聖經新譯本

Shona

Isaiah

37

1希西家向以賽亞求救(王下19:1~4)希西家王聽見了,就撕裂衣服,披上麻布,進了耶和華的殿。
1Zvino mambo Hezekia akati achizvinzwa, akabvarura nguvo dzake, akafuka makudza, akapinda mumba maJehovha.
2他差派管家以利亞敬、書記舍伯那和祭司中的長老,都披上麻布,去見亞摩斯的兒子以賽亞先知。
2Akatuma Eriakimu aichengeta imba, naShebhina munyori, navakuru vavapristi, vakafuka makudza, kumuporofita Isaya mwanakomana waAmozi.
3他們對他說:“希西家這樣說:‘今日是急難、責罰和凌辱的日子,就像嬰孩快要出生的時候,卻沒有氣力生出來一樣。
3Vakati kwaari, Zvanzi naHezekia, Nhasi izuva rokutambudzika, nerokutukwa, nerokuzvidzwa; nekuti vana vakasvika pakuzvarwa, asi hakuna simba rokuzvara naro.
4也許耶和華你的 神聽見拉伯沙基的話,就是他的主人亞述王派他來辱罵永活的 神的話;耶和華你的 神會因他所聽見的話斥責他;因此,求你為餘剩下來的人獻上禱告。’”
4Zvimwe Mwari wenyu achanzwa mashoko ose omukuru wavatariri, akatumwa namambo weAsiria tenzi wake, kuzvidza Mwari mupenyu, agovatuka pamusoro pamashoko aakanzwa iye Jehovha Mwari wenyu; naizvozvo nyengetererai vakasara.
5以賽亞安慰的話(王下19:5~7)希西家王的臣僕就去見以賽亞,
5Naizvozvo varanda vamambo Hezekia vakasvika kuna Isaya.
6以賽亞對他們說:“要對你們的主人這樣說:‘耶和華這樣說:你不要因為聽見亞述王的僕人褻瀆我的話而害怕。
6Isaya akati kwavari, Udzai tenzi wenyu, muti, zvanzi naJehovha, Usatya hako mashoko awanzwa, andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria.
7看哪!我必使靈進入他裡面,以致他聽見風聲就歸回本地;我必使他在那裡倒在刀下。’”
7Tarira, ndichaisa mweya wokutya mukati make, achanzwa guhu, ndokudzokera kunyika yake; ndichamuurayisa nomunondo munyika yake.
8亞述王恐嚇的話(王下19:8~13)拉伯沙基回去的時候,正遇見亞述王攻打立拿;原來他早已聽聞亞述王拔營離開了拉吉。
8Naizvozvo mukuru wavatariri akadzoka, akawana mambo weAsiria achirwa neRibhina, nekuti akanga anzwa kuti wabva Rakishi.
9亞述王聽到關於古實王特哈加的報告說:“他出來要與你爭戰”;亞述王聽見了,就差派使者去見希西家,說:
9Zvino akanzwa pamusoro paTirihaka mambo weltiopia, zvichinzi, Auya kuzorwa newe. Zvino akati azvinzwa, akatuma nhume kuna Hezekia, achiti,
10“你們要對猶大王希西家這樣說:不要給你所倚靠的 神欺騙你說:耶路撒冷必不交在亞述王的手裡。
10Endai mundoudza Hezekia mambo waJudha, muti, Mwari wako, waunovimba naye, ngaarege kukunyengera, achiti, Jerusaremu haringapiwi muruoko rwamambo weAsiria.
11你必定聽過亞述列王向列國所行的,就是把她們完全毀滅,難道你還有救嗎?
11Tarira, wakanzwa zvakaitirwa nyika dzose namadzimambo eAsiria, kuti vakadziparadza chose; zvino iwe ucharwirwa here?
12我列祖所毀滅的國,有歌撒、哈蘭、利色和在提.拉撒的伊甸人,這些國的神曾拯救她們嗎?
12Ko vamwari vamamwe marudzi vakavarwira here, iwo akaparadzwa namadzibaba angu, vanoti, Gozani, naHarani, naRezefi, navana vaEdheni, vaiva paTerasari?
13哈馬的王、亞珥拔的王、西法瓦音城的王、希拿和以瓦的王,現在都在哪裡呢?”
13Mambo weHamati ariko, namambo weAripadhi, namambo weguta reSafarivhaimi, neHena, neIvha?
14希西家向 神禱告(王下19:14~19)希西家從使者手裡接過信卷,讀完了,就上耶和華的殿,在耶和華面前把信卷展開。
14Hezekia akagamuchira tsamba pamaoko enhume, akairava; Hezekia akakwira kumba kwaJehovha, akaipetenura pamberi paJehovha.
15希西家向耶和華禱告說:
15Ipapo Hezekia akanyengetera kuna Jehovha, achiti,
16“萬軍之耶和華,以色列的 神,坐在二基路伯中間的啊!唯獨你是地上萬國的 神;你創造了天地。
16Haiwa Jehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, iye ugere pamusoro pamakerubhimi! Ndimi Mwari, imwi moga, woushe hwose bwenyika, ndimi makaita kudenga napasi.
17耶和華啊,求你側耳而聽!耶和華啊,求你開眼察看!要聽西拿基立的一切話,就是那差派使者來辱罵永活的 神的。
17Rerekerai nzeve yenyu, Jehovha, munzwe; svinudzai meso enyu, Jehovha, muone; inzwai mashoko ose aSaniheribhi, akatuma nhume kuzozvidza Mwari mupenyu.
18耶和華啊!亞述列王果然使列國和他們的土地變成荒涼,
18Zvirokwazvo, Jehovha, madzimambo eAsiria akaparadza marudzi ose nenyika dzawo,
19又把列國的神都扔進火中;因為他們不是神,只是人手所做的,不過是木頭和石頭,所以他們就滅絕了他們。
19akakandira vamwari vavo mumoto; nekuti vakanga vasi vamwari, asi rakanga riri basa ramaoko avanhu, ari matanda namabwe; naizvozvo akavaparadza.
20耶和華我們的 神啊!現在求你拯救我們脫離亞述王的手,使地上萬國都知道唯有你耶和華是 神。”
20Naizvozvo zvino, Jehovha, Mwari wedu, tiponesei paruoko rwake, kuti ushe hwose bwenyika huzive kuti ndimi Jehovha, iyemi moga.
21以賽亞預言亞述必敗(王下19:20~34)亞摩斯的兒子以賽亞就派人去見希西家,說:“耶和華以色列的 神這樣說:‘因為你向我禱告關於亞述王西拿基立的事,
21Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi, akatuma shoko kuna Hezekia, akati, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Zvawanyengetera kwandiri pamusoro paSaniheribhi mambo weAsiria,
22耶和華就有以下的話攻擊他,說:錫安的處女藐視你,嗤笑你;耶路撒冷的女子在你背後搖頭。
22heri shoko rakataurwa naJehovha, pamusoro pake, Mhandara, mukunda weZiyoni, wakakushora nokukuseka; mukunda weJerusaremu wakakudzungudzira musoro wake.
23你辱罵誰、褻瀆誰?你揚起聲音,又高舉眼目,要攻擊誰?就是攻擊以色列的聖者。
23Ndianiko wawakatuka nokuzvidza? Wakazvikudza kuna aniko nenzwi rako, meso ako akatarira aniko kudenga? NdiMutsvene waIsiraeri!
24你藉著你的臣僕辱罵主;你又說:我率領我眾多的戰車上了群山的高峰,到了黎巴嫩極深之處。我砍伐其中高大的香柏樹和佳美的松樹;我去到極高之處,進入肥田般的樹林。
24Watuka Jehovha navaranda vako, ukati, Ndakwira kumakomo marefu nengoro dzangu zhinji, kunzvimbo dzomukati dzeRebhanoni; ndichatema misidhari mirefu iripo, nemisiperesi yakatsaurwa iripo, ndichipa kusvikira kumusoro-soro kwaro, kudondo raro rinobereka zvakanaka;
25我挖井和喝水;我用我的腳掌踏乾埃及的河流。’
25ndakachera ndikamwa mvura, ndichapwisa nzizi dzose dzeEgipita nokutsika netsoka dzangu.
26耶和華說:‘難道你沒有聽見古時我所安排,往昔所計劃的嗎?現在我才使它成就,使堅固的城鎮荒廢,變作亂堆。
26Hauna kunzwa here kuti ndakazviita kare, kuti ndakazvirayira nenguva dzokutanga-tanga? Zvino ndakarayira zviitike, kuti iwe uve muparadzi wamaguta akakombwa namasvingo, ave matongo.
27因此,其中的居民軟弱無力,驚惶羞愧,像田間的蔬菜和青綠的草,又像房頂上的草,還沒有長起來,就乾焦了。
27Naizvizvo vakanga vageremo vakanga vane simba duku, vakavhundutswa nokunyadziswa; vakafanana nouswa bwebundo, nomuriwo mutema, nouswa huri pamusoro peimba, nomunda wezviyo zvigere kukura.
28你坐下,你出,你入,你向我發烈怒,我都知道。
28Asi ndinoziva kugara kwako pasi, nokubuda kwako, nokupinda kwako, uye hasha dzako kwandiri.
29因為你向我發烈怒,又因你的狂傲達到我耳中,我要把鉤子放進你的鼻孔,把嚼環放進你的嘴裡,使你從你來的路上回去。
29Nokuda kwehasha dzako kwandiri, uye nekuti ndakanzwa, kuzvikudza kwako, ndichaisa rwauro rwangu mumhino dzako, netomu rangu mumiromo yako, ndikudzosere nenzira yawakauya nayo.
30希西家啊!這要作你的兆頭:今年你們要吃自生的,明年還要吃自長的,後年你們就要撒種,要收割,要栽種葡萄園,吃園中的果子。
30Ichi ndicho chichava chiratidzo kwauri: nhaka muchadya zvinongomera zvoga, negore rechipiri muchadya zvinomerazve kwazviri; asi negore rechitatu munofanira kudzvara, nokukohwa, nokusima minda yemizambiringa, mudye michero yayo.
31猶大家所逃脫的餘民,必再向下扎根,往上結果。
31Zvino vakasara vakapukunyuka veimba yaJudha, vachaitazve midzi pasi, nokubereka michero kumusoro.
32因為餘下的人必從耶路撒冷出來,逃脫的人必從錫安山出來。萬軍之耶和華的熱心必作成這事。’
32nekuti vakasara vachabuda Jerusaremu, navakapukunyuka pagomo reZiyoni; kushingaira kwaJehovha kuchazviita.
33所以耶和華這樣論到亞述王,說:‘他必不會來到這城,也不會在這裡射箭;不會拿著盾牌來到城前,也不會築土壘攻城。
33Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria, Haangapindi muguta rino, kana kuposhera museve imomo, kana kusvika pamberi paro nenhovo, kana kututira gomo revhu kwariri.
34他從哪條路來,也必從那條路回去;他必不得進入這城;這是耶和華的宣告。
34Zvanzi naJehovha, Nenzira yaakauya nayo, achadzokerazve nayo; haangapindi muguta rino.
35因我為自己的緣故,又為我僕人大衛的緣故,必保護這城,拯救這城。’”
35nekuti ndichadzivirira guta rino, ndiriponese nokuda kwangu ini, uye nokuda komuranda wangu Dhavhidhi.
36 神懲罰亞述王(王下19:35~37;代下32:20~21)於是耶和華的使者出去,在亞述營中擊殺了十八萬五千人;到了早晨,有人起來,所見的都是死屍。
36Zvino mutumwa waJehovha akabuda, akauraya vanhu vane zviuru zvine zana namakumi masere nezvishanu pamisasa yavaAsiria; zvino vanhu vakati vachimuka mangwanani, vakawana zvava zvitunha zvose.
37亞述王西拿基立就拔營離去,返回本地,住在尼尼微。
37Naizvozvo Saniheribhi mambo weAsiria akabva, akaenda, akadzokera kwakare, akandogara Ninivhe.
38他在自己的神尼斯洛廟裡叩拜的時候,他的兒子亞得米勒和沙利色用刀殺了他,然後逃到亞拉臘地。他的兒子以撒哈頓接續他作王。
38Zvino akati achinamata mumba maNisiroki, mwari wake, Adhiramereki naSharezeri vanakomana vake, vakamuuraya nomunondo, ivo vakatizira kunyika yeArarati. Esarihadhoni akamutevera paushe.