聖經新譯本

Shona

Genesis

32

1雅各作好準備與以掃相見雅各繼續他的路程, 神的眾使者遇見他。(本節在《馬索拉抄本》為32:2)
1Zvino Jakove akaenda nenzira yake, vatumwa vaMwari ndoku­sangana naye.
2雅各看見他們,就說:“這是 神的軍隊。”於是給那地方起名叫瑪哈念。
2Zvino Jakove paakavaona wakati: Iyi ihondo yaMwari. Ndokutumidza zita renzvimbo iyo kuti Mahanaimi.
3雅各先派使者到西珥地,就是以東的地區,他的哥哥以掃那裡去,
3Zvino Jakove wakatuma nhume mberi kwake kuna Esau mukoma wake, kunyika yeSeiri, nyika yekwaEdhomu.
4吩咐他們說:“你們要對我主以掃這樣說:‘你的僕人雅各這樣說:我在拉班那裡寄居,一直到現在。
4Ndokuvaraira achiti: Mutaure seizvi kuna ishe wangu Esau: Ndizvo zvinotaura muranda wenyu Jakove: NaRabhani ndanga ndichigara semutorwa, ndikarivara kusvikira ikozvino;
5我擁有牛、驢、羊群、僕婢,現在派人來報告我主,希望得到你的歡心。’”
5uye ndine mombe nemadhongi, makwai, nevaranda nevarandakadzi; ndatumira kuzokumikidza kuna ishe wangu izvozvi, kuti ndiwane nyasha pameso enyu.
6使者回到雅各那裡說:“我們到了你哥哥以掃那裡,他帶著四百人,正迎著你來。”
6Zvino nhume dzakadzoka kuna Jako­bho dzichiti: Takasvika kumukoma wenyu Esau; naiye unouya kuzokuchingamidzai nevarume mazana mana.
7雅各感到非常懼怕和焦慮,就把隨行的人、羊群、牛群和駱駝,分成兩隊,
7Jakove ndokutya zvikuru, akatambu­dzika. Zvino wakaparadzanisa vanhu vaiva naye nemakwai nemombe nemaka­mera, kuita mapoka maviri;
8心裡想:“即使以掃來擊殺這一隊,餘下的一隊還可以逃脫。”
8nekuti wakati: Kana Esau akasvika kune rimwe boka akarirova, boka rakasara richapukunyuka.
9雅各說:“耶和華,我祖亞伯拉罕的 神,我父以撒的 神啊,你曾經對我說過:‘回到你自己的故鄉,到你的親族那裡去,我必厚待你。’
9Zvino Jakove wakati: Mwari wababa vangu Abhurahamu, naMwari wababa vangu Isaka, Jehovha makati kwandiri: Dzokera kunyika yekwako nekuhama dzako, ndigokuitira zvakanaka;
10你向你僕人所施的一切慈愛和信實,我實在不配得。從前我只拿著我的手杖過這約旦河;現在我卻擁有這兩隊人馬了。
10handina kufanira nyasha dzenyu dzose nekutendeka kwe­nyu kose kwamakaitira muranda we­nyu; nekuti ndakayambuka Joridhani urwu netsvimbo yangu; zvino ndava mapoka maviri.
11求你救我脫離我哥哥以掃的手,因為我怕他來擊殺我,連母親和孩子也擊殺了。
11Dondinunurai paruoko rwemukoma wangu, paruoko rwaEsau; nekuti ndinomutya, zvimwe asvike andirove, amai pamwe nevana.
12你曾經說過:‘我必厚待你,使你的後裔好像海邊的沙一樣,多到不可勝數。’”
12Uye imwi makati: Zvirokwazvo ndichakuitira zvakanaka, nekuita mbeu yako sejecha regungwa risingagoni kuverengwa nekuwa­nda.
13那天晚上,雅各在那裡過夜。然後從他所擁有的牲畜中,取出一部分,作為給他哥哥以掃的禮物,
13Zvino wakavatapo usiku ihwohwo; aka­tora pane zvakasvika muruoko rwake, chipo chaEsau mukoma wake,
14就是母山羊二百隻、公山羊二十隻、母綿羊二百隻、公綿羊二十隻、
14Nhunzvi dzembudzi ma­zana maviri nenhongo makumi maviri, nenhunzvi dzemakwai mazana maviri nemakondohwe makumi ma­viri,
15哺乳的母駱駝三十匹,各帶著駒子,母牛四十頭、公牛十頭、母驢二十頭、公驢十頭。
15makamera anoyamwisa ma­kumi matatu nemhuru dzawo, mhou makumi mana, nehando gumi, makadzi embo­ngoro makumi maviri, nemadhongwana gumi.
16雅各把這些分成一隊一隊,交在僕人的手裡,又對僕人說:“你們先過去,每隊之間要留一段距離。”
16Zvino wakazvipa mumaoko evara­nda vake boka rimwe nerimwe riri roga, ndokuti kuvaranda vake: Yambukai mberi kwangu, musiye chinhambwe pakati peboka neboka.
17他又吩咐走在最前的僕人說:“我哥哥以掃遇見你的時候,如果問你:‘你的主人是誰?你要到哪裡去?在你前面的這些牲畜是誰的?’
17Zvino wakaraira we­kutanga achiti: Kana Esau mukoma wangu, akasangana newe, ndokukubvunza achiti: Uri waani? Uye unoende­pi? Uye ndezvani zviri pamberi pako?
18你就要回答:‘是你僕人雅各的,是送給我主以掃的禮物,他自己也在我們後面。’”
18Ugoti: Ndezvemuranda wenyu Jakove, chipo chakatumirwa ishe wa­ngu Esau; tarirai, naiyewo amene uri kumashure kwedu;
19他又吩咐第二個、第三個和所有跟在隊伍後面的人說:“你們遇見以掃的時候,都要這樣對他說。
19ndokuraira newechipiri ne­wechitatu nevose vaitevera mapoka achiti: Kana mukamuwana Esau, nenzira iyi mutaure kwaari;
20你們還要說:‘你的僕人雅各在我們後面。’”因為他心裡想:“我先送禮物去,藉此與他和解,然後再與他見面,或者他會原諒我。”
20mutiwo: Tarirai, muranda wenyu Jakove uri mumashure medu. Nekuti akati: Ndichambomunyaradza nechipo chinofamba mberi kwangu, uye mumashure ndichaona chiso chake; zvimwe achagamuchira chiso changu.
21於是禮物先過去了;那天晚上雅各在營中過夜。
21Naizvozvo chipo chakayambuka mberi kwake; asi iye wakarara usiku ihwohwo mumisasa.
22雅各那夜起來,帶著他的兩個妻子、兩個婢女和十一個孩子,都過了雅博渡口。
22Zvino akamuka usiku ihwohwo, akatora vakadzi vake vaviri nevarandaka­dzi vake vaviri, navana vake vane gumi nomumwe, akayambuka zambuko reJakove.
23雅各與天使摔角他帶著他們,先打發他們過河,然後又打發他所有的都過去。
23Akavatora, akavayambutsa parukova, akayambutsawo zvaakanga anazvo.
24只留下雅各一人,有一個人來與他摔角,直到天快亮的時候。
24Jakove ndokusiiwa oga; zvino murume wakatsutsurudzana naye kusvikira utonga huchitsvuka.
25那人見自己不能勝過他,就在他的大腿窩上打了一下。於是,雅各與那人摔角的時候,大腿窩脫了節。
25Asi aona kuti haagoni kumukunda, wakabata pamhango yehudyu, hudyu ikasvogodoka achitsutsurudzana naye.
26那人說:“天快亮了,讓我走吧。”雅各說:“如果你不給我祝福,我就不讓你走。”
26Zvino akati: Ndirege ndiende nekuti utonga hwatsvuka. asi wakati: Handingakuregei muchienda musati mandiropafadza.
27雅各獲勝之後改名以色列那人問他:“你叫甚麼名字?”他回答:“雅各。”
27Zvino akati: Zita rako ndiani? Ndokuti: Jako­bho.
28那人說:“你的名字不要再叫雅各,要叫以色列,因為你與 神與人較力,都得了勝。”
28Akati, Zita rako harichazonzi Jakove, asi Isiraeri, nekuti wakarwa naMwari nevanhu, ukakunda.
29雅各問他,說:“請把你的名告訴我。”那人回答:“為甚麼問我的名呢?”他就在那裡給雅各祝福。
29Jako­bho ndokubvunza akati: Ndiudzeiwo zita renyu. Iye ndokuti: Sei uchibvunza zita rangu? Akamuropafadza ipapo.
30於是,雅各給那地方起名叫毗努伊勒,意思說:“我面對面看見了 神,我的性命仍得保全。”
30Zvino Jakove wakatumidza zita renzvi­mbo iyo kuti Penieri; nekuti wakati: Ndaona Mwari chiso nachiso, uye upenyu hwangu hwaponeswa.
31雅各經過毗努伊勒的時候,太陽剛剛出來,照在他身上。他因為大腿的傷,跛腳行走。
31Zvino zuva raka­mubudira opfuura paPenieri; akaka­mhina pahudyu yake.
32因此,以色列人直到現在都不吃大腿窩上的筋,因為那人在雅各的大腿窩上的筋打了一下。
32Naizvozvo vana vaIsiraeri havadyi runda rwehudyu riri pamhango yehudyu kusvikira zuva ranhasi; nekuti akabata mhango yehudyu yaJakove parunda rehudyu.