聖經新譯本

Shona

Hosea

2

1不忠的後果“你們要對你們的兄弟說:‘我的子民’;要對你們的姊妹說:‘蒙憐憫的’。
1Itiyi kuna vanin'ina venyu, Ama; nokuhanzvadzi dzenyu, Ruhama.
2要與你們的母親爭論,你們要爭論,因為她不是我的妻子,我也不是她的丈夫;好讓她除掉臉上的淫相,和乳間的淫態,
2Kakavarai namai venyu, kakavarai; nekuti haazi mukadzi wangu, neni handizi murume wake; ngaabvise kufeva kwake pachiso chake, nokupata kwake pakati pamazamu ake;
3免得我把她剝光,赤身露體,使她像剛生下來的那天一樣;又使她像曠野,像無水的旱地一般,叫她因乾渴而死。
3kuti ndirege kumukumurira nguvo dzake dzose, ndimuite sezvaakanga akaita nezuva rokuzvarwa kwake, ndimuite serenje, ndimushandure ave nyika yakaoma, ndimuuraye nenyota.
4我必不憐恤她的兒子,因為他們是像娼妓的兒女;
4Zvirokwazvo handinganzwiri vana vake nyasha, zvavari vana voufeve;
5因為他們的母親賣了淫,懷他們的作了羞恥的事;因為她曾說:‘我要跟隨我那些愛人。我的餅和水,羊毛和麻布,油和我所喝的,都是他們給的。’
5nekuti mai vavo vakafeva; vakavabereka vakaita zvinonyadzisa, nekuti vakati, Ndichatevera vadikani vangu, vanondipa zvokudya zvangu nemvura yangu, namakushe angu neshinda yangu, namafuta angu nezvokumwa zvangu.
6因此,我要用荊棘堵塞她的通道,我要築牆圍住她,使她找不著出路。
6Naizvozvo tarira, ndichasosera nzira yako nemhinzwa, ndichamuvakira rusvingo, kuti arege kuwana nzira dzake.
7她要追趕她那些愛人,卻追不上;要尋找他們,卻找不著。她就說:‘我要回去,回到前夫那裡,因為從前比現在好得多了。’
7Achatevera vadikani vake, asi haangavabati; achavatsvaka, asi haangavawani; ipapo achati, Ndichadzokera kumurume wangu wokutanga, nekuti nenguva iyo ndaifara kupfuura zvino.
8其實她不知道,是我把五穀、新酒、橄欖油賜給了她;甚至他們用來製造巴力的金銀,也是我大量給她的;
8nekuti akanga asingazivi kuti ndini ndaimupa zviyo, newaini namafuta, nokumuwanzira sirivha nendarama, zvavaibatira Bhaari nazvo.
9因此,到了收割的時候,到了出酒的季節,我必收回五穀和新酒;用來給她遮蔽裸體的羊毛和麻布,我也必奪回。
9Saka ndichamutorera zviyo zvangu nenguva yazvo, newaini yangu itsva nenhambo yazvo, ndichabvisa makushe angu neshinda yangu zvaifanira kufukidza kushama kwake.
10那時,我要在她那些愛人眼前,暴露她的下體;也沒有人能救她脫離我的手。
10Zvino ndichafukura kunyadzisa kwake pamberi pavadikani vake, hakuna angamurwira paruoko rwangu.
11我必使她的一切歡樂、節期、新月、安息日,或任何盛會都終止。
11Ndichagumisawo mufaro wake wose, nemitambo yake, nenguva dzake dzokugara komwedzi, namasabata ake, nevungano dzake dzose dzakatarwa.
12我必毀壞她的葡萄樹和無花果樹,就是她曾說:‘這是我作妓女所賺的,是我那些愛人給我的。’我必使這些果樹成為荒林,任由田野的走獸吃掉。
12Ndichaparadza mizambiringa yake nemionde yake, yaaiti, Ndiwo mubayiro wangu wandakapiwa navadikani vangu; ndichazviita dondo, mhuka dzokusango dzichazvidya.
13她在拜眾巴力的日子,向他們燒香,佩戴耳環首飾,打扮自己,跟隨她那些愛人,卻把我遺忘,所以我必懲罰她。”這是耶和華說的。
13Ndichamuranga nokuda kwamazuva avaBhaari, vaaipisira zvinonhuhwira, azvichishonga nezvindori zvake zvenzeve nezvishongo zvake, akatevera vadikani vake, akandikangwamwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
14再蒙眷愛“因此,我要誘導她,領她到曠野,對她說安慰的話。
14Saka tarirai, ndichamunyengera nokumuisa kurenje, ndichitaura zvinofadza mwoyo wake.
15在那裡我要把葡萄園歸還給她,使亞割谷變成‘希望之門’。她必在那裡回應,像她少年的時候一樣,也像她從埃及地上來的那天一般。”
15Ndichamupa minda yake yemizambiringa zvichibva ipapo, nomupata waAkori uve mukova wetariro kwaari; achapindura aripo, sapamazuva ousikana hwake, uye sapazuva raakabuda panyika
16耶和華說:“到那日,你必稱呼我‘伊施’(“伊施”意即“我夫”),不再稱呼我‘巴力’(“巴力”意即“我主”)。
16Zvino nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha, achandiidza Ishi, haungazondiidzi Bhaari.
17我要把‘巴力’的名字從她口中除掉;他們的名字沒有人再提起。
17nekuti ndichabvisa mazita avaBhaari mumuromo make, havangazozikamwi namazita avo.
18到那日,為了他們,我必和田野的走獸、空中的飛鳥、地上的爬蟲立約;我必從這地折斷弓弩、刀劍和兵器;使他們安然居住。
18Nezuva iro ndichavaitira sungano nemhuka dzokusango, neshiri dzokudenga, nezvinokambaira zvapasi; ndichavhuna uta nomundo nehondo panyika, ndivavatise pasi vakachengetwa.
19我必聘你永遠歸我,以公義、正直、忠信和憐憫聘你歸我。
19Ndichakunyenga uve wangu nokusingaperi; zvirokwazvo ndichakunyenga uve wangu nokururama, nokururamisira, nounyoro, nenyasha.
20我必以信實聘你歸我;這樣,你就必認識耶和華。”
20Ndichakunyenga uve wangu nokutendeka; ipapo uchaziva Jehovha.
21耶和華說:“到那日,我必應允,我必應允天,天必應允地,
21Zvino nezuva iro ndichapindura, ndizvo zvinotaura Jehovha ndichapindura denga rose, iro richapindura nyika;
22地必應允五穀、新酒和油。這些必應允耶斯列(“耶斯列”意即“栽種”)。
22nyika ichapindura zviyo, newaini, namafuta; izvo zvichapindura Jezireeri.
23我必為了自己把她栽種在這地。我必憐恤那些不蒙憐恤的。我必對那些不是我的子民說:‘你是我的子民’,他們必說:‘你是我們的 神。’”
23Ndichazvisimira iye panyika; ndichamunzwira nyasha, iye akanga asina kunzwirwa nyasha; ndichati kuna ivo vakanga vasi vanhu vangu, Imi muri vanhu vangu, ivo vachati, Imi muri Mwari wedu.