1基甸帶三百人攻打米甸人耶路.巴力,就是基甸,和所有與他在一起的人,清早起來,在哈律泉旁安營;米甸營就在他們的北面,靠近摩利山岡的平原上。
1Zvino Jerubhaari, ndiye Gidheoni, wakamuka mangwanani, iye navanhu vose vaiva naye, vakandodzika matende avo patsime reHarodhi; misasa yaMidhiani yakanga iri nechokumusoro kwavo, pachikomo cheMore pamupata.
2耶和華對基甸說:“與你在一起的人太多,我不能把米甸人交在你們手中,免得以色列人向我自誇:‘是我們自己的手救了我們。’
2Jehovha akati kuna Gidheoni, Vanhu vaunavo vakawandisa, kuti ndiise vaMidhiani mumaoko avo; kuti vaIsiraeri varege kuzvikudza pamberi pangu, vachiti, Maoko edu ndiwo akatiponesa.
3現在你要向眾民宣告:‘害怕戰慄的,可以回去,離開基列山。’”於是眾民中有二萬二千人回去,只剩下一萬人。
3Naizvozvo zvino, enda undoparidza vanhu vazvinzwe, uti, Ani naani unotya, unodedera, ngaadzoke hake, abve pagomo reGiriyadhi. Vanhu vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri vakadzoka, vakasara vane zviuru zvine gumi.
4耶和華對基甸說:“人還是太多,你要領他們下到水旁去,我要在那裡為你試驗他們。我指著誰對你說:‘這人可以與你同去’,他就可以與你同去;我指著誰對你說:‘這人不可以與你同去’,他就不可以與你同去。”
4Ipapo Jehovha akati kuna Gidheoni, Nazvino vanhu vachiri vazhinji, enda navo kumvura ndivaidzepo; zvino kana ndikati kwauri, Uyu anofanira kuenda newe, ndiye uchaenda newe; asi kana ndikati kwauri, Uyu haafaniri kuenda newe, iye haangaendi.
5於是基甸帶他們下到水邊去;耶和華對基甸說:“用舌頭舔水,像狗舔水的,你要把他們安置在一處;屈膝跪下喝水的,也要把他們安置在一處。”
5Ipapo akaenda navanhu kumvura; Jehovha akati kuna Gidheoni, Mumwe nomumwe unokapa mvura norurimi sezvinokapa imbwa, unofanira kumuisa kurutivi ari oga; saizvozvowo mumwe nomumwe unopfugama pamabvi ake pakumwa.
6用手捧到嘴邊舔水的,總數共有三百人;其餘的人都屈膝跪下喝水。
6Zvino vanhu vakanga vakapa, vachiisa maoko avo kumiromo, vakasvika varume vana mazana matatu; asi vamwe vose vakapfugama pamabvi avo pakumwa mvura.
7耶和華對基甸說:“我要用這舔水的三百人拯救你們,把米甸人交在你們的手裡,所有其他的人都可以各回自己的地方去。”
7Ipapo Jehovha akati kuna Gidheoni, Ndichakuponesai navarume ava vana mazana matatu vakakapa mvura, nokuisa vaMidhiani muruoko rwako; vanhu vose ngavaende havo, mumwe nomumwe kutende rake.
8於是眾民手裡拿著食物和號角;所有其他的以色列人,基甸都打發他們各回自己的帳棚去,只留下這三百人。當時米甸營就在他們下面的平原裡。
8Naizvozvo vanhu vakatora mbuva yavo mumaoko avo, nehwamanda dzavo; akaendisa vamwe varume vose vaIsiraeri, mumwe nomumwe kutende rake, asi wakasara navana mazana matatu; misasa yaMidhiani yakanga iri pasi pake mumupata.
9當夜,耶和華對基甸說:“起來,下去攻營,因為我已經把他們交在你手裡了。
9Zvino nousiku uhwo Jehovha akati kwaari, Simuka, uburukire kumisasa, nekuti ndakavaisa muruoko rwako.
10如果你害怕一人下去,可以帶著你的童僕普拉一同下到營地那裡去;
10Asi kana uchitya kuburuka, uburuke kumisasa una Pura muranda wako;
11你要聽聽他們說甚麼,然後你的手就必堅強起來,有膽量下去攻營了。”於是基甸帶著他的童僕普拉一同下去,到營中駐軍的邊緣。
11ugondonzwa zvavanotaura; shure kwaizvozvo maoko ako achasimbiswa kuburukira kumisasa. Ipapo akaburuka ana Pura muranda wake, kusvikira kumudzivo wavarwi, vakanga vari pamisasa.
12那時米甸人、亞瑪力人和所有的東方人,都散布在平原上,好像蝗蟲那麼多;他們的駱駝無數,好像海邊的沙那麼多。
12Zvino vaMidhiani navaAmareki navana vose vamabvazuva vakanga vari mumupata, vakawanda semhashu; namakamera avo akanga asingagoni kuverengwa, akanga akawanda sejecha riri pamahombekombe egungwa.
13基甸到了,就聽見一個人正在把他的夢告訴他的同伴,說:“我作了一個夢,夢見一個大麥餅滾入米甸營中,到了帳幕,把帳幕撞倒,帳幕就翻轉朝上了。”
13Zvino Gidheoni wakati asvika, akanzwa munhu wakange achirondedzera kurota kwake kushamwari yake, akati, Tarira, ndarota hope, ndikaona chingwa chakabikwa chebhari chichikungurukira kumisasa yaMidhiani, chikasvika patende, ndokurirova rikawa; chikaritsindikira, tende rikavata pasi.
14他的同伴回答:“這不是別的,這是以色列人約阿施的兒子基甸的刀; 神已經把米甸和全營交在他手中了。”
14Shamwari yake ikapindura, ikati, Hachizi chimwe chinhu, asi ndiwo munondo waGidheoni, mwanakomana waJoashi, murume waIsiraeri, Mwari wakaisa Midhiani nehondo yose muruoko rwake.
15基甸聽見了這夢的敘述和夢的講解,就敬拜 神;然後返回以色列營中,說:“起來,因為耶和華已經把米甸的軍隊交在你們手裡了。”
15Zvino Gidheoni wakati achinzwa kurondedzerwa kokurota uku nokududzirwa kwako, akanamata; akadzokera kumisasa, akati, Simukai, nekuti Jehovha wakaisa misasa yaMidhiani mumaoko enyu.
16於是他把三百人分作三隊,把角和空瓶交在各人手裡,又把火把放在瓶裡。
16Zvino akakamura varume avo vana mazana matatu, akaita mapoka matatu, akapa mumwe nomumwe hwamanda muruoko rwake, nezvirongo zvisine chiro, nezhenje mukati mezvirongo.
17然後對他們說:“你們要看著我,也要照樣行事。注意!我到了營的邊緣,我怎樣行事,你們也要怎樣行事。
17Akati kwavari, Mutarire kwandiri, mugoita seni; tarirai, kana ndichisvika kumudzivo wemisasa, sezvandinoita ini, nemiwo muite saizvozvo.
18我和所有與我在一起的人吹角的時候,你們也要在全營的四周吹角,喊叫說:‘為耶和華!為基甸!’”
18Kana ndoridza hwamanda ini navose vandinavo, nemiwo muridze hwamanda kunhivi dzose dzemisasa, muchiti, Munondo waJehovha nowaGidheoni!
19基甸用計策驚潰敵人基甸和所有與他在一起的一百人,在半夜三更的起初,換更的時候,來到了營的邊緣,就吹起角來,打破手中的瓦瓶。
19Naizvozvo Gidheoni navarume vane zana vaakanga anavo, vakasvika kumudzivo wemisasa pakutanga kwenguva yapakati yousiku, vachangoisa varindi, vakaridza hwamanda, vakaputsa zvirongo zvakanga zviri mumaoko avo.
20三隊的人就都吹角,打破瓦瓶,左手緊握著火把,右手緊握著角不住地吹,並且喊叫說:“耶和華和基甸的刀!”
20Ipapo mapoka matatu akaridza hwamanda, vakaputsa zvirongo, vakabata zhenje mumaoko avo oruboshwe, nehwamanda dzokuridza mumaoko avo orudyi, vakadanidzira vachiti, munondo waJehovha nowaGidheoni!
21他們在營的四周各站在自己的位置;全營的人都亂跑,他們一面叫喊,一面逃跑。
21Vakamira mumwe nomumwe panzvimbo yake, vakakomba misasa; hondo yose ikamhanya, vakaridza mhere, vakatiza.
22三百人吹那三百枝角的時候,耶和華使全營的人用刀互相擊殺,然後他們向著西利拉逃到伯.哈示他,直到靠近他巴的亞伯.米何拉河邊。
22Vakaridza hwamanda dzina mazana matatu, Jehovha akarwisa munondo womumwe nomumwe neshamwari yake, uye nehondo yose; hondo ikatiza kusvikira paBhetishita kurutivi rweZerera, kusvikira kumuganhu weAbherimehora, paTabhati.
23米甸人大敗以色列人就從拿弗他利、亞設和瑪拿西全地被召來,追趕米甸人。
23Zvino varume vaIsiraeri vakaungana, vachibva kwaNafutari, nokwaAsheri, nokwaManase, vakatevera Midhiani.
24基甸派遣了使者走遍以法蓮山地,說:“你們要下來迎戰米甸人,在他們前面把守約旦河的渡口,直到伯.巴拉。”於是以法蓮的人都被召來,把守約旦河的渡口,直到伯.巴拉。
24Gidheoni akatuma nhume panyika yose yamakomo yaEfuremu, akati, Burukai mundorwa naMidhiani, muvatangire kugarira nzizi dzemvura kusvikira paBheti-bhara neJoridhaniwo.
25他們捉住了米甸人的兩個首領:俄立和西伊伯;把俄立殺在俄立磐石上,把西伊伯殺在西伊伯榨酒池那裡;然後追趕米甸人,又把俄立和西伊伯的人頭帶到約旦河對岸,基甸那裡。
25Vakabata machinda maviri aMidhiani, Orebhi naZeebhi, vakauraya Orebhi padombo raOrebhi, naZeebhi, vakamuuraya pachisviniro chewaini chaZeebhi, vakatevera vaMidhiani; vakauya nemisoro ya Orebhi naZeebhi kuna Gidheoni mhiri kwaJoridhani.