聖經新譯本

Shona

Ezekiel

21

1耶和華的刀耶和華的話臨到我說:(本節在《馬索拉抄本》為21:6)
1Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
2“人子啊!你要面向耶路撒冷,向聖所發言,說預言攻擊以色列地,
2Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kurutivi rweJerusaremu, udonhedze shoko rako kurutivi rwenzvimbo tsvene, uporofite pamusoro penyika yaIsiraeri,
3你要對以色列地說:‘耶和華這樣說:看哪!我要攻擊你;我要拔刀出鞘,把義人和惡人都從你那裡剪除。
3uti kunyika yaIsiraeri, zvanzi naIshe Jehovha, Tarira, ndine mhaka newe, ndichavhomora munondo wangu mumuhara wawo, ndichaparadza pakati penyu vakarurama navakaipa.
4我既然要把義人和惡人都從你那裡剪除,所以我的刀必要出鞘,從南到北攻擊所有的人;
4Zvino zvandichaparadza pakati penyu vakarurama navakaipa, munondo wangu uchabuda mumuhara wawo kundorwa nevanhu vose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro;
5所有的人就知道我耶和華已經拔刀出鞘,刀必不再入鞘了。’
5vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha ndakavhomora munondo wangu mumuhara wawo; hauchazodzokeripozve.
6人子啊!至於你,你要歎息,在他們眼前彎著腰,苦苦歎息。
6Naizvozvo, gomera, iwe Mwanakomana womunhu, gomera pamberi pavo, chiuno chako chivhunike nokuchema kukuru kuvepo.
7他們如果問你:‘你為甚麼歎息呢?’你就要回答:‘是因為那將要來到的消息;人人都必心慌意亂,手都發軟,精神衰頹,他們的膝都像水一般的柔弱。看哪!它要來到了。這事一定要成就。這是主耶和華的宣告。’”
7Zvino kana vachiti kwauri, Unogomera neiko? Uti kwavari, Nemhaka yamashoko, nekuti anouya; moyo mumwe nomumwe uchanyauka, maoko ose achashayiwa simba, mweya mumwe nomumwe uchati rukutu, mabvi ose achashayiwa simba semvura; tarirai, anouya, achaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
8耶和華的話臨到我說:
8Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
9“人子啊!你要預言,說:‘主耶和華這樣說:有一把刀,有一把磨利了的刀,是擦亮了的刀;
9Mwanakomana womunhu, porofita, uti, zvanzi naJehovha, iti Munondo, munondo! Warodzwa, wabwinyiswa;
10磨利,是為要大行殺戮,擦亮,是為要閃爍發光!我們怎能快樂呢?我的兒子藐視管教的杖和一切勸告(“勸告”原文作“木頭”)。
10warodzwa, kuti uuraye, wabwinyiswa, kuti uve semheni; zvino isu tingagofara here? Itsvimbo yohushe yomwanakomana wangu, inozvidza miti yose.
11這刀已經交給人擦亮,可以握在手中使用;這刀已經磨利擦亮了,可以交在行殺戮的人手中。’
11Wakapiwa kuti ubwinyiswe, kuti ubatwe nawo; munondo warodzwa, zvirokwazvo wabwinyiswa, kuti uiswe muruoko rwomuurayi.
12人子啊!你要呼喊、哀號。因為這刀要臨到我的子民,以及以色列所有的領袖;他們與我的子民都要交在刀下;所以你要拍腿悲歎,
12Chema, uungudze, iwe Mwanakomana womunhu, nekuti iwe uri pamusoro pavanhu vangu, uri pamusoro pamachinda ose aIsiraeri, akaiswa kumunondo pamwechete navanhu vangu; naizvozvo uzvirove pahudyu.
13因為考驗必要來到,你為甚麼要藐視那管教的杖呢?這事必不得成功。這是主耶和華的宣告。
13nekuti kuidzwa kwavapo; zvino todiniko kana iwo munondo, unozvidza, waperawo? Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
14“人子啊!至於你,你要拍手說預言,要接二連三地使用這殺人的刀,就是導致極大死傷的刀,把它們圍困,
14Zvino Mwanakomana womunhu, porofita, rovanya maoko ako; munondo ngauwedzerwe kusvikira katatu, iwo munondo wavakakuvadzwa zvikuru; ndiwo munondo womukuru, wakakuvadzwa zvikuru, unovamanikidza.
15好使他們心慌意亂,多人跌倒,我在他們所有的城門那裡布下了殺戮(“殺戮”原文意思不詳,這譯法參古譯本)的人;啊!這刀做得閃爍發光,磨得尖利,可以殺戮。
15Ndakaisa munondo wakavhomorwa pamisuwo yavo yose, kuti moyo yavo inyauswe, nokugumburwa kwavo kuwande; aiwa! Wakaitwa semheni, wakatesvererwa kuuraya.
16刀啊,向右邊斬吧!向左邊刺吧!無論你面向哪一方,就向哪一方殺戮吧!
16Zvirongedze, iwe munondo, enda kurudyi, zvigadzire uende kuruboshwe, kose kunotarira mativi ako akarodzwa.
17我也要拍手,並且要使我的烈怒止息;這是我耶和華說的。”
17Neniwo ndicharovanya maoko angu, ndichanyaradza hasha dzangu; ini Jehovha, ndakazvitaura.
18巴比倫王的刀耶和華的話又臨到我說:
18Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
19“人子啊!至於你,你要定出兩條路,給巴比倫王的刀前來;這兩條路都從同一個地方出來;你要在通往城去的路口上做一個路標。
19Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, chizvitarira nzira mbiri, dzingauya nadzo munondo wamambo weBhabhironi idzedzo mbiri dzinofanira kubva kunyika imwe; zvino uveze ruoko, uruvezere pakuvamba kwenzira inoenda kuguta.
20你要定出一條路,使刀臨到亞捫的拉巴,又要定出另一條路,使刀臨到猶大,攻擊堅固城耶路撒冷。
20Utare nzira, ingauya nawo munondo, kusvikira Rabha ravana vaAmoni, naJudha mukati meJerusaremu rakakombwa norusvingo.
21因為巴比倫王站在分叉路口,在兩條路口上占卜、搖籤、求問神像,察看動物的肝。
21nekuti mambo weBhabhironi akanga amire pamharadzano dzenzira, pakuvamba kwenzira mbiri, kuti abvunze nokuuka, akachukucha miseve, akabvunza terafimi, ndokucherekedza chiropa.
22他右手中拿著耶路撒冷的籤,要在那裡架起攻城鎚,下令屠殺,揚聲吶喊;架起攻城鎚,攻打城門;築起土壘,建造圍城的高牆。
22Muruoko rwake rworudyi makanga mune zvakaukwa pamusoro peJerusaremu, kuti vaise zvokugumura, vashamise muromo unodanira kuuraya, vadanidzire kwazvo namanzwi, vaise zvokugumura pamasuwo, vatutire mirwi yokurwa, vavakire nhare dzokurwa.
23在那些曾經向巴比倫起誓效忠的猶大人看來,這是虛假的占卜,但巴比倫王要使他們想起自己的罪孽,把他們擄去。
23Asi zvichava kwavari sokuuka kwenhema pamberi pavo, ivo vakavapikira mhiko; asi iye acharangarira kusarurama kwavo, kuti vabatwe.
24因此,主耶和華這樣說:‘你們的過犯顯露,你們的罪在你們的一切行為上給人看見;以致你們的罪孽被想起。你們既被想起,就要被人用手擄去。
24Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvamakandiyeudzira zvakaipa zvenyu, kudarika kwenyu zvakwakafukurwa, zvivi zvenyu zvichionekwa pane zvose zvamunoita, zvamakarangarirwa, muchabatwa noruoko.
25你這該死、邪惡的以色列王啊!你的日子到了,最後懲罰的時刻到了。’
25Zvino iwe, iwe wakaipa, wakakuvadzwa zvikuru, muchinda waIsiraeri, wakasvikirwa nezuva rako panguva yezvakaipa zvokupedzisira,
26主耶和華這樣說:‘你當除去頭巾,脫下冠冕!現在情形不同了,卑微的要升高,位高的要降卑!
26zvanzi naIshe Jehovha, Ngowani yohupristi inofanira kubva, korona inofanira kubva, hazvingarambi zviripo; kwiridzai zviri pasi, muderedze zviri kumusoro.
27傾覆,傾覆,我要傾覆這國,這國不再存在,直等到那統治的人來到,我就把國賜給他。’
27Matongo, matongo, ndichazviita matongo, nezvizvi hazvingarambi zviripo, kusvikira iye mwene wazvo achisvika; ndichamupa iye izvo.
28懲罰亞捫人的刀“人子啊!你要說預言:論到亞捫人和他們的侮辱,主耶和華這樣說:‘你要說:有一把刀,有一把刀拔出來,是為要殺戮;擦亮,是為要毀滅,為要閃爍發光。
28Zvino iwe Mwanakomana womunhu, chiporofita, uti zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavana vaAmoni, pamusoro pokushorwa kwavo; iwe uti, Munondo, munondo wavhomorwa, wabwinyisirwa kuuraya, kuti upedze, uve semheni,
29人為你所見的異象是虛假的,為你所占的卜是虛謊的,使你倒在該死的惡人的頸項上;他們受懲罰的日子到了,最後懲罰的時刻到了。
29vachikuonera zvakaratidzwa zvenhema, vachikuvukira nhema, kuti uiswe pamitsipa yavakaipa vakakuvadzwa zvikuru, vasvikirwa nezuva ravo panguva yezvakaipa zvokupedzisira.
30收刀入鞘吧!我必在你被造之地,根源之處,審判你。
30Ngaudzoserwe mumuhara wawo. Apo pawakasikwa iwe, panyika yawakaberekerwa, ndipo pandichakutonga.
31我必把我的忿怒倒在你身上,把我的怒火噴在你身上,又把你交在那些慣於毀滅的野蠻人手中。
31Ndichadurura kutsamwa kwangu pamusoro pako, ndichafuridzira pamusoro pako nomoto wehasha dzangu, ndichakuisa mumaoko avanhu vanopenga, vanoziva kwazvo kuparadza.
32你必當作燃料被火焚燒;你的血要流在你的國中;你必不再被記念,因為這是我耶和華說的。’”
32Iwe uchava huni dzomoto; ropa rako richava pakati penyika; hauchazorangarirwi, nekuti ini Jehovha ndakazvitaura.