聖經新譯本

Shona

John

11

1拉撒路死了有一個患病的人,名叫拉撒路,住在伯大尼,就是馬利亞和她姊姊馬大的村莊。
1Kwaiva neumwe wairwara, wainzi Razaro weBhetaniya, mumusha waMaria nemukoma wake Marita.
2這馬利亞就是後來用香膏抹主,並且用頭髮把主的腳擦乾的那人;患病的拉撒路是她的兄弟。
2Waiva iye Maria wakazodza Ishe nemafuta, akapusika tsoka dzake nevhudzi rake, hanzvadzi yake Razaro wakange achirwara.
3姊妹二人派人到耶穌那裡去,說:“主啊,你所愛的人病了。”
3Naizvozvo hanzvadzi dzakatumira kwaari dzichiti: Ishe, tarirai uyo wamunoda unorwara.
4耶穌聽見,就說:“這病不至於死,而是為了 神的榮耀,使 神的兒子因此得到榮耀。”
4Jesu wakati anzwa akati: Ukosha uhwu hahwusviki murufu, asi ndehwembiri yaMwari, kuti Mwanakomana waMwari arumbidzwe nahwo.
5耶穌向來愛馬大和她的妹妹馬利亞,以及拉撒路。
5Zvino Jesu wakange achida Marita nemunin'ina wake naRazaro.
6他聽說拉撒路病了,仍然在原來的地方住了兩天,
6Naizvozvo wakati anzwa kuti unorwara, ipapo akagara amwe mazuva maviri panzvimbo paakange ari.
7然後對門徒說:“我們再到猶太去吧。”
7Shure kweizvozvo wakati kuvadzidzi: Hendeizve Judhiya.
8門徒對他說:“拉比,近來猶太人要拿石頭打你,你還到那裡去嗎?”
8Vadzidzi vakati kwaari: Rabhi*, vaJudha vachangobva kutsvaka kukutakai nemabwe; zvino moendazve ikoko here?
9耶穌說:“白晝不是有十二小時嗎?人若在白晝行走,就不會跌倒,因為他看見這世上的光;
9Jesu akapindura akati: Hapana maora gumi nemaviri masikati here? Kana munhu achifamba masikati, haagumburwi, nekuti unoona chiedza chenyika ino.
10人若在夜間行走,就會跌倒,因為他沒有光。”
10Asi kana munhu achifamba usiku, unogumburwa, nekuti hamuna chiedza maari.
11耶穌說完了這些話,跟著又對他們說:“我們的朋友拉撒路睡了,我要去喚醒他。”
11Wakataura zvinhu izvi, shure kweizvozvo ndokuti kwavari: Shamwari yedu Razaro yarara; asi ndinoenda kuti ndimumutse.
12門徒說:“主啊,如果他睡了,就會好過來的。”
12Naizvozvo vadzidzi vake vakati: Ishe, kana arere, uchanaya.
13其實耶穌是指著拉撒路的死說的,門徒卻以為他是指正常的睡眠說的。
13Asi Jesu wakareva zverufu rwake; asi ivo vakafunga kuti unoreva kuzorora kwehope.
14於是,耶穌公開地告訴他們:“拉撒路死了。
14Naizvozvo ipapo Jesu akavaudza pachena: Razaro wafa.
15我為你們歡喜,因為我不在那裡,是要使你們相信。現在我們到他那裡去吧。”
15Zvino ndinofara nekuda kwenyu kuti ndakange ndisipo, kuti mugotenda; asi hendei kwaari.
16那稱為“雙生子”的多馬,對其他的門徒說:“我們也去跟他一同死吧!”
16Naizvozvo Tomasi, wainzi Dhidhimo, wakati kuna vamwe vadzidzi pamwe naye: Hendei isuwo kuti tinofa naye.
17耶穌是復活是生命耶穌到了,知道拉撒路在墳墓裡已經四天了。
17Zvino Jesu wakati achisvika, akawana atova muguva mazuva mana.
18伯大尼靠近耶路撒冷,相距約有三公里。
18Zvino Bhetaniya rakange riri pedo neJerusarema, masitadhiya* anenge gumi nemashanu kubva ipapo;
19有許多猶太人來到馬大和馬利亞那裡,為了拉撒路的死來安慰她們。
19nevazhinji vevaJudha vakange vauya kuna Marita naMaria, kuti vavanyaradze pamusoro pehanzvadzi yavo.
20馬大聽見耶穌來了,就去迎接他,馬利亞卻仍然坐在家裡。
20Zvino Marita wakati angonzwa kuti Jesu wouya, akaenda kunomuchingamidza; asi Maria wakagara mumba.
21馬大對耶穌說:“主啊,如果你早在這裡,我的兄弟就不會死了!
21Marita ndokuti kuna Jesu: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.
22就是現在,我也知道無論你向 神求甚麼, 神必賜給你。”
22Asi naikozvino ndinoziva kuti zvipi zvazvo zvamunokumbira kuna Mwari, Mwari uchakupai.
23耶穌對她說:“你的兄弟必會復活。”
23Jesu akati kwaari: Hanzvadzi yako ichamukazve.
24馬大說:“我知道在末日復活的時候,他必會復活。”
24Marita akati kwaari: Ndinoziva kuti uchamukazve pakumuka nezuva rekupedzisira.
25耶穌說:“我就是復活和生命;信我的人,雖然死了,也要活著。
25Jesu akati kwaari: Ndini kumuka neupenyu; unotenda kwandiri, kunyange akafa, uchararama;
26所有活著又信我的人,必定永遠不死,你信這話嗎?”
26uye umwe neumwe unorarama uye unotenda kwandiri, haangatongofi nekusingaperi. Unotenda izvi here?
27她說:“主啊,我信;我已經信了,你是基督,是 神的兒子,是那要到世上來的。”
27Akati kwaari: Hongu, Ishe; ini ndinotenda kuti ndimwi Kristu, Mwanakomana waMwari, waizouya panyika.
28耶穌使拉撒路復活馬大說了這些話,就回去暗暗地叫她妹妹馬利亞,說:“老師來了,他叫你。”
28Zvino wakati areva izvi akaenda, akanodana Maria munin'ina wake pachivande, akati: Mudzidzisi wasvika, unokudana.
29馬利亞一聽見,就急忙起來,到耶穌那裡去。
29Iye wakati achingozvinzwa, akakurumidza kusimuka akaenda kwaari.
30那時,耶穌還沒有進入村子,仍然在馬大迎接他的地方。
30Zvino Jesu wakange asati asvika pamusha, asi wakange achiri panzvimbo Marita paakamuchingamidza.
31那些在房子和馬利亞在一起安慰她的猶太人,見她匆忙地起來出去,就跟著她,以為她要到墳墓那裡去哭。
31Naizvozvo vaJudha vakange vanaye mumba vachimunyaradza, vakati vachiona Maria kuti wakasimuka nekukurumidza achibuda, vakamutevera vachiti: Unoenda kuguva kuti acheme.
32馬利亞來到耶穌那裡,一看見他,就俯伏在他腳前,說:“主啊,如果你早在這裡,我的兄弟就不會死了!”
32Zvino Maria, wakati achisvika pakange pana Jesu, achimuona, akawira patsoka dzake, achiti kwaari: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.
33耶穌看見她在哭,和她一同來的猶太人也在哭,就心裡激動,難過起來,
33Naizvozvo Jesu wakati achimuona achichema, vaJudhawo vachichema vakange vauya naye, akagomera mumweya, akazvitambudza,
34說:“你們把他安放在哪裡?”他們說:“主啊,請來看。”
34akati: Mamuradzikepi? Vakati kwaari: Ishe, uyai muone.
35耶穌哭了。
35Jesu akachema misodzi.
36於是猶太人說:“你看,他多麼愛這個人!”
36Zvino vaJudha vakati: Tarirai kuti waimuda sei.
37他們中間有人說:“他既然開了瞎子的眼睛,難道不能使這個人不死嗎?”
37Asi vamwe vavo vakati: Uyu wakasvinudza meso ebofu, haagoni kuita here kuti uyuwo asafa?
38耶穌又再心裡激動,來到墳墓前面。那墳墓是一個洞穴,洞口有塊石頭堵住。
38Naizvozvo Jesu wakagomerazve mukati make asvika paguva. Zvino raiva bako, nebwe rakange rakaradzikwa pamusoro paro.
39耶穌說:“把這塊石頭挪開!”死者的姊姊馬大對他說:“主啊,已經四天了,他必定臭了。”
39Jesu akati: Bvisai ibwe. Marita hanzvadzi yewakafa akati kwaari: Ishe, wotonhuhwa; nekuti une mazuva mana.
40耶穌說:“我不是對你說過‘如果你信,就必定看見 神的榮耀’嗎?”
40Jesu akati kwaari: Handina kutaura here kwauri, kuti kana ukatenda, uchaona kubwinya kwaMwari?
41於是他們把石頭挪開。耶穌舉目向天,說:“父啊,我感謝你,因為你垂聽了我,
41Naizvozvo vakabvisa ibwe, pakange paradzikwa wakafa. Jesu ndokusimudzira meso kumusoro, ndokuti: Baba, ndinokuvongai nekuti imwi mandinzwa.
42我知道你常常聽我,但我說這話,是為了周圍站著的群眾,叫他們信是你差了我來。”
42Asi ini ndanga ndichiziva kuti munondinzwa nguva dzose; asi nekuda kwechaunga chakakomberedza ndareva, kuti vatende kuti imwi makandituma.
43說了這話,就大聲呼喊:“拉撒路,出來!”
43Zvino wakati areva izvozvi, akadanidzira nenzwi guru, akati: Razaro, buda!
44那死了的人就出來,他的手腳都纏著布,臉上裹著巾。耶穌說:“解開他,讓他走!”
44Uyo wakange afa ndokubuda, akasungwa makumbo nemaoko nemicheka yeguva, nechiso chake chakapombwa nemucheka wekumeso. Jesu akati kwavari: Musunungurei, mumurege aende.
45祭司長等想殺害耶穌有許多到馬利亞那裡去的猶太人,看見了耶穌所作的事,就信了他。
45Naizvozvo vazhinji vevaJudha, vakange vauya kuna Maria vakati vaona Jesu zvaakaita, vakatenda kwaari.
46但他們中間有些人到法利賽人那裡去,把耶穌所作的事都告訴他們。
46Asi vamwe vavo vakaenda kuvaFarisi, ndokuvaudza zvinhu Jesu zvaakange aita.
47於是祭司長和法利賽人召開公議會,說:“這個人行了許多神蹟,我們怎麼辦呢?
47Naizvozvo vapristi vakuru nevaFarisi vakaunganidza dare remakurukota, vakati: Todini? Nekuti uyu munhu unoita zviratidzo zvizhinji.
48我們若讓他這樣,所有的人都會信他,羅馬人就會來,奪取我們的聖地,除滅我們的民族。”
48Kana tikamurega akadaro, vose vachatenda kwaari; nevaRoma vachauya vakatora zviri zviviri nzvimbo nerudzi rwedu.
49他們當中有一位該亞法,是那年作大祭司的,對他們說:“你們甚麼都不知道,
49Asi umwe wavo, Kayafasi, wakange ari mupristi mukuru gore iroro, akati kwavari: Hamuzivi chinhu imwi,
50也不去想想,一個人代替人民死,免得整個民族滅亡,這對你們是有益的。”
50uye hamurangariri kuti zvakatinakira kuti munhu umwe afire vanhu, uye rudzi rwose rurege kuparara.
51他說這話不是由於自己,而是因為他是那年的大祭司,所以預言耶穌要替猶太民族死;
51Asi haana kureva izvi pachake, asi zvaakange ari mupristi mukuru gore iro, wakaporofita kuti Jesu waizofira rudzi urwo,
52不但替猶太民族死,也要把散居各地的 神的兒女招聚成為一體。
52uye kwete rudzi urwo rwoga, asi kutiwo aunganidze vana vaMwari vakapararira vave umwe.
53從那天起,他們就想殺害耶穌。
53Zvino kubva pazuva iro vakarangana kuti vamuuraye.
54因此,耶穌不再在猶太人中間公開活動,卻離開那裡,到曠野附近的地方去;到了一座名叫以法蓮的城,就和門徒住在那裡。
54Naizvozvo Jesu haana kuzombofamba pachena pakati pevaJudha, asi wakabvapo akaenda kunyika iri pedo nerenje, kuguta rainzi Efuremu, ndokugarako nevadzidzi vake.
55猶太人的逾越節快到了,有許多人在過節前從各鄉上耶路撒冷去,要在那裡潔淨自己。
55Zvino pasika yevaJudha yakange yaswedera; vazhinji ndokubuda mumaruwa vakakwira kuJerusarema pasika isati yasvika, kuti vazvichenure.
56他們到處找尋耶穌,站在聖殿裡的時候,彼此說:“你們認為怎樣?他不會來過節吧?”
56Naizvozvo vakatsvaka Jesu, vakataurirana vamire mutembere, vachiti: Munofungei? Kuti haangatongouyi kumutambo here?
57祭司長和法利賽人早已下了命令:如果有人知道耶穌在哪裡,就要前來報告,好去逮捕他。
57Zvino vose vapristi vakuru nevaFarisi vakange vapa murairo kuti kana kune unoziva kwaari, azivise, kuti vamubate.