聖經新譯本

Shona

Genesis

11

1巴別塔事件那時,全世界只有一種語言,大家說同樣的話語。
1Zvino nyika yose yaiva yerurimi rwumwe neyeshoko rimwe.
2他們向東遷移的時候,在示拿地發現一塊平原,就住在那裡。
2Zvino zvakaitika vachifamba kubva kumabvazuva, kuti vakawana bani munyika yeShinari, ndokugarako.
3他們彼此說:“來,我們做磚,把磚燒透吧!”他們就把磚當作石頭,又把石漆當作灰泥。
3Ndokuti umwe neumwe kumuvakidzani wake: Uyai, ngatiite zvidhina, tizvipise zvikuru. Zvino zvidhina zvakava mabwe kwavari, netara ikava dope kwavari.
4他們又說:“來,我們建一座城,造一座塔,塔頂要通天。我們要為自己立名,免得分散在全地上。”
4Zvino vakati: Uyai, ngatizviva­kire guta neshongwe ine musoro uri­kudenga, uye ngatizviitirei zita, zvikasadaro tingapararira pamusoro pechiso chenyika yose.
5耶和華下來,要看看世人建造的城和塔。
5Zvino Jehovha wakaburuka kuzoona guta neshongwe, yakangi yava­kwa nevanakomana vevanhu.
6耶和華說:“看哪,他們同是一個民族,有一樣的語言,他們一開始就作這事,以後他們所要作的一切,就沒有可以攔阻他們的了。
6Jehovha ndokuti: Tarira, rudzi nderwumwe, uye vane rurimi rwumwe vose, zvino ndizvo zvavanotanga kuita; uye ikozvino hakuchina chi­nhu chavangada kuita chavangadziviswa.
7來,我們下去,在那裡混亂他們的語言,使他們聽不懂對方的話。”
7Uyai, ngatiburuke, tivhiringidze rurimi rwavo ipapo, kuti vasanzwa mutauro weumwe neumwe.
8於是,耶和華把他們從那裡分散到全地上,他們就停止建造那城。
8Naizvozvo Jehovha wakavaparadzira kubva ipapo pamusoro pechiso chenyika, vakamira kuvaka guta.
9因此,那城的名就叫巴別,因為耶和華在那裡混亂了全地所有的人的語言,又從那裡把他們分散在全地上。
9Naizvozvo va­katumidza zita raro kuti Bhabheri, nekuti ipapo Jeho­vha wakavhiringidza rurimi rwenyika yose; uye kubva ipapo Jehovha akavaparadzira pachiso chenyika yose.
10閃的後代(代上1:24~27)以下是閃的後代。洪水以後兩年,閃一百歲的時候,生了亞法撒。
10Awa marudzi aShemu. Shemu wakange ane makore zana, akabereka Aripakishadhi, makore maviri shure kwemafashame.
11閃生亞法撒以後,又活了五百年,並且生了其他的兒女。
11Shemu ndokurarama, shure kwekubereka Aripakishadhi, makore mazana mashanu; akabereka vanako­mana nevanasikana.
12亞法撒活到三十五歲,就生了沙拉。
12Aripakishadhi ndokurarama makore makumi matatu nemashanu, akabe­reka Shera.
13亞法撒生沙拉以後,又活了四百零三年,並且生了其他的兒女。
13Aripakishadhi ndokurarama, shure kwekubereka kwake Shera, makore mazana mana nematatu; akabereka vanakomana nevanasikana.
14沙拉活到三十歲,就生了希伯。
14Shera ndokurarama makore ma­kumi matatu, akabereka Ebheru.
15沙拉生希伯以後,又活了四百零三年,並且生了其他的兒女。
15Shera ndokurarama, shure kwekubereka kwake Ebheru, makore mazana mana nematatu; akabereka vanakomana nevanasikana.
16希伯活到三十四歲,就生了法勒。
16Ebheru ndokurarama makore ma­kumi matatu nemana, akabereka Peregi.
17希伯生法勒以後,又活了四百三十年,並且生了其他的兒女。
17Ebheru ndokurarama, shure kwekubereka kwake Peregi, makore mazana mana nemakumi matatu; akabereka vanakomana nevanasi­kana.
18法勒活到三十歲,就生了拉吳。
18Peregi ndokurarama makore ma­kumi matatu, akabereka Rehu.
19法勒生拉吳以後,又活了二百零九年,並且生了其他的兒女。
19Zvino Peregi wakararama, shure kwekubereka kwake Rehu, makore mazana maviri nemapfumbamwe; akabereka vanakomana nevanasikana.
20拉吳活到三十二歲,就生了西鹿。
20Rehu ndokurarama makore ma­kumi matatu nemaviri, akabereka Serugu.
21拉吳生西鹿以後,又活了二百零七年,並且生了其他的兒女。
21Zvino Rehu wakararama, shure kwekubereka kwake Serugu, makore mazana maviri nemanomwe; akabereka vanakomana nevanasikana.
22西鹿活到三十歲,就生了拿鶴。
22Serugu ndokurarama makore ma­kumi matatu, akabereka Nahori.
23西鹿生拿鶴以後,又活了二百年,並且生了其他的兒女。
23Zvino Serugu wakararama, shure kwekubereka kwake Nahori, makore mazana maviri, akabereka vanako­mana nevanasikana.
24拿鶴活到二十九歲,就生了他拉。
24Nahori ndokurarama makore ma­kumi maviri nemapfumbamwe, akabe­reka Tera.
25拿鶴生他拉以後,又活了一百一十九年,並且生了其他的兒女。
25Zvino Nahori wakararama, shure kwekubereka kwake Tera, makore zana negumi nemapfumbamwe, akabereka vanakomana nevanasikana.
26他拉活到七十歲,就生了亞伯蘭、拿鶴和哈蘭。
26Tera ndokurarama makore ma­kumi manomwe, akabereka Abhuramu, Nahori naHarani.
27他拉的後代以下是他拉的後代:他拉生亞伯蘭、拿鶴和哈蘭;哈蘭生羅得。
27Zvino izvi zvizvarwa zvaTera. Tera waka­bereka Abhuramu, Nahori naHarani; Harani ndokubereka Roti;
28哈蘭在他父親他拉之前,死在他出生之地,就是迦勒底的吾珥。
28Harani akafa, baba vake Tera vasati vafa, panyika yechiberekerwa chake, muUri yevaKara­dhea.
29亞伯蘭和拿鶴都娶了妻子;亞伯蘭的妻子名叫撒萊;拿鶴的妻子名叫密迦,是哈蘭的女兒;哈蘭是密迦和亦迦的父親。
29Zvino Abhuramu naNahori vakazvitorera vakadzi; zita remukadzi waAbhu­ramu raiva Sarai; uye zita remukadzi waNahori raiva Mirika, mukunda waHa­rani, baba vaMirika, nababa vaIsika.
30撒萊不能生育,沒有孩子。
30Asi Sarai waiva mhanje, wakange asina mwana.
31他拉帶著他的兒子亞伯蘭和他的孫子,就是哈蘭的兒子羅得,以及他的媳婦亞伯蘭的妻子撒萊,一同出了迦勒底的吾珥,要到迦南地去;他們到了哈蘭,就住在那裡。
31Zvino Tera wakatora Abhuramu mwanakomana wake, naRoti, mwanakomana waHarani, mwanako­mana wemwanakomana wake, naSarai, muroora wake, mukadzi waAbhuramu mwanakomana wake; vakabva Uri yevaKaradhea navo, kuenda kunyika yeKanani; vakasvika Harani, vakagarapo.
32他拉死在哈蘭;他的壽數共二百零五歲。
32Zvino mazuva aTera aiva makore mazana maviri nemashanu; Tera akafira Harani.