1約伯的德行與財富烏斯地有一個人,名叫約伯。這人完全、正直,敬畏 神,遠離罪惡。
1Kwakanga kuno munhu panyika yeUzi, ainzi Jobho; munhu uyu akanga akakwana, akarurama, aitya Mwari achinzvenga zvakaipa
2他生了七男三女。
2Iye wakaberekerwa vanakomana vanomwe navakunda vatatu.
3他的家產有七千隻羊、三千匹駱駝、五百對牛、五百頭母驢,並且有許多僕婢。這人在全東方的人中至為尊貴。
3Uye fuma yake yakasvika makwai ane zviuru zvinomwe, nemakamera zviuru zvitatu, nemombe dzakaringana majoko ana mazana mashanu, namakadzi embongoro ana mazana mashanu, navanhu vazhinji paimba yake; naizvozvo munhu uyu akanga ari mukuru pakati pavana vamabvazuva.
4他的兒子素常輪流各按自己的日子在家擺設筵席,並且邀請他們的三個姊妹來一同吃喝。
4Vanakomana vake vaisienda kundoita mutambo paimba yomumwe nomumwe wavo pazuva rake; vaituma kundodana hanzvadzi dzavo nhatu kuzodya nokumwa navo.
5輪流設宴的日子一過,約伯就差人去叫他們自潔。他清早起來,按他們的數目獻上燔祭。因為他心裡想:“說不定孩子犯了罪,心中褻瀆了 神。”約伯經常這樣作。
5Zvino kana mazuva okutamba kwavo apera Jobho aituma nhume kuvadana vanatswe, zvino iye ndokumuka mangwanani, ndokupisa zvipiriso zvinopiswa zvaivaringanira vose; nekuti Jobho wakati, Zvimwe vanakomana vangu vakatadza, vakashora Mwari pamoyo yavo; Jobho aisidaro nguva dzose.
6撒但的控告有一天, 神的眾子都來侍立在耶和華面前,撒但也來到他們中間。
6Zvino rimwe zuva vanakomana vaMwari vakati vachindomira pamberi paJehovha, Satani akasvikawo pakati pavo.
7耶和華問撒但:“你從哪裡來?”撒但回答耶和華說:“我在地上徘徊,走來走去。”
7Jehovha akati kuna Satani, Wabvepiko? Satani akapindura Jehovha, akati, Ndabva pakupota-pota nenyika, napakufamba-famba pairi.
8耶和華問撒但:“你有沒有注意到我的僕人約伯?世上再也沒有一個人像他那樣完全、正直,敬畏 神,遠離罪惡。”
8Jehovha akati kuna Satani, Wacherekedza muranda wangu Jobho here? Nekuti hakuna munhu akafanana naye panyika, munhu akakwana, akarurama, anotya Mwari, achinzvenga zvakaipa.
9撒但回答耶和華說:“約伯敬畏 神,難道是無緣無故的嗎?
9Ipapo Satani akapindura Jehovha, akati, Jobho anotya Mwari pasina here?
10你不是在他四周圍上籬笆保護他嗎?他的家和他所有的一切,以及他手所作的,你都賜福,他的家產也在地上增添。
10Hamuna kumupoteredza here norumhanda, iye neimba yake, nezvose zvaanazvo, pamativi ose? Makaropafadza mabasa amaoko ake, uye fuma yake yakawanda panyika.
11只要你伸手打擊他所有的一切,他一定當面褻瀆你。”
11Asi tambanudzai henyu ruoko rwenyu, zvino, murove zvose zvaanazvo, ipapo iye achakushorai pachena.
12耶和華對撒但說:“好吧,他所有的一切都交在你手中,只是不可以伸手害他。”於是撒但從耶和華面前退去。
12Jehovha akati kuna Satani, Tarira, zvose zvaanazvo zviri paruoko rwako; asi usatambanudzira ruoko rwako kwaari. Naizvozvo Satani akabva pamberi paJehovha.
13約伯第一次受試煉有一天,約伯的兒女正在他們長兄的家裡吃飯喝酒的時候,
13Zvino rimwe zuva vanakomana vake navanasikana vake vakati vachidya nokumwa waini paimba yomukuru wavo,
14有報信的來見約伯,說:“牛正在耕田,母驢在附近吃草的時候,
14nhume ikasvika kuna Jobho, ikati, Mombe dzakanga dzichirima, nembongoro dzichichera kurutivi rwadzo,
15示巴人忽然來侵襲,把牛驢擄去,又用刀殺了僕人,只有我一個人逃脫,來向你報告。”
15vaSabea vakadziwira, ndokudzitora, navafudziwo vakavauraya neminondo inopinza; ini ndoga ndakapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.
16這個人還在說話的時候,又有人來說:“ 神的火從天上降下來,把群羊和僕人都燒光了,只有我一個人逃脫,來向你報告。”
16Iye akati achitaura, mumwe akasvikawo, akati, Moto waMwari wakabva kudenga, ukapisa makwai navafudzi, ukavapedza; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.
17他還在說話的時候,又有人來說:“迦勒底人分成三隊突襲駱駝,把牠們擄去,又用刀殺了僕人,只有我一個人逃脫,來向你報告。”
17Iye akati achitaura, mumwe akasvikawo, akati, VaKaradhea vakaita mapoka matatu, vakawira makamera, vakamatora, navafudziwo vakavauraya neminondo inopinza; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.
18他還在說話的時候,又有人來說:“你的兒女正在他們長兄的家裡吃飯喝酒的時候,
18Iye akati achitaura, mumwe akasvikawo, akati, Vanakomana venyu navanasikana venyu vakanga vachidya nokumwa waini mumba momukuru wavo,
19沒想到有一陣狂風,從曠野那邊颳來,吹襲房屋的四角,房屋倒塌在他們身上,他們就都死了,只有我一個人逃脫,來向你報告。”
19dutu guru ndokubva kurutivi rwerenje, ndokurova pamusoro pavana, vakafa; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.
20約伯的堅忍於是約伯起來,撕裂外袍,剃了頭,俯伏在地上敬拜,
20Ipapo Jobho akasimuka, akabvarura nguvo yake, akaveura vhudzi rake akazviwisira pasi, akanamata,
21說:“我赤身出於母胎,也必赤身歸去。賞賜的是耶和華,收回的也是耶和華;耶和華的名是應當稱頌的。”
21akati, Ndakabuda mumimba mamai vangu ndiri musvi, ndichadzokerapo ndiri musvi; Jehovha wakapa, Jehovha wakatora, zita raJehovha ngarikudzwe.
22在這一切事上,約伯並沒有犯罪,也沒有歸咎於 神。
22pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza, haana kuti Mwari akaita noupenzi.