1五王聯合攻打基遍耶路撒冷王亞多尼.洗德聽見約書亞佔領了艾城,把城完全毀滅,約書亞怎樣對待耶利哥和耶利哥的王,也照樣對待艾城和艾城的王;又聽見基遍的居民已經與以色列人議和,並可以住在這地,
1Zvino Adhoni-zedheki, mambo weJerusaremu, wakati achinzwa kuti Joshua wakakunda Ai, akariparadza chose, uye kuti wakaitira Ai namambo waro sezvaakaitira Jeriko namambo waro, uye kuti vanhu veGibhiyoni vakanga vayanana navaIsiraeri, vakagara pakati pavo;
2他們就非常懼怕。因為基遍是大城,好像一座王城;又因為基遍比艾城大,城裡所有的人都是勇士。
2vakatya kwazvo, nekuti Gibhiyoni rakanga riri guta guru, rakanga rakaita somumwe wemizinda yamambo; uye nekuti rakanga riri guru kupfuura Ai, navarume varo vose vakanga vane simba.
3因此,耶路撒冷王亞多尼.洗德派人到希伯崙王何咸、耶末王毗蘭、拉吉王雅非亞和伊磯倫王底璧那裡去,對他們說:
3Naizvozvo Adhoni-zedheki, mambo weJerusaremu, akatuma nhume kuna Hohami, mambo weHebhuroni, nokuna Pirami, mambo weJarimuti, nokuna Jafia, mambo weRakishi, nokuna Dhebhiri, mambo weEgironi, akati,
4“求你們上我這裡來幫助我,我們好攻打基遍,因為基遍已經與約書亞和以色列人議和了。”
4Kwirai kwandiri, mundibatsire, tirwe navaGibhiyoni, nekuti vakayanana naJoshua navana vaIsiraeri.
5於是亞摩利人的那五個王,就是耶路撒冷王、希伯崙王、耶末王、拉吉王和伊磯倫王,聯合起來,帶著他們所有的軍隊上去,在基遍的對面安營,攻打基遍。
5Naizvozvo madzimambo mashanu avaAmori, vaiti mambo weJerusaremu, namambo weHebhuroni, namambo weJarimuti, namambo weRakishi, namambo weEgironi vakaungana, vakaenda ivo nehondo dzavo dzose, vakavaka misasa yavo pamberi peGibhiyoni, vakarwa naro.
6約書亞擊敗五王基遍人就派人到吉甲營中約書亞那裡去,說:“不可丟棄你的僕人,求你快快上我們這裡來拯救我們、幫助我們;因為住在山地的亞摩利人所有的王都集合起來攻擊我們。”
6Ipapo varume veGibhiyoni vakatuma nhume kuna Joshua kumisasa yakanga iri paGirigari, vakati, Musaregerera henyu varanda venyu; kurumidzai mukwire kwatiri, mutirwire nokutibatsira, nekuti madzimambo ose avaAmori vagere munyika yamakomo vakatiunganira kuzorwa nesu.
7於是約書亞和所有能作戰的人,以及所有英勇的戰士,都一起從吉甲上去。
7Ipapo Joshua akakwira achibva Girigari, iye navanhu vose vehondo vaakanga anavo, navarume vose vaiva nesimba noumhare.
8耶和華對約書亞說:“你不要怕他們,因為我已經把他們交在你手裡了;他們必沒有一人能在你面前站立得住。”
8Jehovha akati kuna Joshua, Usavatya, nekuti ndavaisa mumaoko ako; hakuna munhu uchagona kumira pamberi pako.
9於是約書亞乘夜從吉甲上去,突然來到他們那裡。
9Naizvozvo Joshua akavarwira pakarepo; akafamba usiku hwose achibva Girigari.
10耶和華使他們在以色列人面前潰亂,約書亞在基遍大大地擊殺他們,沿著伯.和崙的上坡路追趕他們,擊打他們,直到亞西加和瑪基大。
10Zvino Jehovha akavavhundusa pamberi paIsiraeri, akavauraya nokuuraya kukuru paGibhiyoni, akavadzingirira nenzira yaikwira Bheti-horoni, akavaparadza kusvikira Azeka, nokusvikira Makedha.
11他們從以色列人面前逃跑,正在下伯.和崙斜坡的時候,耶和華從天上降大冰雹在他們身上,一直到亞西加,打死他們;被冰雹打死的,比以色列人用刀殺死的還多。
11Zvino vakati vachitiza pamberi pavaIsiraeri, vari pamatenusirwa anoburukira Bheti-horoni, Jehovha akakanda pamusoro pavo mabwe makuru akanga achibva kudenga, kusvikira Azeka, vakafa; ivo, vakafa nechimvuramabwe, vakanga vari vazhinji kuna vakaurawa neminondo navana vaIsiraeri.
12日月停止那時,就是耶和華把亞摩利人交給以色列人的時候,約書亞在以色列人面前對耶和華說:“太陽啊,停在基遍;月亮啊,停在亞雅崙谷。”
12Zvino Joshua akataura naJehovha nomusi Jehovha waakaisa vaAmori mumaoko avana valsiraeri, akati pamberi pavaIsiraeri,
13於是太陽停住,月亮站住,直到以色列人在仇敵的身上報了仇。這事不是寫在《雅煞珥書》上嗎?太陽在天空中站住,不急速下落,約有一整天。
13Zuva rikamira, nomwedzi ukarambirapo, kusvikira rudzi rwazvitsivira vavengi varwo.
14在這日以前或這日以後,耶和華聽人的禱告,沒有像這日一樣的,因為耶和華為以色列作戰。
14Hakuna kumbova nezuva rakadaro kubva pakutanga kana shure kwaro, kuti Jehovha wakateerera inzwi romunhu; nekuti Jehovha wakarwira vaIsiraeri.
15後來,約書亞和眾以色列人回到吉甲營那裡去。
15Joshua akadzokera navaIsiraeri vose kumisasa paGirigari.
16生擒五王就地正法那五個王逃跑了,躲藏在瑪基大洞裡。
16Madzimambo awo mashanu akatiza, vakandovanda mubako paMakedha.
17有人告訴約書亞,說:“那五個王已經找到了,都躲藏在瑪基大洞裡。”
17Joshua akaudzwa, zvichinzi, Madzimambo iwayo mashanu akawanikwa, akavanda mubako paMakedha.
18約書亞說:“你們把幾塊大石頭輥到洞口那裡去,並派人到洞口去看守他們。
18Zvino Joshua akati, Kungurusai mabwe makuru pamuromo webako, nokuisa varume ipapo kuvarinda.
19你們卻不可站著,要追趕你們的仇敵,從後面擊殺他們,不可讓他們逃進自己的城中,因為耶和華你們的 神已經把他們交在你們的手裡了。”
19Asi imwi musamira henyu; teverai vavengi venyu, mundovauraya veshure vavo; musavatendera kupinda mumaguta avo, nekuti Jehovha Mwari wenyu wakavaisa mumaoko enyu.
20約書亞和以色列人把他們殺得慘敗,直到把他們滅絕為止,那些逃脫的人都逃進設防的城裡;
20Zvino Joshua navana vaIsiraeri vakati vapedza kuvauraya nokuuraya kukuru, kusvikira vaparadzwa, navakanga vasara kwavari vapinda mumaguta akavakirwa masvingo;
21眾以色列人都平平安安回到瑪基大營中約書亞那裡。沒有人敢說話攻擊以色列人。
21vanhu vose vakadzokera kumisasa kuna Joshua paMakedha norugare; hakuna munhu wakasimudzira mumwe wavana vaIsiraeri rurimi rwake.
22約書亞說:“你們打開洞口,把那五個王從洞裡拉出來,帶到我這裡來。”
22Zvino Joshua akati, Zarurai muromo webako, mubudise madzimambo mashanu iwayo mubako muuye nawo kwandiri.
23眾人就照著執行,他們把那五個王,就是耶路撒冷王、希伯崙王、耶末王、拉吉王和伊磯倫王,從洞裡拉出來,帶到約書亞那裡去。
23Ivo vakaita saizvozvo, vakabudisa madzimambo iwayo mashanu mubako vakauya navo kwaari, vaiti mambo weJerusaremu, namambo weZebhuroni, namambo weJarimuti, namambo weRakishi, namambo weEgironi.
24眾人把那五個王帶到約書亞那裡去的時候,約書亞把所有的以色列人都召了來,對那些與他同去作戰的軍長說:“你們走前來,把腳踏在這些王的頸項上。”他們就走前來,把腳踏在那些王的頸項上。
24Zvino vakati vabudisa madzimambo iwayo vakauya navo kuna Joshua, Joshua akadana varume vose vaIsiraeri, akati kuvakuru vehondo vakanga vanaye, Swederai, muise tsoka dzenyu pamitsipa yavo.
25約書亞對他們說:“你們不要懼怕,不要驚慌;總要堅強勇敢,因為耶和華必這樣對待你們要攻打的所有仇敵。”
25Zvino Joshua akati kwavari, Musatya, kana kuvhunduswa; simbai mutsunge moyo, nekuti Jehovha uchaita saizvozvo navavengi venyu vose, vamunorwa navo.
26隨後,約書亞把那五個王殺死,懸在五棵樹上;他們就懸在樹上,直到晚上。
26Pashure Joshua akavabaya, akavauraya, ndokuvasungirira pamiti kusvikira madekwana.
27到了日落的時候,約書亞吩咐人把他們從樹上取下來,丟在他們躲藏過的洞裡,把幾塊大石頭放在洞口;這些石頭一直存到今日。
27Nenguva yokuvira kwezuva Joshua akaraira vanhu, vakavaturura pamiti, vakavakandira mubako mavakanga vakavanda, vakaisa mabwe makuru pamuromo webako; aripo kusvikira zuva rino ranhasi.
28約書亞攻取南部各城在那天,約書亞佔領了瑪基大,用刀擊殺了那城的人和那城的王,把城中所有的人完全毀滅,不容一人逃脫;他對待瑪基大王就像對待耶利哥王一樣。
28Joshua akakunda Makedha nomusi iwoyo, akariparadza neminondo inopinza, namambo waro; akavaparadza chose navanhu vose vakanga varimo; haana kusiya kunyange nomumwe; akaitira mambo weMakedha sezvaakaitira mambo weJeriko.
29約書亞和跟他在一起的眾以色列人從瑪基大往立拿去,攻打立拿。
29Zvino Joshua akabva Makedha, iye navalsiraeri vose vaakanga anavo, vakaenda Ribhina vakarwa neRibhina;
30耶和華把立拿和立拿的王也交在以色列人手裡,約書亞用刀攻擊那城,殺了城裡所有的人,不容一人逃脫;他對待立拿王就像對待耶利哥王一樣。
30Jehovha akariisawo namambo waro mumaoko alsiraeri; akariparadza neminondo inopinza, navanhu vose vakanga varimo; haana kusiyamo kunyange nomumwe; akaitira mambo waro sezvaakaitira mambo weJeriko.
31約書亞和跟他在一起的眾以色列人從立拿往拉吉去,對著拉吉安營,攻打這城。
31Zvino Joshua akabva Ribhina, iye navaIsiraeri vose vaakanga anavo, vakaenda Rakishi, vakavaka misasa yavo pedo naro, vakarwa naro;
32耶和華把拉吉交在以色列人手裡,第二天約書亞就佔領了拉吉,用刀攻擊那城,殺了城中所有的人,跟他對立拿所行的一切一樣。
32Jehovha akaisa Rakishi mumaoko avaIsiraeri, akarikunda nezuva repiri, akariparadza neminondo inopinza, navanhu vose vakanga varimo, sezvose zvaakaitira Ribhina.
33那時,基色王荷蘭上來幫助拉吉,約書亞就把他和他的人民都擊殺了,沒有留下一人。
33Zvino Horamu, mambo weGezeri, wakakwira kuzobatsira Rakishi; Joshua akamuuraya navanhu vake, kusvikira asina kumusiira kunyange nomunhu mumwe.
34約書亞和與他在一起的眾以色列人從拉吉往伊磯倫去,對著伊磯倫安營,攻打這城。
34Zvino Joshua akabva Rakishi, iye navaIsiraeri vose vaakanga anavo, vakaenda Egironi; vakavaka misasa yavo pedo naro, vakarwa naro;
35那一天,他們佔領了這城,用刀攻擊那城,殺了城中所有的人;那一天約書亞把他們完全毀滅,跟他對拉吉所行的一切一樣。
35vakarikunda nomusi iwoyo, vakariparadza neminondo inopinza; vakaparadza chose nomusi iwoyo vanhu vose vakanga varimo, sezvose zvaakaitira Rakishi.
36約書亞和與他在一起的眾以色列人從伊磯倫上希伯崙去,攻打這城。
36Zvino Joshua akabva Egironi, iye navaIsiraeri vose vaakanga anavo, vakaenda Hebhuroni, vakarwa naro;
37他們佔領了這城,用刀攻擊這城,殺了這城的王,又攻擊屬於這城的城鎮,殺了城中所有的人,不容一人逃脫,跟他對伊磯倫所行的一切一樣,把這城和城中所有的人完全毀滅。
37vakarikunda, nokuriparadza neminondo inopinza, namambo waro, namaguta aro ose, navanhu vose vakanga varimo; haana kusiya kunyange nomumwe, sezvose zvaakaitira Egironi; asi wakariparadza chose navanhu vose vakanga varimo.
38約書亞和與他在一起的眾以色列人回到了底璧,攻打這城。
38Zvino Joshua akadzokera Dhebhiri, navaIsiraeri vose vaakanga anavo; vakarwa naro;
39約書亞佔領了這城,抓住這城的王,又佔領了屬於這城的一切城鎮;以色列人用刀擊殺他們,把城中所有的人都毀滅了;約書亞不容一人逃脫,他怎樣對待希伯崙,也照樣對待底璧和底璧的王;也好像他對待立拿和立拿的王一樣。
39akarikunda, namambo waro, namaguta aro ose; vakavauraya neminondo inopinza, nokuparadza chose vanhu vose vakanga varimo; haana kusiya kunyange nomumwe; sezvaakaitira Hebhuroni, ndizvo zvaakaitira Dhebhiriwo, namambo waro; sezvaakaitirawo Ribhina namambo waro.
40這樣,約書亞擊殺了全地的人,就是山地、南地、高原和山坡的人,以及那些地方所有的王,不容一人逃脫;約書亞照著耶和華以色列的 神的吩咐,把有氣息的都完全毀滅了。
40Saizvozvo Joshua wakaparadza nyika yose, nyika yamakomo neyenyasi, neyamapani, neyemitenusirwa, namadzimambo adzo ose, haana kusiya kunyange nomumwe; asi wakaparadza zvose zvipenyu, sezvakaraira Jehovha Mwari waIsiraeri.
41約書亞從加低斯.巴尼亞擊殺他們,直到迦薩,又從歌珊全地擊殺他們,直到基遍。
41Joshua akavaparadza kubva Kadheshi-bharinea kusvikira Gaza, nenyika yose yeGosheni kusvikira Gibhiyoni.
42約書亞在這一次戰役中擊敗了這些王和佔領了他們的地,是因為耶和華以色列的 神為以色列作戰。
42Madzimambo iwayo ose nenyika dzawo akakundwa naJoshua nenguva imwe, nekuti Jehovha Mwari waIsiraeri wakarwira Isiraeri.
43於是約書亞和與他在一起的眾以色列人回到吉甲營中。
43Ipapo Joshua akadzokera kumisasa paGirigari, iye navaIsiraeri vose vaakanga anavo.