聖經新譯本

Shona

Genesis

20

1亞伯拉罕與亞比米勒亞伯拉罕從那裡遷到南地,就住在加低斯和書珥中間。亞伯拉罕寄居在基拉耳的時候,
1Zvino Abhurahamu wakabvapo akananga kunyika yekuchamhembe, ­ndokugara pakati peKadheshi neShuri, akava mutorwa muGerari.
2曾經提到他的妻子撒拉說:“她是我的妹妹。”於是基拉耳王亞比米勒派人來把撒拉取了去。
2Abhurahamu ndokuti maererano naSara mukadzi wake: Ihanzvadzi yangu. Zvino Abhimereki ma­mbo weGerari akatuma, ndokutora Sara.
3當夜, 神在夢中來到亞比米勒那裡,對他說:“你該死,因為你接來的那女人,是個有夫之婦。”
3Asi Mwari wakauya kuna Abhimereki muchiroto usiku, ndokuti kwaari: Tarira, wakafa nekuda kwemukadzi wa­watora; nekuti wakawanikwa kumurume.
4亞比米勒還沒有親近撒拉,所以他說:“我主啊,連正義的人你也要殺害嗎?
4Asi Abhimereki wakange asina kuswedera kwaari. Naizvozvo wakati: Ishe, muchaurayawo rudzi rwakarurama here?
5那人豈不是對我說:‘她是我的妹妹’嗎?就是那女人自己也說:‘他是我的哥哥’。我作這事,是手潔心清的。”
5Haana here kuti kwandiri: Iha­nzvadzi yangu? Naiye amene haana here kuti: Ihanzvadzi yangu, here? Ndakaita izvozvo pakururama kwemoyo wangu, nepakuchena kwemaoko angu.
6 神在夢中對他說:“我也知道你作這事,是問心無愧的,所以我也阻止你,免得你得罪我。因此我不容許你接觸她。
6Mwari ndokuti kwaari muchiroto: Hongu, ndinoziva kuti wa­kaita ichi pakururama kwemoyo wako; neniwo ndikakudzivisa kuti urege kundita­dzira; naizvozvo handina kukutendera kumubata.
7現在你要把那人的妻子還給他,因為他是先知,他要為你禱告,你才可以存活。你若不還給他,你當知道,你和所有屬你的,都死定了。”
7Naizvozvo zvino dzosera mukadzi wemurume, nekuti muporofita; zvino uchakunyengeterera ugorarama; asi kana ukasamudzosera, ziva kuti uchafa zviro­kwazvo, iwe nevose vako.
8亞比米勒清早起來,召了他的眾臣僕來,把這一切都說給他們聽,以致他們都很懼怕。
8Abhimereki ndokumuka mangwanani-ngwanani, ndokudana varanda vake vose, akataura mashoko awa ose munzeve dzavo; varume ndokutya zvikuru.
9亞比米勒把亞伯拉罕召了來,對他說:“你為甚麼向我們這樣行呢?我在甚麼事上得罪了你,以致你給我和我的國帶來這個大罪呢?你對我作了不應該作的事。”
9Abhimereki ndokudana Abhurahamu ndokuti kwaari: Chii chawaita kwatiri? Uye chii chandakutadzira, kuti uuise pamusoro pangu nepamusoro peu­she hwangu chivi chikuru? Waita kwandiri chisingafaniri kuitwa.
10亞比米勒又對亞伯拉罕說:“你為了甚麼緣故要這樣作呢?”
10Abhimereki ndokuti kuna Abhurahamu: Wanga uchiti kudii, zvawaita chinhu ichi?
11亞伯拉罕回答:“因為我以為這地方必定沒有敬畏 神的人,他們會因我妻子的緣故殺我。
11Abhurahamu ndokuti: Nekuti nda­kafunga kuti: Zvirokwazvo kutya Mwari hakumo mu­nzvimbo ino; uye vachandiuraya nekuda kwemukadzi wangu.
12何況她也實在是我的妹妹;她原是我同父異母的妹妹,後來作了我的妻子。
12Uyezve, zvirokwazvo ihanzvadzi yangu, mukunda wababa vangu, asi haazi mukunda wamai vangu; akazova mukadzi wangu.
13 神叫我離開我父家,在外飄流的時候,我對她說:‘我們無論到甚麼地方去,你都要對人說:“他是我的哥哥。”這就是你待我的恩情了。’”
13Zvino zvakaitika Mwari paakandidzungaidza kubva paimba ya­baba vangu, kuti ndakati kwaari: Hewu moyo wakanaka wau­nofanira kundiitira, panzvimbo dzose patichasvika, uti pamusoro pangu: Ihanzvadzi yangu.
14亞比米勒取了些牛羊、僕婢,送給亞伯拉罕,又把亞伯拉罕的妻子撒拉還給他。
14Abhimereki ndokutora makwai ne­mombe nevaranda nevarandakadzi, ndokupa kuna Abhurahamu, ndokumudzosera Sara mukadzi wake.
15亞比米勒說:“看哪,我的國土都在你面前,你喜歡哪裡,就住在哪裡吧。”
15Zvino Abhime­reki wakati: Tarira, nyika yangu iri pa­mberi pako; gara pakanakira meso ako.
16他又對撒拉說:“看哪,我給了你哥哥一千銀子,作你在全家人面前的遮羞錢。這樣,你在眾人面前就算清白了。”
16Nekuna Sara wakati: Tarira, ndapa hanzvadzi yako makobiri esirivha ane chiuru che­zana; tarira, chifukidziro chemeso ako kune vose vanewe; nevose, saizvozvo wakadzorwa.
17亞伯拉罕禱告 神, 神就醫好了亞比米勒和他的妻子,以及他的眾婢女,使她們能生育。
17Zvino Abhurahamu wakanyengetera kuna Mwari; Mwari ndokuporesa Abhimereki ne­mukadzi wake nevarandakadzi vake kuti vabereke.
18因為耶和華為了亞伯拉罕妻子撒拉的緣故,曾經使亞比米勒家中所有的婦女,都不能生育。
18Nekuti Jehovha wakange avhara zvizvaro zvose zveveimba yaAbhi­mereki nekuda kwaSara mukadzi waAbhurahamu.