1耶和華掌管歷史雅各家,就是被稱為以色列的,從猶大的水源出來的,指著耶和華的名起誓,卻不是出於誠實和公義,提說以色列的 神的啊!你們要聽這話。
1Inzwai izvi, imwi imba yaJakoobho, makatumidzwa zita raIsiraeri, makabuda kumvura zhinji, yaJudha; imi, munopika nezita raJehovha, muchirumbidza Mwari walsiraeri, musingazviiti nechokwadi kana nokururama.
2他們被稱為聖城的人,又倚靠以色列的 神;他的名字是萬軍之耶和華。
2(Nokuti vanozvidza veguta dzvene, vachisendama kuna Mwari waIsiraeri, zita rake ndiJehovha wehondo).
3主說:“先前的事,我從古時就預言過了,已經從我的口裡說出來了,又說給人聽了;我忽然行事,事情就都成就了。
3Ndakakuita kuti unzve zvinhu zvakare kubva pakutanga; zvirokwazvo, zvakabuda mumuromo mangu, ndakazvizivisa, ndakazviita kamwe-kamwe, zvikaitika.
4因為我知道你是頑固的,你的頸項是鐵的,你的額是銅的,
4nekuti ndaiziva kuti moyo wako mukukutu, nomutsipa wako runda rwedare, nehuma yako ndarira;
5所以我從古時就告訴了你;在事情還沒有發生以前,我就說給你聽了,免得你說:‘這些事是我的偶像所作的,是我的雕像和鑄像所命定的。’
5naizvozvo ndakakuparidzira izvozvo kubva pakutanga; ndakakuzivisa izvozvo zvisati zvaitika, kuti urege kuzoti, Chifananidzo changu ndicho chakaita izvozvo, mufananidzo wangu wakavezwa nomufananidzo wangu wakaumbwa ndizvo zvakarayira izvozvo.
6你已經聽見了,現在要注意這一切事。難道你不述說嗎?從今以後,我要把新的事,就是你不知道的隱祕的事,告訴你。
6Wakazvinzwa; tarira izvi zvose; zvino imwi hamungazviparidzi here? Ndakakuzivisa zvinhu zvakavanzwa, zvawakanga usingazivi.
7這些事是現在才造成的,並不是從古時就有的;在今天以前,你還未曾聽見過,免得你說:‘看哪!這些事我早已知道了。’
7Zvasikwa zvino, zvakanga zvisipo kare; hauna kumbozvinzwa zuva rino risati rasvika; kuti urege kuti, Tarirai, ndaizviziva.
8你從來沒有聽過,也不知道;你的耳朵從來未曾開通。我原知道你行事非常詭詐;你自出母胎以來,就被稱為叛徒。
8Zvirokwazvo, hauna kunzwa, zvirokwazvo, hauna kuziva; zvirokwazvo, nzeve dzako dzakanga dzisina kudziurwa kubva panguva yakare; nekuti ndakaziva kuti wakaita nokunyengera, ukanzi mudariki kubva pachizvaro.
9為了我的名的緣故,我暫時不發怒;為了我的名譽的緣故,我向你忍耐;不把你剪除。
9Ndichanonotsa kutsamwa kwangu nokuda kwezita rangu, ndichazvidzora pamusoro pako nokuda kokurumbidzwa kwangu, kuti ndirege kukuparadza.
10看哪!我熬煉了你,卻不像熬煉銀子;你在苦難的爐中,我揀選了你。
10Tarira, ndakakunatsa, asi handina kuzviita sesirivha; ndakakuidza mumvuto yokutambudzika.
11為了我自己的緣故,我必作這事。我的名怎能被褻瀆呢?我必不把我的榮耀歸給別人。
11Nokuda kwangu, nokuda kwangu, ndichazviita; nekuti zita rangu ringamhurwa sei? Handingapi mumwe kukudzwa kwangu.
12古列的使命“雅各,我所呼召的以色列啊!你要聽我的話。我就是‘那位’,我是首先的,也是末後的。
12Nditeerere, iwe Jakove, newe Isiraeri wandakadana ndini iye, ndini wokutanga, ndini wokupedzisirawo.
13我的手奠定了大地的根基,我的右手展開了諸天;我一呼喚它們,它們就一同站著侍候。
13Zvirokwazvo, ruoko rwangu rwakateya nheyo dzenyika ruoko rwangu rworudyi rwakatatamura denga rose; kana ndichizvidana, zvinosimuka pamwechete.
14列國啊!你們都要集合起來聽。他們中間有誰預言過這些事呢?耶和華愛他,他必向巴比倫行他所喜悅的;他的膀臂也必擊打迦勒底人。
14Unganai imwi mose, munzwe; ndianiko pakati pavo akaparidza zvinhu izvi? Iye anodikamwa naJehovha, achaita kuda kwake pamusoro peBhabhironi, ruoko rwake ruchava pamusoro pavaKaradhea.
15我親自說過,又呼召了他;我帶領了他來,他所行的就必亨通。
15Ini, iyeni, ndini ndakataura izvozvo; zvirokwazvo, ndakamudana, ndakamuuyisa, achafambiswa panzira yakanaka.
16你們要就近我,當聽這話:‘從起初我就沒有在隱密處說過話,自從有這事情的存在,我就在那裡。’現在主耶和華差遣了我和他的靈。
16Swederai kwandiri, munzwe chinhu ichi; kubva pakutanga handina kutaura chinyararire; kubva panguva yokuitika kwazvo,ndiripo: akandituma, noMweya wake.
17耶和華你的救贖主,以色列的聖者,這樣說:‘我是耶和華你的 神,是教導你,使你得益處的,是在你當行的道路上引導你的。
17Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri wako, Mutsvene walsiraeri: Ndini Jehovha Mwari wako, anokudzidzisa zvinokubatsira, anokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.
18但願你一向都留心聽從我的命令,這樣你的平安就像河水滔滔,你的公義就如海浪滾滾;
18Haiwa! Dai wakateerera hako mirayiro yangu! Rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, nokururama kwako samafungu egungwa!
19你的後裔必像海沙那麼多,你腹中的子孫要如沙粒這樣多;他們的名字必不會被剪除,也不會從我面前消滅。
19Vana vako vaiva sejecha, nezvibereko zvomuviri wako setsanga dzaro; zita rake harizaibviswa kana kuparadzwa pamberi pangu.
20 神的子民脫離巴比倫“你們要從巴比倫出來,從迦勒底人中逃出來,你們要用歡呼的聲音宣告,把這事說給人聽,你們要把這事宣揚出去,直到地極,說:‘耶和華救贖了他的僕人雅各了。’
20Ibvai paBhabhironi, tizai vaKaradhea; paridzai nenzwi rokuimba, muzivise izvi, muzvireve kusvikira kumigumo yenyika; muti, Jehovha akadzikunura muranda wake Jakove.
21耶和華領他們走過荒野的時候,他們並不乾渴;他為他們使水從磐石流出來。他裂開磐石,水就湧出來。
21Havana kunzwa nyota nguva yaakavafambisa mumarenje; akavayereresa mvura ichibva padombo, akatsemurawo dombo, mvura zhinji ikadzutuka.
22耶和華說:‘惡人沒有平安。’”
22Zvanzi naJehovha, Vakaipa havana rugare.