聖經新譯本

Shona

Jeremiah

21

1預言耶路撒冷必被圍困耶和華有話臨到耶利米。那時,西底家王差遣瑪基雅的兒子巴施戶珥,和瑪西雅的兒子西番雅祭司去見耶利米,說:
1Shoko, rakauya kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, panguva yakatuma mambo Zedhekia kwaari Pashuri mwanakomana waMarikija, naZefaniya mwanakomana waMaaseya mupristi, achiti,
2“請你替我們求問耶和華,因為巴比倫王尼布甲尼撒來攻擊我們;也許耶和華會為我們行奇事,使尼布甲尼撒離開我們回去。”
2Dotibvunziraiwo kuna Jehovha, nekuti Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi worwa nesu; zvimwe Jehovha ungatiitira chishamiso chakafanana namabasa ake ose anoshamisa, kuti abve kwatiri.
3耶利米就對他們說:“你們要對西底家這樣說:
3Ipapo Jeremiya akati kwavari, Itiyi kuna Zedhekia,
4‘耶和華以色列的 神這樣說:看哪!我必使你們手中的武器,就是你們用來與城外圍困你們的巴比倫王和迦勒底人作戰的武器,轉回堆積在這城的中心。
4Zvanzi naJehovha, Mwari walsiraeri, tarirai, ndichadzosa nhumbi dzokurwa dziri mumaoko enyu, dzamunorwa nadzo namambo weBhabhironi navaKaradhea vanokukombai kunze mukati meguta rino,
5我必在怒氣、烈怒和忿怒中,用伸出來的手和強有力的膀臂,親自攻擊你們。
5Ini ndimene ndicharwa nemwi nechanza chakatambanudzwa noruoko rune simba, nokutsamwa nehasha, neshungu kwadzo.
6我要擊打住在這城的人和牲畜,他們都要因極大的瘟疫而死。
6Ndicharova vagere muguta rino, vanhu nezvipfuwo zvose; zvichafa nehosha yakaipa.
7然後,我必把猶大王西底家和他的臣民,就是在這城裡經過瘟疫、刀劍之災和饑荒而倖存的人,都交在巴比倫王尼布甲尼撒和他們的仇敵,以及尋索他們性命的人的手中。尼布甲尼撒要用刀劍擊殺他們,絕不顧惜,不留情,不憐憫。’”這是耶和華的宣告。
7Pashure ndizvo zvinotaura Jehovha ndichaisa Zedhekia mambo waJudha, navaranda vake navanhu vake, ivo vakasara muguta rino, vakapukunyuka pahosha, napamunondo, napanzara, mumaoko aNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, nomumaoko avavengi vavo, nomumaoko avanotsvaka kuvauraya; iye uchavarova nomunondo unopinza, haangavaregi, kana kuvanzwira tsitsi, kana kuva nenyasha navo.
8勸人民向迦勒底人投降耶和華又吩咐耶利米:“你要對這人民說:‘耶和華這樣說:看哪!我把生命的路和死亡的路擺在你們面前。
8Iwe uti kuvanhu ava, Zvanzi naJehovha, Tarirai, ndinoisa pamberi penyu nzira yohupenyu nenzira yorufu.
9凡留在這城裡的,必因刀劍、饑荒、瘟疫而死;但出去向圍困你們的迦勒底人投降的,必可以活著,撿回自己的性命。
9Ani naani unorambira muguta rino uchaurawa nomunondo nenzara nehosha; asi ani naani unobuda akaenda kuvaKaradhea vanokukombai, iye uchararama, hupenyu hwake huchava kwaari chinhu chaakapamba.
10因為我已經決意向這城降禍不降福;這城必交在巴比倫王的手中,他必放火把城燒毀。’”這是耶和華的宣告。
10nekuti zvanzi naJehovha, Ndakarinzira guta rino chiso changu kuti ndiriitire zvakaipa, ndirege kuriitira zvakanaka; richaiswa mumaoko amambo weBhabhironi, iye ucharipisa nomoto.
11懲罰王室“你要對猶大王室說:‘你們要聽耶和華的話。
11Zvino kana iri imba yamambo waJudha, inzwai shoko raJehovha,
12大衛家啊!耶和華這樣說:你們每早晨應秉公審判,解救被搶奪的脫離欺壓者的手;免得我的烈怒因你們(“你們”有古抄本作“他們”)的惡行發作,如火焚燒,無人能熄滅。
12Nhai imba yaDhavhidhi ndizvo zvinotaura Jehovha tongai zvakarurama mangwanani, murwire wakabirwa muruoko rwounomumanikidza, kuti kutsamwa kwangu kurege kubuda somoto, kuchipfuta kusina ungakudzima, nokuda kwezvakaipa zvamabasa enyu.
13看哪!在山谷上、在巖石平原上的耶路撒冷啊!我要攻擊你。’這是耶和華的宣告。‘你們說:誰能下來攻擊我們,誰能進入我們的住處呢?
13Tarira, ndine mhosva newe, iwe ugere mumupata, padombo romubani ndizvo zvinotaura Jehovha; imi, munoti, Ndiani uchapinda mudzimba dzedu?
14我必照著你們所作的事應得的結果懲罰你們;我要在耶路撒冷的樹林中放火,吞滅她四圍的一切。’”這是耶和華的宣告。
14Ndichakurovai zvakaenzana nezvibereko zvamabasa enyu ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichabatidza moto mudondo raro, uchapedza zvose zvakaripoteredza.