聖經新譯本

Shona

Hebrews

11

1論信心信就是對所盼望的事的把握,是還沒有看見的事的明證。
1Zvino rutendo ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotarisira, umbowo hwezvinhu zvisingaonekwi.
2因著這信心,古人得到了稱許。
2Nekuti naiko vanhu vakuru vakapupurirwa zvakanaka.
3因著信,我們就明白宇宙(“宇宙”或譯:“諸世界”或“眾世代”)是因著 神的話造成的。這樣,那看得見的就是從那看不見的造出來的。
3Kubudikidza nerutendo tinonzwisisa kuti nyika dzakanyatsoumbwa neshoko raMwari, zvekuti zvinhu zvinoonekwa hazvibvi kuzvinhu zvinoonekera.
4信心的偉人因著信,亞伯比該隱獻上更美的祭品給 神;藉著這信心,他被 神稱許為義人,這是 神指著他的禮物所作的見證;他雖然死了,卻藉著信仍然說話。
4Nerutendo Abheri wakabayira kuna Mwari chibayiro chakanakisisa kupfuura Kaini; chaakawana nacho uchapupu kuti wakange akarurama, Mwari achipupurira zvipo zvake; naicho kunyange afa hake, uchiri kungotaura.
5因著信,以諾被遷去了,使他不至於死,人也找不著他,因為 神把他遷去了。原來在遷去以前,他已經得了 神喜悅他的明證。
5Norutendo Enoki wakatamiswa kuti arege kuona rufu, akasawanikwa nekuti Mwari wakange amutamisa; nekuti asati atamiswa wakapupurirwa kuti wakange afadza Mwari.
6沒有信,就不能得到 神的喜悅;因為來到 神面前的人,必須信 神存在,並且信他會賞賜那些尋求他的人。
6Kunze kwerutendo hazvibviri kumufadza; nekuti unouya kuna Mwari, unofanira kutenda kuti iye uripo, uye mupi wemubayiro wevanomutsvaka nemoyo wose.
7因著信,挪亞在還沒有看見的事上,得了 神的警告,就動了敬畏的心,做了一艘方舟,使他全家得救。藉著這信心,他就定了那世代的罪,自己也承受了那因信而來的義。
7Nerutendo Nowa wakati ayambirwa naMwari pamusoro pezvinhu zvichigere kuonekwa, nekutya akagadzira areka yeruponeso rwemhuri yake; akapa nyika mhosva nazvo, akava mudyi wenhaka yekururama kunouya nerutendo.
8因著信,亞伯拉罕在蒙召的時候,就聽命往他將要承受為業的地方去;他出去的時候,還不知道要往哪裡去。
8Nerutendo Abhurahamu wakati adamwa kuti abude, aende kunzvimbo yaakanzi uchazoigamuchira ive nhaka akateerera, akabuda akaenda, asingazivi kwaanoenda.
9因著信,他在應許之地寄居,好像是在異鄉,與承受同樣應許的以撒、雅各一樣住在帳棚裡。
9Nerutendo wakagara semutorwa munyika yechivimbiso senyika yeutorwa, achigara mumatende naIsaka naJakobho, vadyi venhaka yechivimbiso chimwecho pamwe naye;
10因為他等待那座有根基的城,就是 神所設計所建造的。
10Nekuti wakange achitarisira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nemuvaki waro.
11因著信,甚至撒拉,她雖然過了生育的年齡,還是能夠懷孕,因為她認為那應許她的是信實的。
11Nerutendowo Sara pachake wakapiwa simba rekugamuchira mbeu akazvara mwana, apfuura zera, nekuti wakati iye wamuvimbisa wakatendeka.
12所以從一個好像已死的人,竟然生出許多子孫來,仿佛天上的星那麼眾多,海邊的沙那麼無數。
12Naizvozvo vakaberekwa neumwe zvichibva kune wakafa vakaita senyeredzi dzekudenga pakuwanda, uye sejecha riri pamahombekombe egungwa risingaverengeki.
13這些人都是存著信心死了的,還沒有得著所應許的,只不過是從遠處看見,就表示歡迎,又承認他們在世上是異鄉人,是客旅。
13Ivava vose vakafira murutendo, vasina kugamuchira zvivimbiso, asi vakazviona zviri kure, vakagutsikana nazvo, vakazvimbundikira vakabvuma kuti vaeni nevapfuuri panyika.
14因為說這樣話的人,是表明他們在尋求一個家鄉。
14Nekuti ivo vanotaura zvinhu zvakadaro, vanoratidza pachena kuti vanotsvaka nyika yekwavo.
15如果他們懷念已經離開了的地方,還有可以回去的機會。
15Nekuti kana zvirokwazvo vaifungisisa zvenyika iyo yavakabva kwairi, vangadai vakawana mukana wekudzokera.
16但是現在他們所嚮往的,是一個更美的、在天上的家鄉。所以, 神不以他們稱他為 神而覺得羞恥;因為他已經為他們預備了一座城。
16Asi zvino vanoshuva yakanaka kuipfuura, ndiyo yekudenga; naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo kuti aidzwe Mwari wavo; nekuti wakavagadzirira guta.
17因著信,亞伯拉罕在受試驗的時候,就把以撒獻上;這就是那歡喜領受應許的人,獻上了自己的獨生子;
17Nerutendo Abhurahamu paakaidzwa wakabayira Isaka, uye iye wakange agamuchira zvivimbiso akabayira mwana wake wakaberekwa umwe woga;
18論到這個兒子,曾經有話說:“以撒生的,才可以稱為你的後裔。”
18wakanzi pamusoro pake: Muna Isaka vana vako vachatumidzwa;
19亞伯拉罕認定, 神能使人從死人中復活,因此,就喻意說,他的確從死裡得回他的兒子。
19nekurangarira kuti Mwari unogona kumutsa kunyange kuvakafa; ndipapowo paakamugamuchira mumufananidzo.
20因著信,以撒給雅各和以掃祝福,論到將來的事。
20Nerutendo Isaka wakaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvinhu zvinouya.
21因著信,雅各臨死的時候,分別為約瑟的兒子祝福,又倚著杖頭敬拜 神。
21Nerutendo Jakobho ofa wakaropafadza mwanakomana umwe neumwe waJosefa; akanamata akasendamira pamusoro pemudonzvo wake.
22因著信,約瑟臨終的時候,提到以色列子民出埃及的事,並且為自己的骸骨留下遺言。
22Nerutendo Josefa ava kufa wakataura zvekubuda kwevana vaIsraeri, akaraira pamusoro pemafupa ake.
23因著信,摩西的父母在摩西生下來以後,因為看見孩子俊美,就把他藏了三個月,不怕王的命令。
23Nerutendo Mozisi aberekwa wakavanzwa mwedzi mitatu nevabereki vake, nekuti vakavona kuti mwana wakanaka; uye havana kutya murairo wamambo.
24因著信,摩西長大了以後,就拒絕被稱為法老女兒的兒子。
24Nerutendo Mozisi akura wakaramba kunzi mwanakomana wemukunda waFarao,
25他寧願選擇和 神的子民一同受苦,也不肯享受罪惡中暫時的快樂。
25pachinzvimbo chaizvozvo wakasarudza kuitirwa zvakaipa pamwe nevanhu vaMwari pane kuva mumufaro wezvivi kwechinguvana;
26在他看來,為著基督受的凌辱,比埃及的財物更寶貴,因為他注視將來的賞賜。
26akati kunyombwa kwaKristu ifuma huru pakufuma kose kweEgipita; nekuti wakarangarira muripo wemubayiro.
27因著信,他離開了埃及,不怕王的忿怒;因為他堅定不移,就像看見了人不能看見的 神。
27Nerutendo wakasiya Egipita, asingatyi kutsamwa kwamambo; nekuti wakatsungirira seunomuona iye usingaonekwi.
28因著信,他立了逾越節和灑血的禮,免得那滅命的侵犯以色列人的長子。
28Nerutendo wakachengetedza pasika nekusaswa kweropa, kuti unouraya matangwe arege kuvabata.
29因著信,他們走過了紅海,好像走過旱地一樣;埃及人也試著要過去,就被淹沒了。
29Nerutendo vakagura Gungwa Dzvuku sepavhu rakawoma; vaEgipita vachizviidza vakabitirirwa.
30因著信,耶利哥的城牆被圍繞了七天,就倒塌了。
30Nerutendo masvingo eJeriko akawira pasi, apoteredzwa mazuva manomwe.
31因著信,妓女喇合和和平平接待了偵察的人,就沒有和那些不順從的人一起滅亡。
31Nerutendo Rakabhi chifeve haana kuparara pamwe nevasina rutendo, paakanga agamuchira vashori nerugare.
32我還要再說甚麼呢?如果再要述說基甸、巴拉、參孫、耶弗他、大衛、撒母耳和眾先知的事,時間就不夠了。
32Zvino ndichataurirei zvimwe? Nekuti ndichapererwa nenguva ndichitaura zvaGidhioni, naBharaki, naSamusoni, naJefita, Dhavhidhiwo, naSamueri, nevaporofita;
33他們藉著信,就戰勝了敵國,伸張了正義,得到了應許,堵住了獅子的口,
33avo kubudikidza nerutendo vakakunda ushe, vakaita kururama, vakawana zvivimbiso, vakadzivira miromo yeshumba,
34消滅了烈火的威力,逃脫了刀劍的鋒刃,軟弱變成剛強,在戰爭中顯出大能,把外國的軍隊擊退。
34vakadzima simba remoto, vakapukunyuka kwakapinza kwemunondo, vakasimbiswa pautera, vakava nesimba pakurwa, vakadzinga hondo dzemamwe marudzi.
35有些婦女得回從死裡復活的親人;但也有些人忍受了酷刑,不肯接受釋放,為的是要得著更美的復活。
35Vakadzi vakagamuchirazve vakafa vavo vachimukazve; vamwe vakashungurudzwa, vasingagamuchiri kudzikunungurwa, kuti vawane kumuka kuri nani;
36又有些人遭受了戲弄、鞭打,甚至捆鎖、監禁;
36vamwewo vakaidzwa nekuitwa chiseko, nekuzvambaradzwa, uyezve nezvisungo nemujere;
37被石頭打死,被鋸鋸死,(後期抄本在此加上“受試探”)被刀殺死。他們披著綿羊山羊的皮到處奔跑、受窮乏、遭患難、被虐待;
37vakatakwa nembwe, vakatsemurwa nepakati, vakaidzwa, vakashinjwa nemunondo; vakadzungaira vakafuka matehwe emakwai nematehwe embudzi; vari nhoronhondo, vachitambudzika, vachishungurudzwa,
38原是這世界不配有的人。他們飄流無定,在曠野、山嶺、石洞和地穴棲身。
38(nyika haina kuvafanira), vachidzungaira mumagwenga, nemakomo, nemapako, nemakomba enyika.
39所有這些人都藉著信得了稱許,卻還沒有得著所應許的;
39Naivava vose vapupurirwa zvakanaka kubudikidza nerutendo havana kugamuchira zvivimbiso,
40因為 神已經為我們預備了更美的事,使他們若不跟我們在一起,就不能完全。
40Nekuti Mwari wakange atigadzirira chinhu chiri nani, kuti ivo varege kupedzeredzwa pasina isu.