聖經新譯本

Shona

Genesis

25

1亞伯拉罕娶基土拉(代上1:32~33)亞伯拉罕又娶了一個妻子,名叫基土拉。
1Zvino Abhurahamu wakawanazve mukadzi, uye zita rake raiva Ke­tura.
2基土拉給他生了心蘭、約珊、米但、米甸、伊施巴和書亞。
2Ndokumuberekera Zimurami naJokishani naMedhani, naMidhiani, naIshibhaki, naShua.
3約珊生了示巴和底但,而底但的子孫是亞書利人、利都示人和利烏米人。
3Jokishani ndokubereka Shebha naDhedhani. Zvino vanakomana vaDhedhani vaiva vaAshuri nevaRetushi nevaReumi.
4米甸的兒子是以法、以弗、哈諾、亞比大和以勒大。這些人都是基土拉的子孫。
4Zvino vanakomana vaMidhiani vaiva Efa naEferi naHanoki naAbhidha naEridha. Ava vose vaiva vana vaKetura.
5亞伯拉罕把自己一切所有的都給了以撒。
5Abhurahamu ndokupa Isaka zvose zvaaiva nazvo.
6亞伯拉罕把禮物分給他庶出的眾子,在自己還活著的時候,就打發他們離開他的兒子以撒,向東面行,往東方的地去。
6Asi kuvanakomana ve­varongo Abhurahamu vaaiva navo, Abhurahamu wakapa zvipo; akavabvisa pana Isaka mwanakomana wake, iye achiri mupenyu, akavatuma kumabvazuva kunyika yekumabvazuva.
7亞伯拉罕逝世亞伯拉罕一生的年日是一百七十五歲。
7Zvino awa mazuva emakore eupenyu hwaAbhurahamu aakararama, makore zana nemakumi manomwe nemashanu.
8亞伯拉罕壽高年老,享盡天年,氣絕而死,歸到他的先人那裡去了。
8Abhu­rahamu ndokupera, akafa pakukwegura kwakanaka, achembera agutsikana, akaunganidzwa pandudzi dzekwake.
9他的兒子以撒和以實瑪利把他埋葬在麥比拉洞裡。這洞是在幔利前面,赫人瑣轄的兒子以弗崙的田間,
9Zvino Isaka naIshimaeri vanako­mana vake vakamuviga mubako reMakapera, mumunda waEfuroni mwanakomana waZohari muHeti, wa­katarisana neMamure,
10就是亞伯拉罕從赫人那裡買來的那塊田。亞伯拉罕和他的妻子撒拉都埋葬在那裡。
10munda Abhurahamu waakatenga kuvanakomana vaHeti; ndipo Abhura­hamu paakavigwa pamwe naSara mukadzi wake.
11亞伯拉罕死後, 神賜福給他的兒子以撒;那時,以撒住在庇耳.拉海.萊附近。
11Zvino zvikaitika shure kwekufa kwaAbhurahamu, kuti Mwari wakaropa­fadza Isaka mwanakomana wake; Isaka ndokugara patsime reRahai-Royi.
12以實瑪利的後代(代上1:28~31)以下是撒拉的婢女埃及人夏甲,給亞伯拉罕所生的兒子以實瑪利的後代。
12Zvino awa mazera alshimaeri mwa­nakomana waAbhurahamu, Hagari muEgipita, murandakadzi waSara, waakaberekera Abhurahamu.
13以實瑪利的眾子,按著他們的家譜,名字如下:以實瑪利的長子是尼拜約,其次是基達、押德別、米比衫、
13Uye awa mazita evanakomana vaIshimaeri nemazita avo zvichienderana nemazera avo; dangwe raIshimaeri raiva Nebhayoti, naKe­dhari naAdhibheri naMibhisami
14米施瑪、度瑪、瑪撒、
14naMi­shima naDhurina naMasa,
15哈達、提瑪、伊突、拿非施和基底瑪。
15naHadhadhi naTema, Jeturi, Nafishi, naKedhema;
16這些都是以實瑪利的兒子。他們的村莊和營地都按著他們的名字命名;他們作了十二族的族長。
16ava vanakomana vaIshimaeri, uye awa mazita avo nemisha yavo uye nematende avo; machinda gumi nemaviri zvichienderana nendu­dzi dzavo.
17以實瑪利一生的歲數,是一百三十七歲;他氣絕而死,歸到他的先人那裡去了。
17Uye awa makore eupenyu hwaIshimaeri, makore zana nemakumi matatu nemanomwe; akapera, akafa, akaunganidzwa pandudzi dzekwake.
18他的子孫住在哈腓拉直到埃及東面的書珥,通往亞述的道上。以實瑪利卻住在自己眾兄弟的東面。
18Zvino vakagara kubva paHavhira kusvi­kira paShuri nemberi kweEgipita, uchienda Asiria; akagara pamberi pechiso chehama dzake dzose.
19以撒的後代以下是亞伯拉罕的兒子以撒的後代。亞伯拉罕生以撒。
19Zvino awa mazera alsaka mwanako­mana waAbhurahamu; Abhurahamu waka­bereka Isaka.
20以撒娶利百加為妻的時候,正四十歲。利百加是巴旦.亞蘭地、亞蘭人彼土利的女兒,是亞蘭人拉班的妹妹。
20Zvino Isaka wakange ane makore makumi mana pakuwana kwake Rabheka, mukunda waBhetueri, muSiriya, wePadhani-Aramu, hanzvadzi yaRa­bhani muSiriya, kuti ave mukadzi wake.
21以撒因為自己的妻子不生育,就為她懇求耶和華。耶和華應允了他,他的妻子利百加就懷了孕。
21Zvino Isaka wakanyengeterera muka­dzi wake kuna Jehovha, nekuti wakange ari mhanje; Jehovha akanye­ngetereka naye, Rabheka mukadzi wake ndokuva nemimba.
22雙胎在她腹中彼此碰撞,她就說:“若是這樣,我為甚麼活著呢?”她就去求問耶和華。
22Zvino vana vakapipiridzana mukati make, iye ndokuti: Kana zvaka­daro, sei ndakadai? Ndokunobvunza Jehovha.
23耶和華回答她:“兩國在你肚裡,兩族從你腹中要分出來;將來這族必強過那族,大的要服事小的。”
23Jehovha ndokuti kwaari: Ndudzi mbiri dziri muchizvaro chako, ndudzi mbiri dzichaparadzana dzichibva muura hwako. Zvino rudzi rwuchasimba pane rwumwe rudzi, uye mukuru achashumira muduku.
24到了生產的時候,她肚腹中果然是一對雙生子。
24Zvino mazuva ake ekubereka akati azadziswa, tarira, mapatya muchizvaro chake.
25先出來的,全身赤紅有毛,像毛衣一樣,他們就給他起名叫以掃。
25Wekutanga akabuda ari mutsvuku, wose akaita senguvo ine mvere; vakatumidza zita rake Esau.
26隨後,他的弟弟也出來了,他的手抓住以掃的腳跟,因此就給他起名叫雅各。利百加生下兩個兒子的時候,以撒年正六十歲。
26Zvino pa­shure munin'ina wake wakabuda, uye ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau; ndokutumidza zita rake Jakove. Zvino Isaka waiva nemakore makumi matanhatu pakuberekwa kwavo.
27以掃出賣長子名分兩個孩子漸漸長大;以掃善於打獵,喜歡生活在田野;雅各為人安靜,常常住在帳棚裡。
27Vakomana ndoku­kura; Esau ndokuva mudzimba wakachenjera, murume wesango; uye Jakove murume wakarurama, achigara mumatende.
28以撒愛以掃,因為他常吃以掃的野味;利百加卻愛雅各。
28Isaka ndokuda Esau, nekuti waidya nyama yemhuka, asi Rabheka waida Jakove.
29有一次,雅各正在煮豆湯的時候,以掃從田野回來,疲乏得很。
29Zvino Jakove wakange abika rupiza, Esau ndokusvika achibva kusango oziya;
30以掃對雅各說:“求你把這紅豆湯給我喝吧,因為我疲乏得很。”因此,以掃的名字又叫以東。
30Esau ndokuti kuna Jakove: Dondiregawo ndiminye zvitsvuku izvo zvakatsvuka, nekuti ndoziya. Naizvozvo wakatumidzwa zita rinonzi Edhomu.
31雅各說:“你要先把你的長子名分賣給我。”
31Jakove ndokuti: Nditengesere nhasi udangwe hwako.
32以掃說:“我快要死了,這長子名分對我有甚麼益處呢?”
32Esau ndokuti: Tarira, ndodofa, zvino udangwe uchandibatsirei?
33雅各說:“你先向我起誓吧。”以掃就向他起了誓,把自己的長子名分賣給雅各。
33Jakove ndokuti: Ndipikire nhasi. Iye ndokupika kwaari, ndokutengesa udangwe hwake kuna Jako­bho.
34於是,雅各把餅和紅豆湯給了以掃;以掃吃了,喝了,就起來走了。以掃就這樣輕看了他的長子名分。
34Jakove ndokupa Esau chingwa nerupiza; iye ndokudya nekumwa, ndokusimuka ndokuenda; Esau ndokuzvidza udangwe hwake saizvozvi.