聖經新譯本

Shona

Genesis

17

1亞伯蘭改名亞伯拉罕亞伯蘭九十九歲的時候,耶和華向他顯現,對他說:“我是全能的 神,你要在我面前行事為人;你要作完全人。
1Zvino Abhuramu paakange ava nemakore makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe, Jehovha wakaonekera kuna Abhuramu, ndokuti kwaari: Ndini Mwari Wemasimbaose, famba pamberi pangu, uve wakarurama.
2我要與你立約,要使你的後裔人丁興旺。”
2Zvino ndichaita su­ngano yangu pakati pangu newe, ndigo­kuwanza zvikurusa.
3於是亞伯蘭俯伏在地, 神又告訴他,說:
3Abhuramu ndokuwa nechiso chake, Mwari ndokutaura naye, achiti:
4看哪,這就是我和你所立的約:你要作多國的父。
4Kana ndirini, tarira, sungano yangu inewe; uye uchava baba vendudzi zhinji-zhinji.
5你的名不要再叫亞伯蘭,要叫亞伯拉罕,因為我已經立了你作萬國的父。
5Nezita rako haricha­zonzi Abhuramu, asi zita rako richava Abhurahamu; nekuti ndakuita baba vechaunga chendudzi.
6我要使你極其昌盛,國度因你而立,君王必從你而出。
6Ndichakuitawo ubere­ke zvikuru; uye ndichakuita ndudzi, nemadzimambo achabuda kwauri.
7我要與你,和你世世代代的後裔,堅立我的約,成為永遠的約,使我作你和你的後裔的 神。
7Uye ndichasimbisa sungano yangu pa­kati pangu newe, nembeu yako inokute­vera pamazera ayo, kuti ive sungano isingaperi, kuti ndive Mwari kwauri nekumbeu yako inokutevera.
8我要把你現在寄居的地,就是迦南全地,賜給你和你的後裔,作永遠的產業,我也要作他們的 神。”
8Zvino ndichapa kwauri nekumbeu yako inokutevera nyika yauri mweni mairi, nyika yose yeKanani, ive yako nekusingaperi; uye ndichava Mwari wavo.
9約的證據──立割禮 神又對亞伯拉罕說:“你和你世世代代的後裔都要謹守我的約。
9Mwari akatiwo kuna Abhurahamu: Naizvozvo iwe uchachengeta sungano yangu, nembeu yako inokutevera pamazera ayo ose.
10我與你和你的後裔所立的這約,是你們應當謹守的,就是你們所有的男子,都要受割禮。
10Ndiyo sungano yangu, yamuchachengeta pakati pangu nemwi nembeu yako inokutevera; chirume chose pamuri chinofanira kudzingiswa.
11你們都要割去身上的包皮,這就是我與你們立約的記號了。
11Zvino muchadzingisa nyama yechikanda chenyu chepamberi; uye chichava chiratidzo chesungano pakati pangu nemwi.
12你們中間世世代代所有的男子,無論是在家裡生的,或是用銀子從不是屬你後裔的外族人買來的,生下來第八日都要受割禮。
12Uye mwanakomana wemazuva masere uchadzingiswa pakati penyu, chirume chose pamazera enyu, unozvarwa mumba, neunotengwa ne­mari kumutorwa upi neupi, usiri wembeu yako.
13在你家裡生的,和你用銀子買來的,都一定要受割禮。這樣,我的約就刻在你們身上,作永遠的約。
13Wakazvarwa mumba mako newakatengwa nemari yako unofanira kudzingiswa. Uye sungano yangu ichava pa­nyama yenyu, ive sungano yekusingaperi.
14但不受割禮的男子,就是沒有割去身上的包皮的,那人必從民中剪除,因為他違背了我的約。”
14Zvino chirume chisina kudzingiswa, chine nyama yechikanda chepamberi isina kudzingiswa, mweya uyo unofanira kugurwa kubva pavanhu vekwake, wadarika sungano yangu.
15撒萊改名撒拉 神又對亞伯拉罕說:“至於你的妻子撒萊,不要再叫她的名撒萊,要叫撒拉。
15Mwari ndokuti kuna Abhurahamu: Sarai mukadzi wako, usadana zita rake kuti Sarai, nekuti Sarai ndiro zita rake.
16我必賜福給她,也必使她為你生一個兒子;我要賜福給她,她也要作多國的母,萬族的君王必從她而出。”
16Zvino ndichamuropafadza, ndigokupawo mwanakomana kwaari; ndichamuropafadza agova ndudzi, madzimambo evanhu achabva maari.
17亞伯拉罕就俯伏在地,笑了起來,心裡說:“一百歲的人,還能生孩子嗎?撒拉已經九十歲了,還能生育嗎?”
17Abhurahamu ndokuwa nechiso chake, ndokuseka, ndokuti mumoyo make: Une makore zana ungaberekerwa here? Ko naSara wava nemakore makumi mapfumba­mwe achabereka here?
18亞伯拉罕對 神說:“願以實瑪利能在你面前活著!”
18Abhurahamu ndokuti kuna Mwari: Dai Ishimaeri achirarama pamberi penyu!
19應許生以撒 神說:“你的妻子撒拉,真的要為你生一個兒子,你要給他起名叫以撒,我要與他堅立我的約,作他後裔的永約。
19Zvino Mwari wakati kwaari: Kwete, Sara mukadzi wako uchakubere­kera mwanakomana; uye uchadana zita rake kuti Isaka; uye ndichamisa su­ngano yangu naye, ive sungano yekusingaperi pambeu yake inomutevera.
20至於以實瑪利,我也應允你。看哪,我已經賜福給他;我必使他昌盛,子孫極其眾多;他必生十二個族長;我也必使他成為大國。
20Kana zviri zvaIshimaeri, ndakunzwawo; tarira, ndamuropafadza, uye ndichamuita abereke, nekumuwanza zvikurusa; uchabereka madzishe gumi nemaviri, uye ndichamuita rudzi rukuru.
21但我的約是要和以撒堅立的。這以撒,就是明年這時候,撒拉要為你生的。”
21Asi sungano yangu ndichaimisa naIsaka, Sara waachakuberekera nenguva ino ma­kei.
22首次受割禮 神和亞伯拉罕說完了話,就離開他上升去了。
22Zvino wakapedza kutaura naye, Mwari ndokukwira achibva kuna Abhurahamu.
23就在那一天,亞伯拉罕照著 神吩咐他的,給他兒子以實瑪利,和他家裡所有的男子,無論是在家裡生的,或是用銀子買來的,都割去了他們身上的包皮。
23Abhurahamu ndokutora Ishimaeri mwanakomana wake nevose vaka­zvarwa mumba make, nevose vakatengwa nemari yake, chirume chose pakati peveimba yaAbhurahamu, akadzingisa zvikanda zvavo zvepamberi nemusi iwoyo, Mwari sezvaataura kwaari.
24亞伯拉罕九十九歲的時候,割去了他身上的包皮。
24Zvino Abhurahamu waiva nemakore makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe paakadzingiswa panyama yechikanda chepamberi yake.
25他的兒子以實瑪利十三歲的時候,割去了他身上的包皮。
25Nalshimaeri, mwanakomana wake waiva nemakore gumi nematatu paakadzingiswa nyama yechikanda chepamberi yake.
26就在那一天,亞伯拉罕和他的兒子以實瑪利,都受了割禮。
26Nemusi iwoyo Abhurahamu wakadzingiswa pamwe­ naIshimaeri mwanakomana wake.
27亞伯拉罕家裡所有的男人,無論是在家裡生的,或是用銀子從外族人買來的,都與他一同受了割禮。
27Nevarume vose veimba yake, vakazvarirwa mumba nevakatengwa nemari kumutorwa, vakadzingiswa pamwe naye.