1“我把這些事告訴了你們,使你們不致後退。
1Zvinhu izvi ndataura kwamuri, kuti murege kugumburwa.
2人要把你們趕出會堂;並且時候要到,所有要殺害你們的人,以為這樣就是事奉 神。
2Vachakubudisai mumasinagoge; hongu nguva inouya, apo umwe neumwe unokuurayai uchafunga kuti unoitira Mwari basa.
3他們要作這些事,因為他們不認識父,也不認識我。
3Uye zvinhu izvi vachazviita kwamuri, nekuti havana kuziva Baba kana ini.
4我把這些事告訴了你們,讓你們到了那個時候,可以想起我告訴過你們了。我起初沒有把這些事告訴你們,因為我跟你們在一起。
4Asi zvinhu izvi ndataura kwamuri, kuti kana nguva yasvika, muzvirangarire kuti ini ndakakuudzai. Asi zvinhu izvi handina kuzvireva kwamuri kubva pakutanga, nekuti ndaiva nemwi.
5聖靈的工作“現在我要到那差我來的那裡去,你們中間並沒有人問:‘你到哪裡去?’
5Asi ikozvino ndinoenda kune wakandituma, uye hakuna umwe wenyu unondibvunza, achiti: Munoenda kupi?
6然而因為我把這些事告訴了你們,你們心裡就充滿憂愁。
6Asi nekuti ndareva zvinhu izvi kwamuri, kusuruvara kwazadza moyo wenyu.
7但我要把實情告訴你們,我去是對你們有益的。如果我不去,保惠師就不會到你們這裡來;我若去了,就會差他到你們這裡來。
7Asi ini ndinokuudzai chokwadi: Zvakanaka kwamuri kuti ini ndiende; nekuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haazouyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.
8他來了,就要在罪、在義、在審判各方面指證世人的罪。
8Zvino kana asvika, iye uchapwisa nyika nezvechivi, uye nezvekururama, uye nezvemutongo;
9在罪方面,是因為他們不信我;
9zvechivi, nekuti havatendi kwandiri;
10在義方面,是因為我到父那裡去,你們就再看不見我;
10uye zvekururama, nekuti ndinoenda kuna Baba vangu, uye hamundionizve;
11在審判方面,是因為這世界的統治者已經受了審判。
11uye zvemutongo, nekuti mutungamiriri wenyika ino watongwa.
12“我還有許多事要告訴你們,可是你們現在擔當不了;
12Ndichine zvinhu zvizhinji zvekutaura kwamuri, asi hamugoni kuzvitakura ikozvino;
13只等真理的靈來了,他要引導你們進入一切真理。他不是憑著自己說話,而是把他聽見的都說出來,並且要把將來的事告訴你們。
13asi kana iye asvika, Mweya wechokwadi, uchakutungamirirai kuchokwadi chose; nekuti haazozvitauriri pachake, asi choga choga chaanonzwa uchataura, uye uchakupirai zvinhu zvinouya.
14他要榮耀我,因為他要把從我那裡所領受的告訴你們。
14Iye uchandirumbidza, nekuti uchatora pane zvangu, uye uchazvipira kwamuri.
15父所有的一切,都是我的;所以我說,他要把從我那裡所領受的告訴你們。
15Zvose Baba zvavanazvo, ndezvangu; ndokusaka ndichiti uchatora pane zvangu, agopira kwamuri.
16你們的憂愁要變為喜樂“不久,你們不會再看見我;再過不久,你們還要看見我。”
16Kwechinguvana uye hamuchandioni, uye kwechinguvana muchandiona, nekuti ini ndinoenda kuna Baba.
17於是他的門徒中有幾個彼此說:“他對我們說:‘不久,你們不會看見我;再過不久,你們還要看見我。’又說:‘因為我到父那裡去。’這是甚麼意思呢?”
17Zvino vamwe vevadzidzi vake vakataurirana vachiti: Chii ichi chaanoreva kwatiri: Kwechinguvana, hamuchandioni; uyezve kwechinguvana muchandiona; uye: Nekuti ini ndinoenda kuna Baba?
18他們又說:“他所說的‘不久’,是甚麼意思呢?我們不曉得他在講甚麼。”
18Naizvozvo vakati: Chii ichi chaanoreva: Chinguvana? Hatizivi chaanoreva.
19耶穌知道他們想問他,就說:“我所說的‘不久,你們不會看見我;再過不久,你們還要看見我’,你們為了這話彼此議論嗎?
19Zvino Jesu waiziva kuti vakange vachishuva kumubvunza, akati kwavari: Munobvunzana pamusoro pezvizvi here kuti ndati: Kwechinguvana hamuchandioni, uyezve kwechinguvana muchandiona?
20我實實在在告訴你們,你們要痛哭哀號,世人卻要歡喜;你們要憂愁,但你們的憂愁要變為喜樂。
20Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Imwi muchachema nekurira, asi nyika ichafara; uye imwi muchava nekusuruvara, asi kusuruvara kwenyu kuchava mufaro.
21婦人生產的時候會有憂愁,因為她的時候到了;但生了孩子以後,就不再記住那痛苦了,因為歡喜有一個人生到世上來。
21Mukadzi kana achisununguka une marwadzo, nekuti awa rake rasvika; asi kana angopona mucheche, haacharangaririzve marwadzo, nekufara kuti munhu waponwa panyika.
22現在你們也有憂愁;但我要再見你們,你們的心就會喜樂,你們的喜樂是沒有人能夠奪去的。
22Naizvozvo nemwi ikozvino mune kusuruvara; asi ndichazokuonaizve, nemoyo wenyu uchafara; uye hakuna munhu unokutorerai mufaro wenyu.
23到了那天,你們甚麼也不會問我了。我實實在在告訴你們,你們奉我的名無論向父求甚麼,他必定賜給你們。
23Zvino nezuva iro hamuchazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchakumbira kuna Baba muzita rangu vachakupai.
24你們向來沒有奉我的名求甚麼;現在你們祈求,就必定得著,讓你們的喜樂滿溢。
24Kusvikira ikozvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai, uye muchagamuchira, kuti mufaro wenyu uzadzwe.
25耶穌已經勝過世界“我用譬喻對你們說了這些事,時候要到,我不再用譬喻對你們說了,而是把關於父的事明明白白告訴你們。
25Zvinhu izvi ndataura kwamuri mumadimikira; asi nguva inouya apo ndisingazotaurizve kwamuri nemadimikira, asi ndichakuudzai pachena nezvaBaba.
26到了那天,你們要奉我的名祈求,我不是說我要為你們請求父;
26Pazuva iro muchakumbira muzita rangu; uye handirevi kwamuri kuti ini ndichakukumbirirai kuna Baba;
27父自己愛你們,因為你們已經愛我,並且信我是從 神那裡來的。
27nekuti Baba vemene vanokudai, nekuti imwi makandida, mukatenda kuti ini ndakabuda kuna Mwari.
28我從父那裡來,到了這世界;我又離開這世界,到父那裡去。”
28Ndakabuda kuna Baba, uye ndakauya panyika; ndinobvazve panyika, uye ndinoenda kuna Baba.
29門徒說:“你看,現在你是明說,不是用譬喻說了。
29Vadzidzi vake vakati kwaari: Tarirai ikozvino motaura pachena, uye hamutauri madimikira.
30現在我們知道你是無所不知的,不需要人向你發問。因此,我們信你是從 神那裡來的。”
30Zvino tinoziva kuti munoziva zvinhu zvose, uye hamutsvaki kuti munhu akubvunzei; neizvozvi tinotenda kuti makabuda kuna Mwari.
31耶穌對他們說:“現在你們信嗎?
31Jesu akavapindura akati: Ikozvino munotenda here?
32看哪,時候要到,而且已經到了,你們要分散,各人到自己的地方去,只留下我獨自一個人。其實我不是獨自一個人,因為有父與我同在。
32Tarirai, awa rinouya, hongu ikozvino rasvika, rekuti muchaparadzirwa, umwe neumwe kune zvake, uye mundisiye ndoga; izvo handisi ndoga, nekuti Baba vaneni.
33我把這些事告訴你們,是要使你們在我裡面有平安。在世上你們有患難,但你們放心,我已經勝了這世界。”
33Ndareva zvinhu izvi kwamuri, kuti muve nerugare mandiri. Munyika muchava nedambudziko; asi tsungai moyo, ini ndakakunda nyika.