聖經新譯本

Shona

Haggai

2

1新殿的榮耀勝過前殿七月二十一日,耶和華的話臨到哈該先知說:
1Nomwedzi wechinomwe, nezuva ramakumi maviri nerimwe romwedzi, shoko raJehovha rakasvika nomuporofita Hagai, richiti,
2“你要對撒拉鐵的兒子猶大省長所羅巴伯,和約撒答的兒子大祭司約書亞,以及所有餘剩的子民,說:
2Zvino chitaura naZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, naJoshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, navanhu vose vakasara, uti,
3‘你們中間剩下的人,有誰見過這殿宇從前的榮耀呢?現在你們又看它怎樣?豈不是視如無物一樣嗎?’”
3Ndiani wakasara pakati penyu, wakadeya kuona imba ino pakubwinya kwayo kokutanga? Zvino munoiona yakadiniko? Pakuona kwenyu haina kuita sapasina here?
4耶和華說:“所羅巴伯啊!現在你要剛強。”耶和華說:“約撒答的兒子大祭司約書亞啊!你要剛強;這地的一切子民啊!你們也要剛強,並且要作工。”萬軍之耶和華說:“因為我與你們同在。
4Asi zvino chiva nesimba, iwe Zerubhabheri ndizvo zvinotaura Jehovha; newe Joshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, iva nesimba; nemwi vanhu vose venyika, ivai nesimba, mubate ndizvo zvinotaura Jehovha; nekuti ndinemwi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
5這就是你們從埃及出來的時候,我與你們立約的話。現在我的靈住在你們中間;你們不要懼怕。”
5Ndiro shoko resungano yandakaita nemi, nguva yamakabuda Egipita, mweya wangu uchigere pakati penyu; regai kutya.
6因為萬軍之耶和華這樣說:“再過不多的時候,我要震動天、地、海洋和旱地。”
6nekuti zvanzi naJehovha wehondo, Kamwe chete, kwasara chinguva chiduku, ndichazunungusa denga rose, nenyika negungwa, nenyika yakaoma;
7萬軍之耶和華說:“我要震動萬國,萬國的珍寶就必運來;我要使這殿宇充滿榮耀。”
7ndichazunungusa ndudzi dzose; zvose zvinodikamwa nendudzi dzose zvichauya; ndichazadza imba ino nokubwinya, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
8萬軍之耶和華說:“銀子是我的,金子也是我的。”
8Sirivha ndeyangu, nendarama ndeyangu ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
9萬軍之耶和華說:“這殿宇後來的榮耀,必大過先前的榮耀。”萬軍之耶和華說:“在這地方,我必賜下平安。”
9Kubwinya kokupedzisira kweimba ino kuchapfuura kokutanga ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; panzvimbo ino ndichapa rugare ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
10指出人民的惡行大利烏王第二年九月二十四日,耶和華的話臨到哈該先知說:
10Nezuva ramakumi maviri namana romwedzi wepfumbamwe, negore rechipiri raDhariusi, shoko raJehovha rakasvika nomuporofita Hagai, richiti,
11“萬軍之耶和華這樣說:你要向祭司詢問有關律法的事說:
11Zvanzi naJehovha wehondo, Chibvunza vapristi pamusoro pomuriro, uti,
12人若用自己的衣襟盛載聖肉,後來又使自己的衣襟觸著餅、湯、酒、油或別的食物,這就算為聖嗎?”祭司都回答說:“不算為聖。”
12Kana munhu achitakura nyama tsvene mumupendero wenguwo yake, akagunzva nomupendero chingwa, kana zvakabikwa, kana waini, kana mafuta, kana zvokudya zvipi nezvipi, ko zvava zvitsvene here? Vapristi vakapindura, vakati, Kwete.
13哈該又說:“人若因觸著屍體而成為不潔,又觸著這些東西的任何一樣,這就算為不潔嗎?”祭司都回答說:“要算為不潔淨。”
13Ipapo Hagai akati, Kana munhu, wakasvibiswa nemhaka yokubata chitunha, akagunzva chinhu chimwe chaizvozvi, ko chasvibiswa here? Vapristi vakapindura, vakati, Chasvibiswa.
14於是哈該回答,說:“耶和華說:‘這民也是這樣,這國在我面前也是這樣;他們手裡的一切工作,都是這樣;他們在那裡所獻的,都是不潔淨的。’
14Ipapo Hagai akapindura, akati, Ndizvo zvakaita vanhu ava norudzi urwu pamberi pangu ndizvo zvinotaura Jehovha; ndizvo zvakaita zvose zvavanoita namaoko avo, uye zvavanobayirapo zvakasvibiswa.
15耶和華應許賜福“現在你們要反省,從今日起回想過往,就是在耶和華的殿還沒有一塊石頭疊在另一塊石頭上面以前,
15Zvino fungai henyu kubva pazuva ranhasi muchidzokera shure, ibwe rimwe richigere kuiswa pamusoro pebwe muTemberi yaJehovha.
16那時你們怎樣呢?有人到穀堆來,想得兩百公斤穀,卻只得一百公斤;有人到榨酒池去,想從酒槽得一百公升酒,卻只得四十公升。
16Nenguva iyo yose kana munhu achinge asvika pamurwi wezviyo zvezviyero zvina makumi maviri, zvaingovapo zvine gumi; kana munhu akasvika pachisviniro chewaini achiti ndinochera hari dzina makumi mashanu, dzaingovapo dzina makumi maviri.
17耶和華說:‘我用旱風、霉爛和冰雹擊打你們,和你們手裡的一切工作,你們還是不歸向我。
17Ndakakurovai nenyunje nokuvhuvha nechimvuramabwe pamabasa ose amaoko enyu; asi hamuna kutendeukira kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha.
18你們要反省,從今日起回想過往,就是自九月二十四日起,從耶和華殿的奠基日開始,你們要反省:
18Chifungai henyu kubva pazuva ranhasi muchienda mberi, kubva pazuva remakumi maviri namana romwedzi wepfumbamwe, kubva pazuva rakateyiwa nheyo dzeTemberi yaJehovha, fungai izvozvo.
19倉裡還有種子嗎?葡萄樹、無花果樹、石榴樹和橄欖樹,豈是還沒有結果子嗎?從今日起,我必賜福。’”
19Ko mbeu ichimo mudura here? Zvirokwazvo, muzambiringa nomuonde nomutamba nomuorivhi hazvina kubereka; kubva pazuva rino ndichakuropafadzai.
20應許揀選所羅巴伯同月二十四日,耶和華的話再次臨到哈該,說:
20Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Hagai nezuva ramakumi maviri namana romwedzi, richiti,
21“你要向猶大省長所羅巴伯說:‘我要震動天地,
21Taura naZerubhabheri, mubati waJudha, uti, Ndichazunungusa denga rose nenyika;
22我必傾覆列國的寶座,消滅外族萬國的勢力,我必推翻戰車和駕車的人;馬匹和騎馬的都必跌倒;各人必死在自己兄弟的刀下。’
22ndichawisira pasi zvigaro zvoushe; ndichaparadza simba roushe bwendudzi; ndichawisira pasi ngoro navanofamba nadzo; mabhiza navanotasva achawira pasi, mumwe nomumwe nomunondo wehama yake.
23萬軍之耶和華說:‘撒拉鐵的兒子,我的僕人所羅巴伯啊!到那日我必提拔你。’耶和華說:‘我必以你為印記。’萬軍之耶和華說:‘因為我揀選了你。’”
23Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichakutora iwe, Zerubhabheri, muranda wangu, mwanakomana waShearitieri ndizvo zvinotaura Jehovha ndichakuita sechisimbiso; nekuti ndakakusanangura ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.