聖經新譯本

Shona

John

9

1治好生來瞎眼的人耶穌走路的時候,看見一個生下來就瞎眼的人。
1Wakati achipfuura, akaona munhu bofu kubva pakuberekwa.
2他的門徒問他:“拉比,這人生下來就瞎眼,是誰犯了罪?是他呢,還是他的父母呢?”
2Vadzidzi vake ndokumubvunza, vachiti: Rabhi*, ndiani wakatadza, uyu kana vabereki vake, kuti aberekwe ari bofu?
3耶穌回答:“不是他犯了罪,也不是他的父母犯了罪,而是要在他身上彰顯 神的作為。
3Jesu akapindura akati: Uyu haana kutadza, kana vabereki vake; asi kuti mabasa aMwari aoneswe maari.
4趁著白晝,我們必須作那差我來者的工;黑夜一到,就沒有人能作工了。
4Ndinofanira kushanda mabasa ewakandituma achiri masikati; usiku hwunouya, apo pasina munhu angagona kushanda.
5我在世上的時候,是世界的光。”
5Kana ndichiri panyika, ndiri chiedza chenyika.
6說了這話,就吐唾沫在地上,用唾沫和了一點泥,把泥抹在瞎子的眼睛上,
6Wakati areva izvi, akapfira pasi, akaita dope nemate, akazodza dope pameso ebofu,
7對他說:“你去西羅亞池洗一洗吧。”(西羅亞就是“奉差遣”的意思。)於是他就去了,洗完了,走的時候,就看見了。
7akati kwaari: Enda unoshamba mudziva reSiroami (zvinoshandurwa kuti: Wakatumwa). Naizvozvo wakaenda akashamba, akadzoka achiona.
8那時,鄰居和以前常常見他討飯的人說:“這不是那一向坐著討飯的人嗎?”
8Naizvozvo vavakidzani nevaimuona pakutanga kuti wakange ari bofu, vakati: Haazi iye uyu waigara achipemha here?
9有的說:“是他。”有的說:“不是他,只是像他。”他自己說:“是我。”
9Vamwe vakati: Uyu ndiye; asi vamwe vakati: Wakaita saiye. Iye akati: Ndini.
10他們就問他:“你的眼睛是怎樣開的呢?”
10Naizvozvo vakati kwaari: Meso ako akazarurwa sei?
11他回答:“那名叫耶穌的人和了一點泥,抹在我的眼上,對我說:‘你去西羅亞池洗一洗吧。’我去一洗,就看見了。”
11Iye akapindura akati: Munhu unonzi Jesu wakaita dope, akazodza meso angu, akati kwandiri: Enda kudziva reSiroami undoshamba. Zvino ndikaenda ndikashamba, ndikaonazve.
12他們說:“那人在哪裡?”他說:“我不知道。”
12Naizvozvo vakati kwaari: Iye uripi? Akati: Handizivi.
13法利賽人查問瞎眼的人他們就把那個從前瞎眼的人帶到法利賽人那裡。
13Vakamuisa kuvaFarisi, iye waimbova bofu.
14耶穌和了泥開他眼睛的那一天,正是安息日。
14Zvino raiva sabata apo Jesu akaita dope, akasvinudza meso ake.
15法利賽人又問他是怎樣可以看見的。他告訴他們:“耶穌把泥抹在我的眼上,我一洗就看見了。”
15Naizvozvo zvekare vaFarisi vakamubvunzawo, kuti wakaonazve sei. Akati kwavari: Waisa dope pameso angu ndikashamba, ndoona.
16有幾個法利賽人說:“那個人不是從 神那裡來的,因為他不守安息日。”另外有些人說:“一個罪人怎能行這樣的神蹟呢?”他們就起了紛爭。
16Naizvozvo vamwe vevaFarisi vakati: Munhu uyu haabvi kuna Mwari, nekuti haachengeti sabata. Vamwe vakati: Munhu uri mutadzi ungaita sei zviratidzo zvakadai? Kukava nekupesana pakati pavo.
17他們再對瞎子說:“他既然開了你的眼睛,你說他是甚麼人?”他說:“他是個先知。”
17Vakatizve kubofu: Iwe unoti kudini pamusoro pake, sezvo asvinudza meso ako? Akati: Muporofita.
18猶太人不信他從前是瞎眼,現在才能看見的,於是把他的父母叫來,
18Zvino vaJudha havana kutenda pamusoro pake, kuti wakange ari bofu, akaonazve, kusvikira vadana vabereki vewakaonazve,
19問他們:“這是你們所說那生下來就瞎眼的兒子嗎?現在他怎麼又能看見呢?”
19naizvovo zvino vakavabvunza, vachiti: Uyu mwanakomana wenyu imwi wamunoti wakaberekwa ari bofu here? Ikozvino woona sei?
20他的父母回答:“我們知道他是我們的兒子,生下來就瞎眼;
20Vabereki vake vakavapindura vakati: Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu, uye kuti wakaberekwa ari bofu;
21現在他是怎樣可以看見的,我們不知道;誰開了他的眼睛,我們也不知道。你們問他吧;他已經長大成人,可以替自己講話了。”
21asi kuti ikozvino woona sei, hatizivi; kana ndiani wasvinudza meso ake, isu hatizivi; iye wayaruka, mubvunzei, iye pachake uchazvitaurira.
22他的父母這樣說,是因為怕猶太人,原來猶太人已經定好了,不論誰承認耶穌是基督,就要把那人趕出會堂。
22Vabereki vake vakareva izvi, nekuti vaitya vaJudha; nekuti vaJudha vakange vatotenderana kuti kana ani nani unobvuma kuti ndiye Kristu, abudiswe musinagoge.
23因此他的父母說:“他已經長大成人,你們問他吧。”
23Naizvozvo vabereki vake vakati: Wayaruka, mubvunzei.
24於是法利賽人第二次把那從前瞎眼的人叫來,對他說:“你應當歸榮耀給 神,我們知道這人是個罪人。”
24Naizvozvo vakadana rwechipiri iye munhu wakange ari bofu, vakati kwaari: Ipa Mwari rumbidzo; isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.
25那人回答:“他是不是個罪人,我不知道;我只知道一件事,就是我本來是瞎眼的,現在能看見了。”
25Naizvozvo iye akapindura achiti: Kunyange ari mutadzi handizivi; chinhu chimwe chandinoziva, kuti ndaiva bofu, ikozvino ndoona.
26他們就問:“他向你作了甚麼呢?他怎樣開了你的眼睛呢?”
26Zvino vakati kwaarizve: Wakaitei kwauri? Wakasvinudza meso ako sei?
27他回答:“我已經告訴你們,但是你們不聽;為甚麼現在又想聽呢?你們也想成為他的門徒嗎?”
27Akavapindura, akati: Ndadokuudzai, asi hamuna kunzwa, munodirei kunzwa zvekare? Nemwi munoda kuva vadzidzi vake kanhi?
28他們就罵他,說:“你才是他的門徒,我們是摩西的門徒。
28Naizvozvo vakamutuka, vakati: Ndiwe mudzidzi wake; asi isu tiri vadzidzi vaMozisi.
29我們知道 神曾對摩西說話;只是這個人,我們不知道他從哪裡來。”
29Isu tinoziva kuti Mwari wakataura kuna Mozisi; asi uyu hatizivi kwaanobva.
30那人對他們說:“這就奇怪了,他開了我的眼睛,你們竟然不知道他從哪裡來。
30Munhu akapindura akati kwavari: Nekuti pachinhu ichi pane chinoshamisa, kuti imwi hamuzivi kwaanobva, asi wasvinudza meso angu.
31我們知道 神不聽罪人的祈求,只聽那敬畏 神,遵行他旨意的人。
31Zvino tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi; asi kana munhu ari mushumiri waMwari, achiita chido chake, uyu unomunzwa.
32自古以來,沒有人聽過生下來就是瞎眼的,有人可以開他們的眼睛。
32Kubvira rinhi hakuna kumbonzwika kuti umwe wakasvinudza meso ewakaberekwa ari bofu.
33這人若不是從 神那裡來的,他就不能作甚麼。”
33Dai uyu anga asingabvi kuna Mwari, haazaigona kuita chinhu.
34他們說:“你的確是在罪中生的,還敢教訓我們嗎?”就把他趕出去。
34Vakapindura vakati kwaari: Iwe zvachose wakaberekerwa muzvivi, zvino iwe wotidzidzisa here? Vakamudzingira kunze.
35耶穌聽見他們把他趕出去,後來遇見他的時候,就對他說:“你信人子嗎?”
35Jesu akanzwa kuti vamudzingira kunze; akati amuwana, akati kwaari: Iwe unotenda kuMwanakomana waMwari here?
36他說:“先生,誰是人子,好讓我信他呢?”
36Iye akapindura akati: Ndiani, Ishe, kuti nditende kwaari?
37耶穌說:“你已經見過他,現在跟你說話的就是他。”
37Jesu ndokuti kwaari: Newe wamuona, uye ndiye unotaura newe.
38那人說:“主啊,我信。”就向他下拜。
38Zvino akati: Ishe ndinotenda; akamunamata.
39耶穌說:“我到這世上來是為了審判,使那看不見的能夠看見,能看見的反而成了瞎眼的。”
39Jesu ndokuti: Kutonga ndiko ini kwandakauyira panyika ino, kuti vasingaoni vaone; nevanoona vave mapofu.
40有些和耶穌在一起的法利賽人聽了這話,就說:“難道我們也是瞎眼的嗎?”
40Uye avo vevaFarisi vaiva naye vakanzwa zvinhu izvi, vakati kwaari: Nesu tiri mapofu here?
41耶穌對他們說:“如果你們是瞎眼的,就沒有罪了;但現在你們說‘我們能看見’,所以你們還是有罪的。”
41Jesu akati kwavari: Dai maiva mapofu, mungadai musina chivi. Asi ikozvino munoti: Tinoona; naizvozvo chivi chenyu chinoramba chiripo.