聖經新譯本

Shona

Hebrews

1

1 神藉著兒子說話 神在古時候,曾經多次用種種方法,藉著先知向我們的祖先說話;
1Mwari iye wataura kare nenzira dzakasiyana siyana kumadzibaba nevaporofita muzvikamu nezvikamu,
2在這末後的日子,卻藉著他的兒子向我們說話。 神已經立他作萬有的承受者,並且藉著他創造了宇宙(“宇宙”或譯:“諸世界”或“眾世代”)。
2pamazuva ekupedzisira akataura kwatiri muMwanakomana wake, waakagadza mudyi wenhaka yezvinhu zvose, waakaitawo naye nyika,
3他是 神榮耀的光輝,是 神本質的真象,用自己帶有能力的話掌管萬有;他作成了潔淨罪惡的事,就坐在高天至尊者的右邊。
3iye ari kupenya chekubwinya, nemufananidzo wake chaiwo, uye achitakura zvinhu zvose neshoko resimba rake, wakati anatsa pachake zvivi zvedu, akagara pasi kuruoko rwerudyi rweumambo hwuri kudenga,
4他所承受的名比天使的名更尊貴,所以他遠比天使崇高。
4apfuudzwa zvikuri vatumwa, sezvo akanga awana nhaka yezita gurusa kupfuura ivo,
5 神的兒子比天使崇高 神曾對哪一個天使說過:“你是我的兒子,我今日生了你”呢?或者說:“我要作他的父親,他要作我的兒子”呢?
5Nekuti ndekune upi mutumwa kwaakamboti: Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ini ndakubereka? uyezve: Ndichava kwaari Baba, uye iye uchava kwandiri Mwanakomana?
6 神差遣長子到世上來的時候,又說:“ 神所有的天使都要拜他。”
6Uye, kana achiuyisazve dangwe panyika, unoti: Nevatumwa vose vaMwari ngavamunamate.
7論到天使,說:“ 神用風作他的使者,用火燄作他的僕役。”
7Nepamusoro pevatumwa unoti: Unoita vatumwa vake mweya, nevaranda vake murazvo wemoto;
8但是論到兒子,卻說:“ 神啊!你的寶座是永永遠遠的,你國的權杖,是公平的權杖。
8Asi kuMwanakomana unoti: Chigaro chenyu cheushe, Mwari, chiripo nekusingaperi-peri, tsvimbo yekururama ndiyo tsvimbo yeushe hwenyu.
9你喜愛公義,恨惡不法,所以, 神,就是你的 神,用喜樂的油膏抹你,勝過膏抹你的同伴。”
9Imwi makada kururama, mukavenga kuipa; naizvozvo Mwari, iye Mwari wenyu, wakakuzodzai nemafuta emufaro kupfuura vamwe venyu.
10又說:“主啊!你起初立了地的根基,天也是你手的工作。
10Uye kuti: Imwi, Ishe, pakutanga makateya nheyo dzenyika, nematenga mabasa emaoko enyu;
11天地都要毀滅,你卻長存;天地都要像衣服一樣漸漸殘舊,
11achaparara, asi imwi mucharamba muripo; uye ose achasakara senguvo;
12你要把天地像外套一樣捲起來,天地就像衣服一樣被更換;只有你永不改變,你的年數也沒有窮盡。”
12uye sechipfeko, muchaapeta senguwo, uye achashandurwa; Asi imwi makangodaro, nemakore enyu haangagumi.
13 神可曾向哪一個天使說:“你坐在我的右邊,等我使你的仇敵作你的腳凳”呢?
13Asi ndekune upi wevatumwa kwaakambotaura achiti: Gara kuruoko rwangu rwerudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako?
14天使不都是服役的靈,奉差遣為那些要承受救恩的人效勞嗎?
14Ko havazi vose mweya inoshumira yakatumwa kuzoshumira nekuda kwavachazodya nhaka yeruponeso here?