Mozisi akaita saizvozvo; zvose zvaakanga arairwa naJehovha, wakazviita saizvozvo.
17第二年正月初一日,帳幕就豎立起來了。
17Tabhenakeri ikamiswa nomwedzi wokutanga wegore rechipiri nomusi wokutanga womwedzi.
18摩西豎立起帳幕,安上柱座,放上木板,安上橫閂,豎立柱子。
18Mozisi akamisa tabhenakeri, akaisa zvigadziko zvayo, akamisa mapuranga ayo, akaisa mbariro dzayo, nokumisa mbiru dzayo.
19把罩棚鋪在帳幕上面,又把罩棚的上蓋放在上面;都是照著耶和華吩咐摩西的。
19Akawarira tende pamusoro petabhenakeri, akaisa chifukidzo chetende pamusoro payo, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
20摩西拿了法版,放在櫃裡,把槓穿在櫃的兩旁,把施恩座安放在約櫃上面。
20Akatora chipupuriro, akachiisa muareka, akapinza matanda paareka, akaisa chifunhiro chokuyananisa pamusoro peareka;
21把約櫃抬進帳幕裡去,掛上遮蓋至聖所的幔子,把法櫃遮蓋著,是照著耶和華吩咐摩西的。
21akapi nza areka mutabhenakeri, akarembedza chidzitiro chokudzitira nacho, akadzitira areka yechipupuriro; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
22又把桌子安放在會幕裡,放在帳幕的北面,幔子的外面。
22Akaisa tafura mutende rokusangana, kurutivi rwetabhenakeri nechokumusoro, kunze kwechidzitiro.
23在桌子上把陳設餅擺在耶和華面前,都是照著耶和華吩咐摩西的。
23Akagadzirawo chingwa pamusoro payo pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
24摩西把燈臺設立在會幕裡,在帳幕的南面,與桌子相對。
24Akaisa chigadziko chemwenje mutende rokusangana, chakatarisana netafura, kurutivi rwetabhenakeri nechenyasi.
25在耶和華面前把燈盞點著,是照著耶和華吩咐摩西的。
25Akatungidza mwenje pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
26把金壇安設在會幕裡,幔子的前面;
26Akaisa aritari yendarama mutende rokusangana pamberi pechidzitiro;
27在壇上焚燒芬芳的香,是照著耶和華吩咐摩西的。
27akapisirapo zvinonhuhwira zvemiti yakanaka, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
28又掛上帳幕的門簾。
28Akagadzira zvirembedzwa zvomukova wetabhenakeri.
29把燔祭壇安放在會幕的帳幕門口,把燔祭和素祭獻在壇上;是照著耶和華吩咐摩西的。
29Akaisa aritari yezvipiriso zvinopiswa pamukova wetabhenakeri yetende rokusangana, akapisira pamusoro payo chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
30又把洗濯盆安放在會幕與祭壇之間,盆裡盛水,作洗濯之用;
30Akaisa mudziyo wokushambidzira pakati petende rokusangana nearitari, akaisa mukati mayo mvura yokushambidza nayo.
31摩西、亞倫和亞倫的兒子,可以在這盆裡洗手洗腳。
31Ipapo Mozisi naAroni navanakomana vake vakashamba maoko avo netsoka dzavopo;
32每逢他們走進會幕,或是走近祭壇的時候,就要先洗濯;是照著耶和華吩咐摩西的。
32pakupinda kwavo mutende rokusangana, napakuswedera kwavo kuaritari, vaishamba, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
33摩西在帳幕和祭壇的周圍,豎立起院子的幔幕,又掛上院子的門簾。這樣摩西就完成了工程。
33Akagadzirawo ruvanze rwaipoteredza tabhenakeri nearitari, akarembedza chidzitiro chesuwo roruvanze. Naizvozvo Mozisi akapedza basa rose.
34耶和華的榮光充滿會幕(民9:15~23)當時,有雲彩遮蓋會幕,耶和華的榮耀充滿了帳幕。
34Ipapo gore rakafukidza tende rokusangana, kubwinya kwaJehovha kukazadza tabhenakeri.
35摩西不能進入會幕,因為雲彩停在會幕上面,並且耶和華的榮耀充滿著帳幕。
35Mozisi akasagona kupinda mutende rokusangana, nekuti gore rakaramba rigere pamusoro paro uye kubwinya kwaJehovha kwakanga kwazadza tabhenakeri.
36在以色列人所有的旅程中是這樣的:每逢雲彩從帳幕收上去的時候,他們就起程;
36Zvino kana gore rokwidzwa richibva pamusoro petabhenakeri, vana vaIsiraeri vakapfuura vachifamba nzendo dzavo dzose.
37雲彩若是不收上去,他們就不起程,直到雲彩收上去的日子為止。
37Asi kana gore risina kukwidzwa, havana kufamba, kusvikira musi warinozokwidzwa.
38因為以色列人所有的旅程中,日間有耶和華的雲彩在帳幕上,夜間雲中有火,顯在以色列全家的眼前。
38nekuti gore raJehovha rakanga riri pamusoro petabhenakeri masikati, nomoto waiva mariri usiku, pamberi pavose veimba yaIsiraeri panzendo dzavo dzose.